Publicidade

Atos 15

MuSangano paJerusarema

1 Asi vamwe varume vadouya kubva kuJudhiya vachidzidzisa hama vachiti, "Kunze kwokunge machecheudziwa notsika yaMozisi, munoponesewaba." 2 Zvino Phauro naBhanabhasi vadopesanaba pashoma navo, vachivapikisa, Phauro naBhanabhasi naabiyavo vadosarudziwa kuti vaende kuJerusarema koona nhumwa novakuru pamusoro pomubvunzo wakareyu.

3 Nokudaro pavadoendesewa noKherekhe, vadopinda nokwese kuFonisiya nokuSamariya, vachizivisa zvokupinduka kwovasiri vaJudha, uye vadopasa mufaro mukuru kuhama dzese. 4 Pavadosvika kuJerusarema, vadotambihwa nokherekhe nonhumwa novakuru, uye vadorondedzera zvese zvidoitiwa naMwari kuburikidza navo. 5 Asi vamwe vaiva vatendi vobato rovaFarisi vadosumuka, vachiti, "Zvidokosha kuti vachecheudziwe nokuvaraira kuchengeta mutemo waMozisi."

6 Nhumwa novakuru vadoungana pabodzi kuti vaise musoro pabodzi pamusoro ponyaya yakarei. 7 Zvino mumasure monharo dzikuru, Pita adosumuka ndokuti kwavari, "Hama dzangu, munoziva kuti kubvira pamazuva yokarekare Mwari adoita sarudzo pakati penyu, kuti nomuromo wangu vasiri vaJudha vanzve shoko rovhangeri vatende. 8 Uye Mwari iye anoziva mwoyo adonangidza kuti adovabvuma kuburikidza nokuvapasa Mweya Mutsvene sezvaadoitawo kwatiri. 9 Iye haanai kuisa musiyano pakati pedu naivo, asi adochenesa mwoyo yavo nokutenda. 10 Zvino munoedzereiko Mwari nokuisa pamutsipa wovadzidzi joki ranga risingakonewe kutakuriwa nomadzibaba yedu kana isisu? 11 Asi tinotenda kuti tichaponesewa nomutsa waIshe Jesu, sezvavachaita ivo."

12 Ipopo ungano yese idoramba idonyarara; vachitetekera kuna Bhanabhasi naPhauro pavairondedzera zviratidzo nozvishamiso zvidoitiwa naMwari kuburikidza navo pakati povasiri vaJudha. 13 Pavadopedza kunyaira, Jakobho adopindura achiti, "Hama, tetekerai kwandiri. 14 Simiyoni warondedzera mathangiro yadoita Mwari kubvakachira vasiri vaJudha, kuti atore kwavari vanhu vozita rache. 15 Mashoko yovaporofiti yanobvumirana nozvakarezvi, semanyorehwo yazvidoitiwa,

16 ‘Mumasure mozvakarezvi ndichadzoka,

futi ndichavakha kamu imba yaDhavhiti, idowa,

ndichasimudza maton’o yayene,

futi ndichaimutsa,

17 kuti vadosara vovanhu vatsvage Ishe,

novese vasiri vaJudha vanodaidziwa nozita rangu,

18 Ndizvo zvinonyaira Ishe, adozivisa zvinhu zvakarezvi kubva kare kare.

19 Nokudaro inini ndinoti mbatirekei kutambudza yamwe marudzi vasiri vaJudha vanopindukira kunaMwari, 20 asi tivanyorere kuti vareke kuja zvidosvipisiwa kuburikidza nokubaihwa kuzvifananidzo vareke upombwe nokureka kuja nyama yochipfuwo kana mhuka idodzipiwa, kana nomusiya. 21 Ndava murairo waMozisi udoparidziwa muguta kubva kare uye unoverengewa mumasinagoge Sabata regarega."

Tsamba Idonyorehwa Vatendi voyamwe Marudzi

22 Zvino zvidonakira nhumwa, novakuru pabodzi nokherekhe yese, kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoki pabodzi naPhauro naBhanabhasi. Vadotuma Judhasi anoitiwa Bhasabhasi, naSairasi, vakuru pakati pohama, 23 notsamba inotevera, "Isisu, nhumwa pabodzi novakuru, kuhama dzoyamwe Marudzi vasiri vaJudha dziri paAndiyoki nopaSiriya, nopaSirisiya, moroi. 24 Sezvo tidonzva kuti vamwe vanhu vadobva kwatiri vadokunetsai nomashoko, kupishanisa pfungwa dzenyu, kana zvazvo tisinai kuvaraira zvakarezvo, 25 tidoona zvidonaka kwatiri, mumasure mokuisa pfungwa pabodzi, kusarura varume kuti tivatume kwamuri novadikani vedu Bhanabhasi naPhauro, 26 varume vadoisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwaIshe wedu Jesu Khirisitu. 27 Saka tatuma Judhasi naSairasi, ivo pachavo vachakunyepai nomuromo zvatiri kunyora. 28 Nokuti zvidooneka zvidonaka naMweya Mutsvene naisisu kuti tireke kuisa pamusoro penyu mutoro udokura unopfuura zvakarezvi zvidofanira, 29 zvokuti mureke kuja zvidobaihwa kuzvifananidzo nomusiya, nozvidodzipiwa, nokureka upombwe. Kana mukazvichengeta kubva pazvakarezvi, munoita zvidonaka. Chisarai."

30 Zvino pavadotumiwa, vadoenda pasi kuAndiyoki, pavadounganidza ungano pabodzi, vadopereka tsamba. 31 Ivo pavadoriverenga, vadofara nokusimbisiwa. 32 Zvino Judhasi naSairasi, vanga vari vaporofiti pachavo, vadokurudzira hama nomashoko mazinji nokuvasimbisa. 33 Vadoti vapedza nguwa irefu, hama dzidodzovadzotsera norugare kuno vadovatuma. 34 Zvidodaipo, Sairasi adoona zvidomunakira kusara pakarepo.

35 Asi Phauro naBhanabhasi vadoramba vari paAndiyoki, vachidzidzisa nokuparidza shoko raIshe, novamwe vazinjifutivo.

Phauro naBhanabhasi vano Paradzana

36 Ipopo mumasure momazuva yadotikuti Phauro adoti kuna Bhanabhasi, "Mbatidzoke tino bvakachira hama mumaguta yese yatidoparidza shoko raIshe, tinoona kuti vari tini." 37 Zvino Bhanabhasi waida kutorawo Johwani waiitiwa Mariko. 38 Asi Phauro adofunga kuti zvidonaka kureka kuenda naye iye adovasiya paPamufiriya, achireka kuenda navo kubasa. 39 Ipopo padova nokupesana kukuru, zvokuti vadotopararana, Bhanabhasi adotora Mariko ndokuenda kuSaipurasi nochikepe, 40 asi Phauro adosarudza Sairasi, ndokuenda, wareverehwa nohama kumutsa waIshe, 41 adopfuura nokuSiriya nokuSirisiya, achisimbisa makherekhe.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-19_11-20-24-