Publicidade

Atos 13

Bhanabhasi naSauro VanoSarudziwa noKutumiwa

1 Zvino paKherekhe yopaAndiyoki panga pano vaporofiti novadzidzisi, vaiti, Bhanabhasi, Simiyoni, waiitiwa Naija, naRusiyasi wokuSairini, Manayeni iye wanga adorerewa pabodzi naHerudhe mutongi, naSauro. 2 Pavanga vachinamata Ishe, nokutsanya, Mweya Mutsvene adoti, "Ndisarudzirei Bhanabhasi naSauro kubasa randidovadaidzira."

3 Zvino mumasure mukutsanya nokunamata vadovaturika manja pamusoro ndokuvaendesa.

MuSaipurasi

4 Vatumiwa naMweya Mutsvene daro, vadoenda kuSerusiya, kubva pakarepo vadoenda kuSaipurasi nochikepe. 5 Pavadosvika paSarami, vadoparidza shoko raMwari mumasinagoge yovaJudha. Vanga vana Johwani anoitiwa Mariko achivabatsira.

6 Pavadopinda vadotekaira chitsuwa chese kusvikira vasvika paPamufosi, pakarepa vadokumana non'anga’anga, muJudha waiva muporofiti womabhwodo, waitiwa BhaJesu. 7 Wanga ari shamwari yomutongi wodunhu, waiitiwa Segiyasi Phaurosi, muzivitsitsi, iye adodaidza Bhanabhasi naSauro achitsvaga kunzva shoko raMwari. 8 Asi Erimasi n’anga ndava ndizvo zvinoreva zita rache adovarambidza, achitsvaga kubiritsa mutongi wodunhu kubva pakutenda. 9 Asi Sauro ndiyewo anoitiwa Phauro, adozara naMweya Mutsvene, adonangaritsa Erimasi n’anga 10 ndokuti, "Iwewe mwana waJabhurosi, iyewe muvengi wokururama kwese, udozara nounyengeri hwese nouipi, unomiraba nai kumonyorotsa nzira dzidoyoroka dzaIshe? 11 Zvino Nangara ndipo, janja raIshe rauya pamusoro pako, uchava bofu, uchaita nguwa usingaone chiedza chozuva."

Pakarepo pfurere norima zvidomuwira, adodzengerera kutsvaga anomutungamirira adomubata janja. 12 Zvino mutongi wodunhu paadoona zvidoitika, adotenda, nokuti adoshamisiwa nokudzidzisa pamusoro paIshe.

MuAndiyoki yomuPisidhiya

13 Zvino Phauro naabiyache, vadobva paPafosi nochikepe ndokusvika paPega muPamufiriya. Zvino Johwani waitiwa Mariko adovasiya ndokudzokera kuJerusarema. 14 Asi ivo vadopfuurira mberi vachibva paPega ndokusvika paAndiyoki muPisidhiya. Zvino nomusi woSabata vadopinda musinagoge ndokugarikika pasi. 15 Mumasure mokuverengewa kudoitiwa kubva kumutemo waMozisi nozvinyohwa zvovaporofiti, vatungamiri vosinagoge vadotuma shoko kwavari vachiti, "Hama, kana muno shoko rokukurudzira vanhu, rinyairei." 16 Ipopo Phauro adosumuka, achininira nojanja rache adoti,

"Varume vaIzirairi, naimimi voyamwe Marudzi muno namata Mwari, nditetekerei. 17 Mwari waivova vaIzirairi adosarudza madziteteguru yedu, ndokuvaita kuti vabudirire panguwa yavaigara muIjipiti, adovabiritsa kubva makaremo nojanja rinosimba. 18 Kwomakore yanoda kusvika makumi manai adovaitira mwoyo murefu musango. 19 Paadoparadza marudzi manomwe munyika yoKhenani, adovapasa nyika yavo senhaka. 20 Zvakarezvi zvese zvidotora makore yanoda kusvika mazana manai nomakumi mashano.

"Mumasure mozvakarezvo adovapasa vatongi kusvikira pamuporofiti Samueri. 21 Ipopo vanhu vadokumbira kuti vave namambo, Mwari adovapasa Sauro mwanakomana waKishi, murume worudzi raBhenjamini, uyo adotonga kwomakore makumi manai. 22 Mumasure mokubiritsa kwaadoita Sauro, adomutsa Dhavhiti kuti ave mambo wavo, waadopfakazira achiti, ‘Muna Dhavhiti mwanakomana waJese ndawana murume anobva pamwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwese.’ 23 Kubva pavana vomurume wakareyu, Mwari adomutsira vaIzirairi Muponisi Jesu, sekuvimbisa kwaadoita. 24 Asinati wauya Johwani adoparidza kuvaIzirairi vese ruombeko kuno vanopinduka. 25 Zvino Johwani paanga waakupedza basa rache, adoti, ‘Munoti ndini yani? Ndiniba iye. Asi pano ari kuuya mumasure mangu, wandisinai kukodzera kusugudura murau woshangu dzache.’

26 Hama, vana vomhuri yaAbhurahamu, novoyamwe Marudzi vanocha Mwari vari pakati penyu, shoko rakareri roruponiso ridotumihwa kwatiri. 27 Vanhu vanogara muJerusarema novatongi vavo, havanai kumuziva Jesu, asi pavadomutongera ipfa vadozazisa mashoko yovaporofiti yanoverengewa paSabata yegayega. 28 Kana zvavo vasinai kuwana kwaari murandu unokodzera kuti atongehwe ipfa, vadokumbira Pirato kuti abaiwe. 29 Zvino pavanga vazazisa zvese zvidonyohwa pamusoro pache, vadomuturunura pamuchinjikwa vakamuviga muguwa. 30 Asi Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, 31 kwomazuva mazinji adozvinangidza kuno vaadotekaira navo kubva kuGaririya vachienda kuJerusarema. Ivova ndivo vava pfakazi dzache kuvanhu vedu vaIzirairi. 32 Tino kunyepai nyaya idonaka yokuti Mwari zvaadovimbisa madzibaba vedu, 33 adozvizazisa kwatiri isisu vana vavo nokumutsa kwaadoita Jesu. Sezvidonyohwa paPhisarema rochipiri kuti,

‘Ndiwe mwanakomana wangu,

nasi ndakuzvara.’

34 Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa kuitira kuti areke kuora sekunyaira kwaadoita achiti,

‘Ndichakupasa makomborero yochokwadi matsvene yadovimbisiwa Dhavhiti.’

35 Saka zvidonyaihwawo pakamu pano rimwe Pisarema kuti,

‘Munosiyaba Mutsvene wenyu achiona kuora.’

36 Nokuti Dhavhiti, mumasure mokuzazisa chinangwa chaMwari pamazuva yache, adopfa, ndokuvigiwa pabodzi nomadzibaba yache, muviri wache udoora muguwa, 37 asi iyeyu adomutsiwa naMwari kubva kuvadopfa haanai kuona kuora. 38 Nokudaro hama dzangu, ndinoda kuti muzive, kuti kuburikidza nomurume wakareyu kurekerehwa kwozvitema kunoparidziwa kwamuri. 39 Kuburikidza naye umwe noumwe anotenda, anosununguhwa kubva pazvivi zvese kururamisiwa kwamanga musingakwanise kuwana pasi pomutemo waMozisi. 40 Chenjerai ndipo, kuti zvidonyaihwa novaporofiti zvireke kuitika kwamuri.

41 ‘Nangarai, imimi vashori, muno shamisiwa, muchiparara,

ndava ndichaita zvinhu pamazuva yenyu,

zvinhu zvamusingapfi matenda,

kana umwe munhu akatokunyairirai.’"

42 Phauro naBhanabhasi pavanga vaakubirika musinagoge, vanhu vadokumbira kuti zvinhu zvakarezvi vazvinyairihwe pakare paSabata raidzotevera. 43 Zvino ungano yosinagoge paidopera, vaJudha vazinji novanga vadopindukira kuchiJudha vadotevera Phauro naBhanabhasi, ivo vadonyaira kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari pamutsa waMwari.

44 PaSabata ridotevera padoita kunge guta rese raungana kudzonzva shoko raMwari. 45 Asi vaJudha pavadoona gurusvusvu rovanhu, vadozara nochanje, ndokupikisana nozvainyaihwa naPhauro vachimushora. 46 Ipopo Phauro naBhanabhasi vadovapindura vadoshinga, vachiti, "Zvanga zvidokodzera kuti shoko raMwari rithange kunyairihwa imimi. Sezvo muri kurikuvira kudodaro uko kubva kwamuri, muchizviti munokodzeraba kuva noupenyu husingapere, taakuenda kuno voyamwe Marudzi. 47 Ndava izvozvo ndizvo zvatidoraihwa naIshe, achiti,

‘Ndidokumisa kuti uve chiedza choyamwe Marudzi,

kuti uendese ruponiso kumigumo yonyika.’"

48 Zvino voyamwe Marudzi pavadonzva zvakarezvo vadofara vachikudza shoko raMwari, futi vese vanga vadotarihwa upenyu husingapere vadotenda.

49 Shoko raIshe ridopararira kumatunhu yese. 50 Asi vatungamiri vovaJudha vadopesvera vakadzi vanoremekedzewa vanga vadozvipira pakunamata novarume vaitungamirira guta. Vadomutsira Phauro naBhanabhasi matambudziko, ndokuvadzingidza vachivabiritsa mudunhu ravo. 51 Asi ivo vadovakuhumurira pfumbi rotsoka dzavo seyambiro kwavari, vachibva vaenda kuIkoniyamu. 52 Vadzidzi vadozara nomufaro naMweya Mutsvene.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-