1 Zvino murume waiitiwa Ananiyasi pabodzi nomukadzi wache Safira vadotengesawo munda. 2 Asi iye adozvikamurira imwe mari kubva pano yaadowana pakutengesa, mukadzi wache wanga achizviziva, ndokuuyisa chikamu basi ndokuisa pamberi ponhumwa. 3 Pakarepo Pita adoti, "Ananiyasi, Sathani wazazireiko mwoyo wako kuti ubhwodokere Mweya Mutsvene, nokuzvikamurira imwe mari kubva pamutengo womunda? 4 Pawanga usinati watengesewa, wanga usiri wako chere? Wabva kutengesewa mariyo njakoba, waita tiniko kufunga kuita chinhu chidodaichi mumwoyo mako? Manje haunai kubhwodokera vanhu, asi Mwari." 5 Ananiyasi paadonzva mashoko yakareya, adokomoka ndokuwira pasi nokupfirafuti. Kucha kukuru kudobata vese vadozvinzva. 6 Pakarepo majaha vadosumuka vachiputiridza mutumbi wache ndokuubiritsa panze vachienda komuviga.
7 Padopera chinguwa chomaawa matatu mukadzi wache adopinda, asingazive zvanga zvaitika. 8 Pita adoti kwaari, "Ndinyepe yakarei ndiyo mari yamudowana chere pamudotengesa munda?" Iye adoti, "Inde ndiyoyo.’’
9 Zvino Pita adoti kwaari, "Ndavayei mabvumirana pabodzi kuyedza Mweya waIshe nangara ndipo, tsoka dzovabva koviga murume wako dziri pamusuwo, uye vachakubiritsawo panze." 10 Pakarepo adokomoka ndokuwira pasi patsoka dzache ndokupfawo. Majaha pavadodzopinda vadomuwana watopfa ndokumubiritsa panze vachienda komuviga padivi pomurume wache. 11 Kucha kukuru kudobata Kherekhe yese, novese vadonzva pamusoro pozviitiko zvakarezvi.
12 Manje zviratidzo zvizinji nozvinoshamisa zvidoitiwa pakati povanhu nomanja yonhumwa. Uye vese vanga vari pabodzi vari paberere raSoromoni, 13 Pakati pavo panga pasinai munhu adotsunga kubatana navo, asi vairemekedzewa zvikuru novanhu. 14 Zvisinei vatendi vadowanda, vanhurume novanhukadzi vadoramba vachiingidzihwa kuna Ishe. 15 Nokudaro vadoisa vahwere munzira vachivaradzika pamibhedha nopamaponde, kuti kana Pita waakupinda nopakarepo mumvurimvuri wache usvike panovamwe vavo. 16 Vanhu vadobvawo mumaguta yadopoteredza Jerusarema, vadoungana vachiuya novahwere novaitambudziwa nomweya idoipa, vese vadoporesewa.
17 Asi muphirisita mukuru adosumuka novese vaanga anavo, vanga vari vobato rovaSadhusi, vanga vanochanje chaizvo; 18 vadosunga nhumwa ndokudziisa mutorongo maiisiwa vanhu vese. 19 Asi usiku ngirozi yaIshe idovhura misuwo yotorongo, ichivabiritsa ichiti, 20 "Endai komira muimba yaMwari munyairire vanhu mashoko yese youpenyu." 21 Pavadonzva zvakarezvi, vadopinda muimba yaMwari kwaakuchena ndokudzidzisa.
Manje muphirisita mukuru naabiyache pavadosvika, vadokokorodza makorokota nodare rese rovaIzirairi, ndokutuma vanhu kovatora kutorongo. 22 Asi varanda pavadosvika, havanai kuvawana mutorongo, vadodzoka vachivanyepa zvakarezvo vachiti, 23 "Tawana torongo ridozaririwa zvidosimba, novachengeti votorongo vadomira pamisuwo, asi patavhura hatinai kuwana munhu mukati!" 24 Zvino mukuru wovachengeti voimba yaMwari novaphirisita vakuru pavadonzva mashoko yakareya, vadokanganisiwa nayo, vachinetseka kuti zvinodzoita tini zvakarezvi. 25 Pakarepo umwe adobva wasvika achivanyepa achiti, "Varume vamudoisa mutorongo vaye vari muimba yaMwari, vakutodzidzisa vanhu." 26 Pakarepo mukuru wovachengeti voimba yaMwari adoenda novatariri vache kovatora, asi vasingaite zvokuvakikiritsa, ndava vanga vachicha kuti vanhu vangavateme nomabhwe.
27 Pavadosvika navo, vadovapereka kumakorokota. Muphirisita mukuru adovabvunza, 28 achiti, "Tidokutsindikiraiba kasingapere kuti rekai kudzidzisa nozita rakareri, manje nangarai matozaza Jerusarema nodzidziso yenyu, munoda kuti gazi romunhu wakareyu ritipfukire nai."
29 Asi Pita nonhumwa vadopindura vachiti, "Tinofanira kutetekera Mwari kupinda vanhu. 30 Mwari womadzibaba vedu adomutsa Jesu kuvadopfa, iye wamudobaya muchimuturika pamuchinjikwa. 31 Mwari adomusumudzira iye kujanja rache roruji kuti ave mutungamiri nomuponisi, kuti apase vaIzirairi kupinduka nokukangamwihwa zvitema. 32 Isisu tiri pfakazi dzozvinhu zvakarezvi, pabodzi naMweya Mutsvene adopasiwa naMwari kuna ivo vanomutetekera."
33 Pavadonzva zvakarezvi vadokaripitsa zvokutoda kuvabaya. 34 Asi umwe muFarisi mudaremo waiitiwa Gamarieri, mudzidzisi womutemo, wairemekedzewa novanhu vese, adosumuka ndokuraira kuti, varume vabiritsiwe panze kwokanguwa kadikidiki. 35 Adoti kwavari, "Varume vaIzirairi, ngwarirai zvamunoda kuitira vanhu vakareva. 36 Nokuti kare Tudhasi adomuka, achizviti ndiri munhu mukuru, uye vanhu vanosvika mazana manai vadobatana naye, asi iye adobaiwa novese vanga vachimutevera vadopwamwadziwa. 37 Mumasure mowakareyu Judhasi woGaririya adomuka kamu pamazuva yokuverengewa, vanhu vadomutevera, iye adopararawo novese vaimutevera vadopwamwadziwa. 38 Nokudaro panyaya yakarei ndinokunyepai vanhu vakareva rekai kuvabata, nokuti kana kufunga kwakareku nobasa rakareri zviri zvovanhu, zvichaparara. 39 Asi kana zviri zvaMwari, hamukwanisi kuvakunda, ndava mungadzodaro muchipikisana naMwari!"
40 Nokudaro vadomutetekera, vadodaidza nhumwa vachipinda, vadovashapura ndokuvatsindikira kuti vareke kudzonyaira nozvozita raJesu, ndokuvarekera vachienda. 41 Pakarepo vadobirika pamakorokota vachifara, kuti naivowo vadokodzera kutambudziwa nokuda kwozita rache. 42 Uye mazuva yese vadorekaba kudzidzisa nokuparidza muimba yaMwari nomudzimba vachiti Jesu ndiye Khirisitu.