1 Pakarepo muphirisita mukuru adoti, "Zvakarezvi ndizvo chere?"
2 Zvino Sitefani adoti, "Hama nanababa, nditetekereiwo! Mwari wokubhwinya adozviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, pavanga vachiri muMesopotamiya, vasati vaakugara kuHarani, 3 adoti kwaari, ‘Birika munyika yako nokuhama dzako uende kunyika yandichakunangidza.’ 4 Ipopo adobirika munyika yovaKhedhiya, ndokuenda kogara kuHarani. Mumasure mokupfa kwababa vache, adomutumira kunyika iyoyi yamuri kugara iyezvino. 5 Asi haanai kumupasa nhaka makaremo kana pangatsike tsoka yache chaipo, asi Mwari adomuvimbisa kuti achamupasa kuti ive yache novana vache vaidzotevera, asinati watova nomwanayo. 6 Mwari adonyaira achiti, vana vache vachava vatohwa kunyika yovamwe, vachavaita varanda nokuvaonesa pfumvu kwomakore mazana manai. 7 ‘Asi ndicharanga nyika yakareyo ichavaita varanda,’ ndizvo zvidonyaira Mwari, ‘mumasure mozvakarezvo vachabirika kuti vandinamate panzvimbo ino.’ 8 Adomupasa chibvumirano chokuchecheudziwa. Nokudaro Abhurahamu adozvara Isaki, ndokumuchecheudza nozuva rochisere, Isaki adozvara Jakobho, uye Jakobho ndiye adozvara madziteteguru gumi novairi.
9 Nondava yokuti madziteteguru vanga vanochanje naJosefa, vadomutengesera kuIjipiti semuranda, asi Mwari wanga anaye, 10 adomununura papfumvu dzache dzese, adopasa Josefa mutsa nouchenjeri pamberi paFarao, mambo woIjipiti, uyo adomuita mutongi woIjipiti nowomuzinda wache wese. 11 Zvino kudouya nzara muIjipiti yese nomuKhenani, nokutambura kukuru, madzibaba vedu vadosaya zvokuja. 12 Asi Jakobho paadonzva kuti kuIjipiti kuno chikafu, adotuma madzibaba vedu pakuthanga. 13 Pahwendo hwochipiri Josefa adozvizivisa kuvakoma vache, uye rudzi raJosefa ridozikana naFarao. 14 Zvino Josefa adotuma vakoma kotora Jakobho baba vache pabodzi nohama dzache dzese, vanhu makumi manomwe novashano. 15 Pakarepo Jakobho adoenda kuIjipiti, kunova kwaadodzopfira iye nomadzibaba vedu. 16 Mitumbi yavo idodzotsehwa kuShekemu ndokuvigiwa muguwa ranga ridotengewa naAbhurahamu kuvanakomana vaHamori, nomutengo womari inochitsama.
17 Asi nguwa yochipikihwa chidopikihwa Abhurahamu naMwari payanga yaakusvika, uwandu hwovanhu vedu hwanga hwakuritsa muIjipiti. 18 Pakarepo padodzomuka umwe mambo muIjipiti wanga asingazive Josefa. 19 Iye adoitira utsinye rudzi redu ndokumanikidza madzibaba vedu kuti vataye vana vavo vacheche vachandozvahwa, kuti vapfe. 20 Panguwa yakareyo ndopadozvahwa Mozisi, wanga adonaka. Adorerewa mwedzi mitatu ari mumba mababa vache, 21 zvino pavadodzomuisa kunze, adohwengewa nomwanasikana waFarao achimurera semwanakomana wache. 22 Mozisi adodzidzisiwa uchenjeri hwese hwovaIjipiti, adova nosimba pamashoko nopamabasa.
23 Paanga wava nomakore makumi manai, adosarudza kubvakachira hama dzache, vana vaIzirairi. 24 Adoona umwe wavo achishushiwa nomuIjipiti adohwira nyakushushiwa ndokumutsivira kuburikidza nokubaya muIjipiti. 25 Mozisi adofunga kuti hama dzachedzo dzichanzvitsitsa kuti Mwari wanga achivapasa dzikinuro kuburikidza naiye, asi havanai kuzvinzvitsitsa. 26 Mangwana chimuka adosvika kwavari ndokuona vana vaIzirairi vairi vachirovana, adoedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, mbukama hwenyu, sei muchihwisana?’ 27 Asi nyakubata uyanga mabiyache adogwididzira Mozisi kudodaro uko, achiti, ‘Ko iwewe mbani wakuita mambo nomutongi wedu popa? 28 Unoda kundibaya nai kunge zvaudoita muIjipiti nezuro?’ 29 Paadonzva mashoko yakareya, Mozisi adobva watizira kunyika yoMidhiyeni. Kwaadogara semutohwa uye adozvara vanakomana vairi kwakareko.
30 Zvino padopera makore makumi manai, ngirozi idozviratidza kwaari musango rogomo roSinai murimi romoto waipfuta padzambwa. 31 Mozisi paadozviona adoshamisika nazvo, uye paadonyedza papfupi kuti aonetsetse, adonzva dzinga raIshe ridokuwa richiti, 32 ‘Ndini Mwari womadzibaba vako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaki nowaJakobho.’ Ipopo Mozisi adocha kunangaritsa. 33 Zvino Ishe adoti kwaari, ‘Biritsa shangu patsoka dzako nokuti ipopo paudomira panzvimbo itsvene. 34 Ndaonetsetsa chokwadi kudzvanyirihwa kwovanhu vangu vari muIjipiti, ndanzva kugomera kwavo, saka ndaburuka kudzovahwira, zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ 35 Ndiyeyu Mozisi mubodzibodzi wavadoramba vachiti mbani adokuita mambo nomutongi wedu? Ndiye adotumiwa naMwari kuburikidza nongirozi yaadoona padzambwa, kuti ave mutongi nomudzikinuri wavo. 36 Iye adovabiritsa, achiita zvinoshamisa nozviratidzo munyika yoIjipiti nopaGungwa Ritsvuku nomusango, kwomakore makumi manai. 37 Ndiyeyu Mozisi adoti kuvana vaIzirairi, ‘Mwari achakumutsirai muporofiti adofanana nainini, kubva kuvanhu venyu. 38 Ndiyeyu wanga ari kuungano musango, nongirozi idonyaira naye muGomo roSinai, nomadzibaba vedu vanga varipo, adotambira mashoko mapenyu yokudzotipasa.
39 Asi madzibaba, vedu vadoramba kumutetekera, vadomuramba ndokudzokera kuIjipiti mumwoyo yavo. 40 Vadoti kuna Aroni tiitire vamwari vatitungamirire, nokuti Mozisi adotibiritsa munyika yoIjipiti, tinozivaba zvidoitika kwaari. 41 Zvino vadoita chimhuru nomazuva yakareyo, vadotouya nochibairo kuchimufananidzo chavo, vadofarira mabasa yomanja yavo. 42 Zvino Mwari adovapira gotsi ndokuvasiya daipo kuti vanamate zuva, mwedzi nonyenyedzi, sekunyohwa kwazvidoitiwa mubhuku rovaporofiti zvichinzi,
‘Hamunai kundivigira zvipiriso nozvibairo,
makore makumi manai musango,
vana vaIzirairi.
43 Mudosumudza dumba rokukumanira raMoroki,
nonyenyedzi yamwari wenyu Refani,
zvimifananidzo zvamudoita kuti muzvinamate,
uye ndichakutamisai kumberi kwoBhabhironi.’
44 Madzibaba vedu vanga vano dumba rochibvumirano musango, ranga ridovakhiwa sekunyaira kudoita Mwari kuna Mozisi, zvichienderana nomufananidzo waanga awona. 45 Madzibaba vedu, vadopinda naro naJoshuwa munyika ino yavadotora kubva kumarudzi, yadodzingidziwa naMwari pamberi pomadzibaba vedu, kusvikira pamazuva yaDhavhiti. 46 Iye adonzvihwa mutsa pamberi paMwari, ndokukumbira kuvakhira Mwari waJakobho pokugara. 47 Asi Soromoni ndiye adodzomuvakhira imba.
48 Asi Wokumusorosoro anogaraba mudzimba dzidovakhiwa nomanja, sezvidorehwa nomuporofiti achiti,
49 ‘Denga ndomupando wangu woushe,
nyika nyhitsiko chotsoka dzangu,
zvino muchandivakhira imba idotiniko?
Kana nzvimbo yandingazororere njipi?
50 Ko janja rangu ndiroba ridoita zvesezvi nai?’
51 "Imipa vanhu vomitsipa mikukutu musinai kuchecheudziwa mwoyo nonzeve, munogara muchisvanika Mweya Mutsvene, kunge madzibaba venyu ndomwenze naimipa kamu. 52 Mbani pakati povaporofiti asinai kutambudziwa nomadzibaba venyu? Vadovabaya ivo vaiparidza kuuya kwoAdorurama, Iye wamudopandukira nokubaya. 53 Imipa mudopasiwa mutemo sezvaudoraihwa nongirozi, mukareka kuuteedzera."
54 Zvino vakuru vodare pavadonzva zvinhu zvakarezvi, vadokaripa vachigedageda meno kwaari. 55 Asi Sitefani adozara naMweya Mutsvene, adonangaritsa kudenga, akaona kuyetima kwaMwari, naJesu adomira kujanja roruji raMwari, 56 adoti, "Onai, ndinoona denga razuruka, noMwanakomana womunhu adomira kujanja roruji raMwari."
57 Zvino vadodaidzira noizvi rikuru, ndokusvikitira nzeve dzavo, ndokutizirana pabodzi kuenda kwaari, 58 vadomuzvuvira kunze kwoguta, ndokumutaka nomatombo, pfakazi dzidoisa mabhachi yadzene patsoka dzojaha raiitiwa Sauro. 59 Pavanga vachimutema nomatombo Sitefani, adonamata achiti, "Ishe Jesu tambirai mweya wangu." 60 Adopfugama, ndokunamata kamu noizvi rikuru achiti, "Ishe, rekai kuvapasa murandu wochitema chakarechi." Adoti wanyaira zvakarezvi adobva wapfa.