1 Adotiwo kuvadzidzi vache, "Paiva nomupfumi wanga ano mutariri wopfuma, zvipomehwa zvidoisiwa kwaari zvokuti munhu wache anga achimuparadzira zvinhu. 2 Saka adomudaidza ndokuti kwaari, ‘Chii ichi chandiri kunzva pamusoro pako? Nditsanangurire mabatiro yauri kuita utariri hwako, nokuti ungaenderereba mberi uri mutariri.’ 3 Mutariri adoti mumwoyo mache, ‘Ndichaita tini, sezvo tenzi wangu waakunditorera utariri hwangu? Kuti nditimbe ndidovhuwa, futi kuruvira ndinonyara. 4 Ndaziva zvandichaita, kuti vanhu vanditambire mudzimba dzavo kana ndabiritsiwa pautariri.’ 5 Saka adodaidza mubodzi mubodzi pavanhu vanga vano zvikwerete naTenzi wavo, adoti kuno wokuthanga, ‘Nzvingani zvaudokwereta kuna tenzi wangu?’ 6 Adoti, ‘Zviyero zana zvomafuta yomuOrivhi.’ Adoti kwaari, ‘Tora pokunyorera ugarikike pasi nokamangu unyore makumi mashano.’ 7 Zvino adodzoti kuno umwe, ‘Ko iwewe nzvingani zvaudokwereta?’ Iye adoti, ‘Zviyero zana zvogorosi.’ Adoti kwaari, ‘Tora pokunyorera, unyore makumi masere.’ 8 Tenzi adopembedza mutariri asinai kutendeka nokuda kwouchenjeri hwache, nokuti vanakomana vonyika ino vadochenjera pamashandiro yavo novanhu vonguwa dzavo kukunda vanakomana vochiedza."
9 "Zvino ndinokunyepai, zviitirei shamwari kuburikidza nopfuma isinai kururama, kuitira kuti painokundikana vakutambirei muugaro hwokusingapere. 10 Uyo adotendeka pazvishoma adotendekawo pazvizinji, nouyo asinai kutendeka pazvishoma haanai kutendekawo pazvizinji. 11 Manje kana manga musinai kutendeka papfuma isinai kururama, mbani angavimbe naimimi kukupasai pfuma yochokwadi? 12 Kana manga musinai kutendeka pazvinhu zvoumwe, mbani achakupasai zvenyu?"
13 "Hapanai mushandi angashandire anatenzi vairi, nokuti anodzovenga mubodzi achida umwe, kana kudzozvipira kunomubodzi achinyozera umwe. Hamungashandire Mwari nomari."
14 Zvino vaFarisi vokuditsa mari, pavadonzva zvakarezvo zvese, vadomushora. 15 Asi iye adobva wati kwavari, "Ndimi vaye vanozviita vadorurama pamberi povanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Nokuti zvinosumudzihwa novanhu, zvidonyangara pamberi paMwari."
16 "Mutemo novaporofiti zvidovapo kusvikira pana Johwani, kubva pakarepo Nyaya Idonaka youmambo hwaMwari iri kuparidziwa. Apa wese munhu ari kupinda mahuri nochisimba. 17 Asi zvidotopusa kuti denga nonyika zvipfuruke, panokuti kabhii kabodzi komutemo kasaye basa."
18 "Wese anoramba mukadzi wache achiroora umwe anoita upombwe, naiyewo anoroora mukadzi adorambiwa nomurume wache anoita upombwe."
19 "Kwanga kuno umwe murume wanga adopfuma, waipfeka nguwo dzitsvuku dzidonaka nokuja zvidonaka mazuva yese. 20 Pasuwo pache paigara murume murombo waiitiwa Razaro, wanga adozara zvironda, 21 waida kuposhewa nozvaimbwera kubva pathafura yomupfumi, noimbwawo dzaiuya dzichinanzva zvironda zvache. 22 Murombo adopfa ndokutakuhwa nongirozi dzichimuisa pachipfuwa chaAbhurahamu. Mupfumi adodzopfawo ndokuvigiwa, 23 ari muHadhesi, achiyaura, adosumudza meso yache, ndokuona Abhurahamu ari kurefu naRazaro ari pachipfuwa chache. 24 Adodaidzira, ‘Baba Abhurahamu, ndinzvirei tsitsi, tumai Razaro anyike kumhera kwokakumo kache mumvura atonhodze chirimi changu, ndava ndiri kudzimbiwa murimi rino romoto.’ 25 Asi Abhurahamu adoti, ‘Mwanakomana, yeuka kuti panguwa youpenyu hwako udotambira zvidonaka zvako, zvidodaro Razaro adotambira zvidoipa, asi zvino ari kunyaradziwa pano, iwepa uri mundondo. 26 Pamusoro pozvakarezvo zvese, pakati pedu naimimi padoisiwa gomba ridonoketsa, kuitira kuti vaye vanoda kubva kuno vachiuya kwakareko vatadzirire, uyewo kuti pasaye vangayambukire kuno vachibva kwakareko.’ 27 Zvino adoti, ‘Saka ndinokukumbirai baba, kuti mumutume kumba kwababa vangu, 28 ndava ndino vanin'ina vashano, kuti avachenjedze, kuti vareke kudzouyawo munzvimbo ino yokuyaura.’ 29 Asi Abhurahamu adoti, ‘Mozisi novaporofiti vanavo, mbavavanzve vakarevo.’ 30 Asi adoti, ‘Neye, baba Abhurahamu, asi kana pakaita anoenda kwavari achibva kuvadopfa, vachapinduka.’ 31 Adoti kwaari, ‘Kana vasinganzvi Mozisi novaporofiti, vanopindukarini kana pakatomuka umwe kubva kuvadopfa.’"