1 Wanga achinamata pano imwe nzvimbo, paadopedza umwe wovadzidzi vache adoti kwaari, "Ishe tidzidziseiwo kunamata kunge zvidoitiwa naJohwani kuvadzidzi vache."
2 Zvino adoti kwavari, "Kana maakunamata namatai muchiti,
‘Baba,
Zita renyu mbarikudziwe noutsvene,
umambo hwenyu mbahuuye.
3 Tipaseiwo zvokuja zvedu zvomazuva yese,
4 mutiregerere zvitadzo zvedu, nokuti
isisu tinoregererawo vese vanotitadzira.
Rekai kutipinza pakuedzewa.’"
5 Adodzoti kwavari, "Mbani pamuri angaite shamwari yaanovinga pakati pousiku achimuti, ‘Shamwari ndikweretesewo mazingwa matatu, 6 Ndava shamwari yangu iri pahwendo yasvika, apa handinai chokumubikira,’ 7 Zvino iye angamupindure nai ari mukati achiti, Reka kundinetsa, ndavhara sasa, futi inini novana vangu tatoenzera. Handingamuke kamu ndichikupasa chinhu. 8 Ndinokunyepa, kunyange asingamuke nondava yokuti ishamwari yache, asi nondava yokumbondomupenzverera asinganyare achamuka basi achimupasa zvese zvaanoda. 9 Saka ndinoti kwamuri, Kumbirai, muchapasiwa, tsvagai, muchawana, gugudzai, muchazururihwa. 10 Nokuti wese anokumbira anopiwa, noanotsvaga anowana, noanogugudza anozururihwa. 11 Mbapi baba pakati penyu, anoti kana mwanakomana wache akaruvira hove angamupase nyoka panzvimbo yohove, 12 kana akakumbira zai, angamupase karize? 13 Manje kana imipa vadoipa, muchiziva kupasa vana venyu zvidonaka, Baba vari kudenga vanokungudzirabafuti nai kupasa Mweya Mutsvene kuno avo vanovakumbira!"
14 Zvino wanga achidzinga shave rouchimumumu, shave paridobirika chimumumu chidotaura, vanhu vadobva vashamisika. 15 Asi vamwe vadoti, "Anobiritsa mashave naBherizebhuri mukuru womashave."
16 Vamwewo vachimuedza, vadotsvaga chiratidzo chokudenga kubva kwaari. 17 Asi iye achiziva mifungo yavo, adoti kwavari, "Umambo hwese hunozvipesanisa hunowira pasi, noimba idopatsanurana inowa. 18 Kana naiyewo sathani achizvipesanisa, umambo hwache huchamira tini? Nokuti muri kuti ndinodzinga mashave naBherizebhuri. 19 Kana inini ndichidzinga mashave naZerubhabhu, ko vanakomana venyu vanoyadzinga naani? Saka vanakomana venyu vachava vatongi venyu. 20 Asi kana ndichidzinga mashave noruoko raMwari, saka Umambo hwaMwari hwauya kwamuri."
21 Kana nyamasimba, adopakata zvombo zvese, achichengetedza muzinda wake, midziyo yake inenge idochengetedzeka, 22 asi pakaita anomukunda masimba womuhwisa achimukurira, anomutorera zvombo zvaanga achivimba nazvo, wokovera zvaapamba.
23 Asiri nainini anopesana nainini, noasingaunganidze pabodzi nainini anopamwadza.
24 "Kana mweya udoipa wabirika mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzisinai mvura uchitsvaga pokuthurira mafemo, ukapasaya unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandidobva.’ 25 Kana wadzoka unowana mumba muye matsvaihwa futi marongedzewa. 26 Unobva waenda kotora imwe mweya minomwe inoukunda kuipa, inopinda yogara makaremo, kupedzisira kwomunhu wakareyo kudoipitsa kukunda kuthanga kwache."
27 Paanga achitaura zvakarezvo, mukadzi anga ari mugurusvusvu adosumudza izvi rache achiti kwaari, "Idokomborehwa mimba idokuzvarai nomazamu yamudomwa!"
28 Asi adoti, "Vadokomborehwa maninge mbaye vanonzva shoko raMwari nokurichengeta!"
29 Apo gurusvusvu rovanhu paraiingidzika kuwanda, adothanga kunyaira achiti, "Vanhu vonguwa ino vadoipa, vanotsvaga chiratidzo, manje hapanai chiratidzo chavachapasiwa kusiya kwochiratidzo chaJona. 30 Ndava fanike Jona adova chiratidzo kuvanhu voNinivhi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kuvanhu vonguwa ino. 31 Mambokadzi wokuchamhembe achasumuka pakutongwa achipasa mhosva vanhu vonguwa ino, nokuti adobva kumhera kwonyika kuti anzve uchenjeri hwaSoromoni, onai adokura kuna Soromoni ari pano. 32 Varume vokuNinivha vachasumuka pakutongewa vachipikisa vanhu vonguwa ino nokuvapasa mhosva, nokuti vadotendeuka pavadoparidzihwa naJona, zvino chinhu chikuru kukunda Jona chiri pano."
33 "Hapanai anobatidza mwenje achiuisa padohwanda kana pasi potsvanda, asi unoisiwa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza. 34 Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako. Kana ziso rako ridonaka, muviri wako wese unenge udozara chiedza, asi kana risinai kunaka, muviri wako wese unenge udozara rima. 35 Saka chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chireke kuva rima. 36 Kana muviri wako wese udozara chiedza, pasinai panorima, unenge udovheneka wese, kunge zvinoitiwa nomwenje uchikupasa chiedza pakuvhenekera kwawene."
37 Achiri kunyaira daipo, umwe muFarisi adomukumbira kuti aje naye, saka adoenda ndokutsveyama pathafura. 38 MuFarisi adokanuka kuona kuti haanai kuthanga washamba. 39 Ishe adoti kwaari, "Manje imimi vaFarisi munosuka kunze kwokomichi nombenge, asi mukati menyu mudozara nonhafu nokuipa. 40 Imipa madzemwa! Handiti adoita kunze ndiye mubodziyo adoitawo mukati? 41 Asi perekai zviri mukati, muchaona kuti zvese zvidochena kwamuri."
42 "Manje mayanga kwamuri imimi vaFarisi! nokuti munopereka chogumi chomindi, noruwu nomiriwo yese, muchisiya kururamisira norudo raMwari izvozvi maifanira kuzviita, musingaregeri zvimwe zvacho."
43 "Mayanga kwamuri imimi vaFarisi! Ndava munofarira mipando yopamusoro mumasinagoge nokumoresewa pamisika. 44 Mayanga kwamuri! ndava munenge makuwa yasingaoneki, zvokuti vanhu vanotekaira payari vasingazvizive."
45 Rimwe romagweta ridomupindura richiti, "Mudzidzisi, pakunyaira zvakarezvi muri kutoshorawo naisisu."
46 Iye adoti, "Mayanga kwamuriwo magweta! munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura, asi imimi hamugwami mitoro yakareyo kana nokakumo kabodzi chaiko. 47 Mayanga kwamuri! nokuti munovakhirira makuwa yovaporofiti vadobaiwa nomadzibaba yenyu. 48 Saka muri pfakazi dzinobvumirana nozvidoitiwa nomadzibaba yenyu, ndava ivo vadovabaya, imimi munovakhira makuwa yavo. 49 Sakawo uchenjeri hwaMwari hudoti, ‘Ndichavatumira vaporofiti nonhumwa, vamwe vachavabaya, vamwe vachavatambudza,’ 50 kuti gazi rovaporofiti vese, ridodeuhwa kubva pamavambo yonyika ribvunziwe pavanhu vakareva. 51 kubva pagazi raEbhero kusvika pagazi raZakariya, adobaihwa pakati poTafura yokupira zvipo noimba yaMwari. Inde, ndinokunyepai kuti richabvunziwa pamusoro povanhu vakareva."
52 "Mayanga kwamuri imimi magweta! nokuti mudobiritsa khiyi yokupinda kuruzivo, imipa pachenyu hamunai kupinda, mudotadzisa vaye vanga vachipinda."
53 Paanga waakubva pakarepo, vaNyori novaFarisi vadothanga kumupikisa zvidonyanya, vachimusora kuti ataure zvinhu zvidowanda, 54 vadomuteya kuti vawane pavangamubate napo pakunyaira.