1 Zvino rimwe zuva Pita naJohwani vanga vachienda kuimba yaMwari nonguwa yomunamato, iri nguwa yochipfemba. 2 Murume wanga adoremara kubva pakuzvahwa, wanga achitakuhwa mazuva yese, vachimuisa pamusuwo woimba yaMwari udotenzewa kuti Suwo Ridonaka kuitira ambokumbira zvipo kubva kuno vaipinda muimba yaMwari. 3 Paadoona Pita naJohwani vaakutoda kupinda muimba yaMwari, adovakumbira mari. 4 Zvino Pita naJohwani vadomunangaritsa, pakarepo Pita ndokuti, "Tinangare!" 5 Iye ndokunangara kwavari achigurupira kutambira chinhu kubva kwavari. 6 Asi Pita adoti kwaari, "Sirivha nondarama handinai, asi ndinokupasa chandinacho, muzita raJesu Khirisitu woNazareta tekaira." 7 Adomubata janja roruji, ndokumusumudza, pakarepo tsoka dzache nozviziso zvotsoka zvidosimbisiwa. 8 Adochiruka ndokutekaira achipinda muimba yaMwari navo, achitekaira nokuchiruka achirumbidza Mwari. 9 Uye vanhu vese vadomuona achitekaira achirumbidza Mwari, 10 vadomuziva, kuti ndiye waigara pasuwo rinoitiwa Ridonaka roimba yaMwari achikumbira zvipo, vadokanganisika nokushamisika nozvidoitika kwaari.
11 Zvino murume paanga achidobatirira kunaPita naJohwani, vanhu vese vadoshamisika ndokuuya vachitizira kwavari paberere raiitiwa raSoromoni. 12 Manje Pita paadoona zvakarezvi, adoti kwavari, "Hama dzangu vaIzirairi, mashamisiwa neiko pamusoro pozvakarezvi, ndavayei muchitinangaritsa sekunge nhisu taita kuti murume wakareyu atekaire nosimba redu, kana nokururama kwedu? 13 Mwari waAbhurahamu nowaIsaki nowaJakobho, naMwari womadzibaba vedu, ndiye adokudza muranda wache Jesu, wamudopandukira uye mukamuramba pamberi paPirato, iye wasarudza kuti amusunungure. 14 Asi imimi mudoramba iye Mutsvene adorurama, mudokumbira kuti musunungurihwe mhondi, 15 Mudobaya muvambi woupenyu, asi Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa kudeiku isisu tiri pfakazi dzozvakarezvi. 16 Nokutenda muzita raJesu murume wakareyu wamuri kuona nowamunoziva waporesewa, uye kutenda kwache muna Jesu ndiko kwaita kuti murume wakareyu adomira pamberi penyu aporesewe sezvamuri kuona mese.
17 Asi zvino, hama dzangu vaIzirairi, ndinoziva kuti mudozviita nokusaya kuziva ndomwenze vatungamiri venyuwo pakamu. 18 Asi yakareya ndiyo mazazisiro yaadoita Mwari pano zvaadonyaira kuburikidza novaporofiti vese achizivisa kuti, Khirisitu waidzotambudzika. 19 Pindukai ndipo, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvitadzo zvenyu zvidzimiwe, kuti nguwa dzokusanduriwa dzinobva kuna Ishe dzisvike, 20 kuti atume Muponisi Jesu waadogadza nokuda kwenyu. 21 Iye anofanira kuramba ari kudenga kusvikira nguwa yasvika yokuti zvinhu zvese zviitiwe zvitsva sezvidovimbisiwa naMwari kare kuburikidza novaporofiti vache vatsvene. 22 Nokuti Mozisi adoti, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofiti adofanana nainini kubva pakati pohama dzenyu. Munofanira kumutetekera pazvese zvaanokunyepai. 23 Wese asingamutetekere achaparadziwa zvachose kubva pavanhu.’ 24 NovaPorofiti vese vadonyaira, kubva panaSamueri novadodzomutevera pamasure, vadonyairawo zvomazuva yakareyano. 25 Imimi muri vaji vonhaka yovaPorofiti, novosungano yaMwari yaadoita nomadzibaba venyu. Paadoti kuna Abhurahamu, ‘Kuburikidza novana vako vanhu vese vopanyika vacharopafadziwa.’ 26 Mwari paadomutsa wache, adothanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei achidzotsa umwe noumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzidoipa."