1 Zvino Aporo paanga ari muKorinde, Phauro adopinda nomunyika dzokumusoro ndokuuya kuEfeso. Kwakareko adowana vamwe vadzidzi, 2 adoti kwavari, "Mudotambira Mweya Mutsvene chere pamudopinduka?" Ivo vadoti kwaari, "Neye,
hatinai kana kumbonzva kuti Mweya Mutsvene aripo."
3 Adoti kwavari, "Ko mudoombekewa muruombeko ripi?" Ivo vadoti, "Noruombeko raJohwani."
4 Phauro adovati, "Johwani adoombeka noruombeko rokupinduka, achiudza vanhu kuti vatende kumubodzi Jesu waidzouya, mumasure mache."
5 Pavadonzva zvakarezvo, vadoombekewa muzita raIshe Jesu. 6 Zvino Phauro paadoturika manja yache pamusoro pavo, Mweya Mutsvene adouya pavari, ndokubva vanyaira nondimi vachiporofita. 7 Vese pabodzi vanga vachitosvika gumi novairi.
8 Phauro adopinda musinagoge kwomwedzi mitatu ndokunyaira adoshinga, achiteterera nokukurudzira zvoumambo hwaMwari, 9 Asi vamwe pavadoomesa mwoyo vasingatende, vachinyaira zvidoipa pamusoro poNzira pamberi poungano, adobirika kubva kwavari, achitora vadzidzi, nokupikisana mazuva yese muimba yochikoro chaTairanasi. 10 Zvakarezvi zvidoenderera pamberi kwomakore mairi, zvichiita kuti vese vagari vomuEzhiya, vaJudha novaGiriki vanzve shoko raIshe.
11 Mwari adoita zvinoshamisa zvidotsarukana nomanja yaPhauro, 12 zvokutoti biza kana jira zvaitohwa kubva pamuviri wache kuendesewa kuvahwere, matenda yaibirika kwavari uye mweya idoipa idobirika kwavari. 13 Zvino vamwe vaJudha vaimbodzinga mweya idoipa, vadothanga kuzviita kuvanhu vaiva nomweya idoipa vachishandisa zita raShe Jesu, vachiti, "Ndinokudzingai muzita raJesu anoparidziwa naPhauro." 14 Vanakomana vanomwe vomuphirisita mukuru wochiJudha waiitiwa Sikevha vanga vachiita zvakarezvi.
15 Asi mweya udoipa udovapindura uchiti, "Jesu ndinomuziva, naPhauro ndinomuziva, asi imipa ndimi anaani?"
16 Zvino munhu wanga anomweya udoipa adovakachikira, ndokuvakurira pamasimba vese, nokudaro vadodzotiza mumbamo vaapedzi uye vakuwadziwa. 17 Zvakarezvi zvidozikana novagari vese vomuEfeso, vaJudha pabodzi novoyamwe Marudzi, vadobva vachisiwa nazvo vese, zita raIshe Jesu ridobva rakudziwa. 18 Uye vazinji vovanga vatenda vadouya, vachireurira nokubiritsa pachenu mabasa yavo. 19 Uye vazinji vavo vaiita zvomushonga vadouya nomabhuku yavo ndokuyaunganidza vachiyapisa pamberi povanhu vese, uye vadoverenga mutengo wayene ndokuona kuti waisvika masirivha zviuru makumi mashano. 20 Saka shoko raIshe ridokura ndokuva nochikuriri zvidosimba.
21 Mumasure mozvakarezvi, Phauro adofunga mumwoyo mache kupinda nomuMakedhoniya nomuAkaya pakuenda kuJerusarema, achiti, "Kana ndabva kwakareko, ndichanoonawo Roma." 22 Nokudaro paadotuma vabatsiri vache vairi, Timoti naErasito, kuti vaende kuMakedhoniya, iye pachake adombogara muEzhiya kwokanguwa.
23 Panguwa yakareyo bongozozo rikuru ridomuka pamusoro poNzira. 24 Ndava mupfuri wosirivha waiitiwa Dhemetiriyasi, waigadzira dzimba dzosirivha dzokunamatira Atemisi, waiuyisa maronda yadowanditsa kunanamasiri. 25 Vakarevo adovaunganidza pabodzi nabiyavo vaiita zvibodzibodzizvo ndokuti, "Varume, munoziva kuti kubva pabasa rakareri tinowana upfumi. 26 Zvino munoona nokunzva kuti hamusi muEfeso mega asi munenge muEzhiya yese Phauro wakareyu wafurira nokukwezva chikwata chikuru chovanhu, achiti zvimwari zvidogadzihwa nomanja hazvizi vamwari. 27 Zvino pava nongozi isiri yobasa redu chete kuti richapfuruka asiwo noimba yamwarikadzi mukuru Atemisi ichaitiwa chinhu chisinai basa, uye kuti achabiritsiwa paukuru hwache, iye anonamatiwa muEzhiya mese nopasi pese."
28 Zvino pavadonzva zvakarezvi vadokaripa, ndokudaidzira vachiti, "Atemisi wovaEfeso mukuru!" 29 Saka guta rese ridoita bongozozo; ndokubva vamhanyira kunhandare, vachizvuva Gaiyasi naArisitakasi, vokuMasedhoniya vanga vari vaperekedzi vaPhauro pahwendo. 30 Phauro waida kupinda mukati mogurusvusvu, asi vadzidzi havanai kumubvumidza. 31 Vamwe vaiva vatungamiriri dziri shamwari dzache, vadotumira shoko kwaari vachimukumbiritsa kuti areke kupinda munounganihwa. 32 Zvino vamwe vaidaidzira chinhu chibodzi, vamwe chimwewo, ndava ungano yakareyo yanga inonyongano, vazinji vavo vanga vasingazive zvavadounganira. 33 Vamwe mugurusvusvu vadonenedzera Arekizanda, ndava vaJudha vanga vamutungamidza pamberi. Saka Arekizanda adosumudza ruoko achida kuzvidzivirira kuvanhu. 34 Asi pavadoziva kuti wanga ari muJudha, vese vadodaidzira noizvi ribodzi kwomaawa yaitosvika mairi vachiti, "Atemisi wovaEfeso mukuru!"
35 Zvino munyori woguta paadodzonyaradza chaunga adoti, "Varume voEfeso, ngupi munhu asingazive kuti guta rovaEfeso ndiro muchengeti woimba yaAtemisi mukuru, nodombo rinoera ridombwera kubva kudenga? 36 Zvamuri kuona kuti hapanai anopokana nozvakarezvi, saka munofanira kudzikama morega kuita zvinhu muchipaparika. 37 Ndava mauya pano novarume vakareva vasiri mbavha dzoimba yaMwari kana vashori vamwarikadzi wedu. 38 Zvino kana Dhemetiriyasi naabiyache vanomurandu nomunhu, matare yadovhuriwa, futi vanotonga varipo, mbavamhangarirane. 39 Asi kana muchitsvaga mimwe mirandu pamusoro ponyaya yakarei, mbazvitauriwe paungano idokodzera. 40 Nokuti taakuva nomurandu wokuitika kwobongozozo ranasi, ipo pasinai chikonzero chatinopa kuti munyonga waitihwei." 41 Paadonyaira zvakarezvi, adopamwadza ungano.