1 Mumasure mozvakarezvo, Phauro adobva paAtene achienda kuKorinde. 2 Adowana muJudha, waiitiwa Akwira, nzvahwa yokuPondasi, achandobva kuItari, naPurisira mukadzi wache, nokuti Khiraudhiyasi wanga waraira kuti vaJudha vese vabirike muRoma. Saka adoenda kovaona, 3 zvino nokuti wanga ari wobasa ribodzi navo adogara navo, vachishanda, ndava basa ravo ranga riri rokugadzira matende. 4 Sabata regarega adokurukurirana navo musinagoge, achikohomedza vaJudha novaGiriki.
5 Sairasi naTimoti pavadosvika vachibva kuMakedhoniya, Phauro wanga adobatikana nokuparidza, achipupurira vaJudha kuti Jesu ndiye Khirisitu. 6 Zvino pavadomupikisa nokumushora, adokuhumura hembe dzache adoti kwavari, "Gazi renyu mbarive pamisoro yenyu! inini handinai mhosva. Kubva iyezvino ndichaenda kuno vasiri vaJudha." 7 Adobirika pakarepo achienda kumba kwaTito Jusito, anonamata Mwari, imba yache yanga iri papfupi nosinagoge. 8 Khirisipasi mukuru wosinagoge, adotenda muna Ishe, pabodzi novoimba yache vese; novaKorinde vazinji vadonzva ndokutenda vadoombekewa.
9 Zvino pano humwe usiku Ishe adonyaira kuna Phauro muchiratidzo achiti, "Reka kucha, nyaira, reka kunyarara, 10 ndava ndinewe, hapanai munhu achakuhwisa kuti akukuwadze, ndava ndinovanhu vazinji muguta rakarerino." 11 Saka iye adogara gore nomwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12 Asi Gariyo paadova mukuru woAkaya, vaJudha vadobatana kuhwisa Phauro vachimuendesa kudare romhosva, 13 vachiti, "Murume wakareyu ari kukurudzira vanhu kunamata Mwari zvinopesana nomutemo." 14 Asi Phauro paanga waakuda kunyaira, Gariyo adoti kuvaJudha, "Dai iri nyaya yokudzonga kana mhosva ikuru, ndingadai ndino chikonzero chokuita mwoyo murefu naimipa, vaJudha, 15 asi sezvo iri nyaya yomibvunzo yomashoko nomazita nomutemo wenyu, zvionerei mega, inini ndinoramba kuva mutongi wozvinhu zvakarezvo." 16 Adovabiritsa mudare. 17 Zvino vese vadobata Sositeni, mukuru wosinagoge, ndokumurova pamberi podare. Asi Gariyo haanai kuita basa nazvo.
18 Mumasure mozvakarezvi Phauro adogara pakarepo mazuva mazinji. Adodzobva pahama, achibva waenda kuSiriya nochikepe, ana Akwira naPurisira, paKenikiriya adogusiwa bvudzi mumusoro wache ndava wanga ano mhiko. 19 Zvino vadosvika paEfeso, iye ndokuvasiya pakarepo, asi iye pachake adopinda musinagoge ndokupikisana novaJudha. 20 Pavadomukumbira kugara nguwa irefu, haanai kubvuma; 21 asi achigonekana navo adoti, "Ndichadzoka kwamuri kana Mwari achida," ndokubirika paEfeso nochikepe.
22 Paadosvika paKesariya, adoenda komoresa kherekhe, ndokudzoenda kuAndiyoki. 23 Pamasure pokutora nguwa ari pakarepo adobirika, achienda kunzvimbo nonzvimbo mumatunhu yoGaratiya noFirigiya, achisimbisa vadzidzi vese.
24 Zvino muJudha waiitiwa Aporo, nzvahwa yokuArekizandiriya, adouya kuEfeso. Wanga ari murume anokona kunyaira, waiziva magwaro chaizvo. 25 Wanga adorovedzehwa munzira yaIshe, futi achipisa pamweya, adonyaira nokunatsa kudzidzisa nozvaJesu, kunyange zvazvo waindoziva ruombeko raJohwani basi. 26 Iye adothanga kunyaira asingache musinagoge, asi Purisira naAkwira pavadomunzva, vadomutora ndokumutsangurira nzira yaMwari zvidozara. 27 Adoti achida kuyambukira kuAkaya hama dzidomukurudzira, dzichinyorera kuvadzidzi kuti vamutambire. Paadosvika, adobatsira zvikuru ivo vanga vatenda kuburikidza nomutsa waMwari, 28 Ndava nosimba adokunda vaJudha pachena, achinangidza noMagwaro kuti Jesu ndiye Khirisitu.