Publicidade

Lucas 24

Kumuka KwaJesu

1 Asi nomusi wokuthanga kwosondo, mambakwedza, vadouya kuguwa, vadotakura zvinonushira zvavanga vagadzira. 2 Vadowana dombo rakungurutsiwa kubva paguwa, 3 Vadopinda mukati, ndokusaya mutumbi waIshe Jesu. 4 Pavanga vachiri kunetseka nazvo, padomira varume vairi vaiva vadosimira zvinoyetima, 5 pavadovhunduka, nokutogurama zviso zvavo pasi, varume vakarevo vadoti kwavari, sei muri kutsvaga mupenyu pakati povadopfa? 6 Haazi pano, wamuka, yeukai zvaadotaura kwamuri paanga achiri muGaririya, 7 achiti, "Mwanakomana womunhu anofanira kuisiwa mumanja yovatadzi, woroverehwa, pazuva rochitatu womuka pakare." 8 Vadobva varangarira mashoko yache, 9 vadodzoka vachibva paguwa ndokuudza vanogumi nomubodzi novamwe vese zvinhu zvakarezvo zvese. 10 Vakarevo vanga vari Mariya Magadharina, naJoana, naMariya amai vaJakobho, novamwe vakadzi vavanga vanavo vadoudza nhumwa zvakarezvi, 11 asi mazvi yakareya yadoita kunge chinzano kwavari, havanai kuvatenda. 12 Asi Pita adosumuka, ndokuita ruviro kumhanyira kuguwa, paadokotama adondoona mapiza basi yari payene yega. Adobirika pakarepo ndokuenda kumba, achishamisika kuti chii changa chaitika.

Vairi Vaienda kuEmausi

13 Pazuva rakarero vairi vavo vanga vachienda kumusha unoitiwa Emausi, huri yomamaera masere kubva kuJerusarema. 14 futi vadotaurirana zvinhu zvakarezvi zvese zvanga zvaitika. 15 Zvidoitika kuti pavaitaura daipo vachibvunzana, Jesu pachake adonyedza papfupi, ndokuenda navo. 16 Asi meso yavo yadoita buzvi ndokutadza kumuziva. 17 Adobva wati kwavari, "Hukurukurirana kworudzii kwamunoita muchitekaira daipa?" Vadobva vamira, vadosuwa. 18 Umwe wacho waiitiwa Khiropasi, adomupindura achiti, "Ndiwe wega nai murendo muJerusarema asingazive zvinhu zvidoitika mazuva yano?" 19 Iye adobva wati, "Zvinhu zvokuti chii?" Vadoti kwaari, "Zviri maererano naJesu woNazareta, wanga ari muporofiti anosimba pabasa nopashoko pamberi paMwari novanhu vese, 20 nomaperekehwo yaadoitiwa novaphirisita vedu vakuru novatongi kuti atongehwe ipfa, futi kuti aroverehwe. 21 Asi Tanga tichitogurupira kuti ndiye achadzikinura vaIzirairi. Futi pamusoro pozvakarezvi zvese, rino rava zuva rochitatu kubva pazvidoitika. 22 Ukuwo, vamwe vakadzi voboka redu vatishamisa, vanga vari kuguwa mambakwedza. 23 Havanai kuwana mutumbi wache. Vadzoka vachiti vaona chiratidzo chongirozi, ndokubva dzavanyepa kuti mupenyu. 24 Vabiyedu vatanga tinavo vaenda kuguwa, ndokuwana zvidoita sekutauhwa kwazvanga zvaitiwa novakadzi, asi iye havanai kumuona." 25 Adobva wati kwavari, "O varume madzemwa, muno mwoyo inochehwa kutenda zvese zvidorehwa novaporofiti! 26 Zvanga zvisinai kufanira chere kuti Khirisitu atambudzike zvidodai achidzopinda mukubhwinya kwache?" 27 Adothanga kubva pana Mozisi nokuvaporofiti vese, adovadudzira zvomumagwaro yese zviri maererano naye pachake. 28 Zvino vadosvika papfupi nomusha wavanga vachienda, Iye adoita kunge waakupindirira. 29 Ivo vadomurambidza kuenda vachiti, "Gara naisisu, ndava nguwa yaenda, zuva radoka." Saka adodzopinda kogara navo. 30 Zvino adodzogarikika navo kuti vaje, adotora mazingwa, ndokuropafadza, ndokukomora achibva wavapasa. 31 Meso yavo yadopengenuka, ndokubva vamuziva, iye adobva wanyangarika. 32 Vadonyairirana vachiti, "Sei mwoyo yedu isinai kutirimuka paanga achinyaira naisisu munzira, panguwa yaanga achitivhurira magwaro?" 33 Vadosumuka paawa yakareyo vachidzokera kuJerusarema, vadowana vano gumi nomubodzi vadoungana pabodzi novavanga vanavo, 34 ivo vadoti, "Ishe wamuka pachokwadi, futi wazviratidza kuna Simoni!" 35 Ipopo vadorondedzera zvanga zvaitika munzira, nomaziviro yavadomuita pakukomora zingwa.

Jesu Anozvionesa Kuvadzidzi Vache

36 Pavanga vachitaura zvakarezvo, Jesu pachake adomira pakati pavo. 37 Asi vadovhunduka vachicha, vachifunga kuti vanga vachiona chipoko. 38 Iye adoti kwavari, "Sei muri kunetseka, futi sei munomibvunzo iri kumuka mumwoyo menyu? 39 Onai manja yangu notsoka dzangu, kuti ndini pachangu, ndibatei, muone, ndava chipoko hachinai nyama nomapfupa sezvamuri kuona kuti ndinazvo." 40 Adobva wavanangidza manja notsoka dzache. 41 Vachiri kutadza kuzvitenda nomufaro, vachishamisika, adoti kwavari, "Muno chokuja chere pano?" 42 Vadomupasa nhindi yohove idogochewa, 43 Adoitora ndokuija pamberi pavo. 44 Ipopo adoti kwavari, "Aya ndiyo mazvi yangu yandidonyaira kwamuri, ndichiri nemi, kuti zvese zvidonyorewa pamusoro pangu mumutemo waMozisi novaporofiti nomapisarema zvinofanira kuzazisiwa." 45 Ipopo adovhura pfungwa dzavo kuti vanzvitsitse Magwaro, 46 futi adoti kwavari, "Ndizvo zvidonyohwa kuti Khirisitu anofanira kutambudzika nozuva rochitatu womuka kubva kuvadopfa, 47 kuti kupinduka nokuregerehwa kwozvitadzo kuparidziwe muzita rache kumarudzi yese, kuthanga muJerusarema. 48 Imimi muri zvapupu zvozvinhu zvakarezvi. 49 Onai, ndinotumira chipikihwa chaBaba vangu pamusoro penyu, asi garai muguta kusvikira masimidziwa nosimba rinobva kumusoro."

Jesu Anokwira Kudenga

50 Ipopo adovatungamira kunze papfupi noBhetani, adosumudza maoko yache ndokuvaropafadza. 51 Paanga achivaropafadza, adopararana navo, ndokutohwa kuenda kudenga. 52 Ivo vadodzokera kuJerusarema nomufaro mukuru, 53 vadoramba vari muimba yaMwari vachikudza Mwari.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-