1 Agiripa adoti kuna Phauro, "Uno mvumo yokuzvinyairira wega." Zvino Phauro adotambanudza janja rache ndokuzvidairira achiti,
2 "Ndinofunga kuti ndinorombo ridonaka kuti ndiri pamberi penyu, Mambo Agiripa, ndaakuzvidairira nasi ndichipikisa zvese zvandiri kunenedzehwa novaJudha, 3 ndava imipa kunyanya munoruzivo notsika dzese dzochiJudha nopavanopesana, nokudaro ndinokukumbiritsai kuti muite mwoyo murefu kunditetekera.
4 Mararamiro yangu kubva paukomana, ndidopedza nguwa yokuthanga ndiri pakati porudzi rangu kuJerusarema, zvinozikana novaJudha vese. 5 Vadozviziva kwonguwa irefu, kana vachida kuzvipupura, kuti maererano nochikwata chidoometsetsa chokunamata ndidorarama semuFarisi. 6 Uye ipopa ndidomira pano ndichitongewa nokuda kwotariro muchivimbiso chidoitiwa naMwari kumadzibaba vedu, 7 kuno yakarei marudzi yedu gumi nomairi vanogurupira kuiwana, pavanonamata vadoperera masikati nousiku. Uye nondava yotariro yakarei ndiri kunenedzehwa novaJudha, Changamire! 8 Ndavayeiko muchifunga kuti zvidooma kuti Mwari anomutsa vadopfa?
9 Inipano ndanga ndidogutsikana kuti ndaifanira kuita zvinhu zvidowanda zvinopesana nozita raJesu woNazareta. 10 Uye ndidoita zvakarezvo muJerusarema, handinai kundoisa chete mutorongo vatsvene vadowanda, nomasimba yadobva kuvapirisita vakuru, asi pavaibaiwa ndaitsigira ndichibvumirana nazvo. 11 Uye ndaivaranga kadowanda mumasinagoge yese nokuedza kuvaita kuti vashore Mwari, futi pakuvazondetsa, ndidovatambudza nokumaguta yovatohwa."
12 "Saka ndidoenda kuDhamasiko musimba nomvumo yovaphirisita vakuru. 13 Panguwa dzomasikati, Mambo, ndidoona chiedza munzira chidobva kudenga, chidopenya kukunda zuva, chichivhenekera pandanga ndiri novanga vachifamba nainini. 14 Zvino patidowira pasi tese, ndidonzva dzinga richiti kwandiri nomutauro wochiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvinokukuwadza kupura zvinotonzva.’ 15 Zvino ndidoti, ‘Ndimi yaniko, Ishe?’ Iye Ishe adoti, ‘Ndini Jesu wauri kutambudza. 16 Asi chisumuka, ndava ndazvinangidza kwauri nochikonzero chakarechi, kukusarudza kuti uve mushandi nomupfakazi wozvinhu zvawaona nozvandichakunangidza. 17 Ndichikuhwira kuvanhu vokwako nokunovasinganamate kwandichakutuma. 18 Usvinudze meso yavo, nokuvapindutsa kubva murima vachienda kuchiedza, uye kubva kusimba raSathani vachienda kuna Mwari, kuti vatambire kuregerehwa kwozvitadzo, nonzvimbo pakati povadoitiwa vatsvene nokutenda mandiri.’"
19 "Naizvozvo, Mambo Agiripa, handinai kuramba kuteerera kuchiratidzo chokudenga, 20 asi ndidotaura ndichithanga kuno avo vokuDhamasikasi, ndokudzouya vokuJerusarema nomunyika yese yoJudhiya, nokuyamwe marudzi, kuti vanofanira kupinduka vadzoke kunaMwari uye voita mabasa yanoenderana nokupinduka kwavo. 21 Nondava yakarei vaJudha vadondisunga muimba yaMwari ndokuedza kundibaya. 22 Kusvika pazuva ranasi ndanga ndichiwana kubatsira kunobva kunaMwari, saka ndinomira pano ndichipupura kuno vese vadiki novakuru, ndisinganyaire chinhu asi zvidonyaihwa novaporofiti naMozisi kuti zvichaitika, 23 kuti Khirisitu waidzotambudzika, uye nokudzova wokuthanga pakumuka kuvadopfa, waidzoparidzira chiedza kuvanhu vache nokuyamwe marudzi."
24 Naizvozvo paanga achizvidairira, Fesitasi adoti nodzinga rikuru, "Phauro, waakupenga, kudzidza kwako kukuru kwaakukupengesa."
25 Asi Phauro adoti, "Handisi kupenga, anoremekedzewa Fesitasi, asi ndiri kunyaira chokwadi chiri pachenu. 26 Ndava mambo anoziva pamusoro pozvinhu zvakarezvi, uye ndinonyaira ndidosununguka kwaari, nokuti ndinoziva kuti hapanai chidokuphonyai pazvinhu zvakarezvi, ndava zvakarezvi zvidoitihwaba padohwanda. 27 Mambo Agiripa, munotenda vaporofiti chere? Ndinoziva kuti munotenda."
28 Zvino Agiripa adoti kunaPhauro, "Munguwa ipfupipfupi wafunga kundiita muKhirisitu!"
29 Phauro adoti, "Kana ikava ipfupi kana irefu, ndingade kuti dai Mwari waita kuti mureke kuva imipa mega asi novese vari kundinzva nasi kuti vavewo kunge inini kusiya kwokuva nongetani dzakaredzi."
30 Zvino mambo adosumuka, nomutongi naBhenisi noavo vavanga vadogara navo, 31 saka pavanga vabirika, vadotaurirana vachiti, "Murume wakareyu haasi kuita chinhu chinoenderana noipfa kana kusungiwa." 32 Uye Agiripa adoti kuna Fesitasi, "Murume wakareyu angadai wasununguriwa dai asinai kukwidza nyaya kuna Siza."