Publicidade

Atos 6

Vabatsiri Vanomwe

1 Zvino nomazuva yakareyo vadzidzi pavanga vawanditsa, vaGiriki, vadonyunyutira vaHebheru ndava chirikadzi dzavo dzanga dzichitharukiwa pakukovehwa zvokuja kwaiitiwa zuva rimwe norimwe. 2 Zvino vanogumi novairi vadodaidza dare rovadzidzi ndokuti, "Hazvinai kunaka kuti isisu tisiye kuparidza shoko raMwari tichishanda pamatafura. 3 Saka hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vanopfakazihwa zvidonaka, vadozara noMweya nouchenjeri vatingaise pabasa rakareri. 4 Asi isisu tichazvipa pakunyengetera nopabasa rokuparidza shoko."

5 Zvavadonyairazvo zvidofadza gurusvusvu rese; vachibva vasarudza Sitefani murume wanga adozara nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPorokoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi naNikorasi wanga adopindukira kuchitendero chochiJudha wokuAndiyoki. 6 Vakareva vadovaisa pamberi ponhumwa, ivo vadonamata nokuturika manja pamusoro pavo.

7 Saka shoko raMwari ridokura, uwandu hwovadzidzi hwudoingidzika chaizvo paJerusarema, novaphirisita vazinjifutivo vadotenda.

Kusungiwa kwaSitefani

8 Zvino Sitefani, murume wanga adozara nomutsa waMwari nosimba, adoita zvinoshamisa zvikuru nozviratidzo pakati povanhu. 9 Ipopo vamwe vanga vari vosinagoge raiva rovanhu vaiitiwa Vadosununguka sezvaraidaidziwa, novaKureni, novaArekizanda, noavo vaibva kuKirikiya noEzhiya, vadosumuka vachiita nharo naSitefani. 10 Asi havanai kukwanisa kukunda kuchenjera kwaadopasiwa naMweya paainyaira. 11 Ipopo vadomutsa vamwe varume muchihwande, vachiti kwavari, "Nyairai kuti tidomunzva achinyaira mashoko yokushora Mozisi naMwari." 12 Saka vadopesvedzera vanhu novakuru novadzidzisi vomutemo. Vadobata Sitefani ndokumuisa pamberi pomakorokota yodare. 13 vadomuisira pfakazi dzomabhwodo dzidoti, "Munhu wakareyu anorekaba kunyaira mashoko yokushora nzvimbo yakarei itsvene nomutemo. 14 Ndava tidomunzva kamu achiti uyu Jesu woNazareta achaparadza nzvimbo yakarei, uye achasandura tsika dzatidopasiwa naMozisi." 15 Zvino vese vanga vadogarikika mudare vadonangaritsa Sitefani, ndokuona chiso chache chaita kunge chiso chongirozi.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-