1 Zvino chaunga chavo chese chidosumuka, chichimuendesa pamberi paPirato. 2 Futi vadothanga kumupomera, vachiti, "Tidowana murume uyu achitsambutsa rudzi hwedu, achitirambidza kupereka mitero kuna Khesari, achiti iye pachake ndiKhirisitu mambo." 3 Pirato adomubvunza achiti, "Ndiwe Mambo wovaJudha chere?" Iye adomupindura achiti, "Ndozvawareva." 4 Saka Pirato adodzoti kuvaprista vakuru nokumhomho yovanhu, "Handinai mhosva yandawana pamunhu uyu." 5 Asi vadokurumidza kuti, "Adomutsa vanhu, achidzidzisa kwesekwese muJudhiya rese, kubva muGaririya kutosvika kunzvimbo ino."
6 Pirato paadonzva zvakarezvo, adobvunza kana murume wakareyo waiva woGaririya. 7 Futi paadondoziva kuti waiva wonzvimbo iri pasi poutongi hwaHerudhe, adomuendesa kuna Herudhe, wanga ari muJerusarema pachake panguwa yakareyo. 8 Herudhe paadoona Jesu, adofara maninge, ndava kwonguwa irefu waida kumuona, nondava yokuti wanga wanzva nozvache, futi waigurupira kuona zviratidzo zvaiitiwa naye. 9 Saka adomubvunza kwochinguwa asi haanai kupindura. 10 Vaphirisita vakuru novanyori vadomira pakarepo, vachimupomera zvidosimba. 11 Futi Herudhe novahwi vache vadomubata uyanga vachimunyadza, ndokudzomusimidza chipfeko chinobhwinya, ndokumudzotsa kuna Pirato. 12 Futi Herudhe naPirato vadoita ushamwari pazuva rakarero, ndava kare vanga vadozondana.
13 Pirato adodaidza pabodzi vaphirisita vakuru novatongi novanhu, 14 ndokuti kwavari, "Mauya nomunhu wakareyu kwandiri semunhu wanga achitsambutsa vanhu, asi mumasure mokumuongorora pamberi penyu, mazviona kuti handinai kuwana munhu uyu ano mhosva yozvese zvamuri kumunenedzera, 15 naHerudhe haanaiwo, ndosaka wamudzotsa kamu kwatiri. Onai, hapanai chaadoita chinokodzera ipfa. 16 Saka ndichamuranga ndomusunungura." 17 Nokuti zvanga zvidokodzera kuti avasunungurire musungwa mubodzi pamutambo.
18 Asi vese vadodaidzira pabodzi vachiti, "Mbaabiritsiwe munhu wakareyo! Tisunungurirei Bharabhasi!" 19 Munhu wanga adokhandiwa mutorongo nondava yobopoto ridoitiwa muguta, futi nondava yokuponda. 20 Pirato adotaura navo pakare, achida kusunungura Jesu. 21 Asi vadodaidzira vachiti, "Murovererei, murovererei!" 22 Kochitatu adoti kwavari, "Nondava yei, waita chidoipa chipi? Ndaona paari pasinai mhosva idokodzera ipfa, saka ndichandomuranga ndomusunungura."
23 Asi nokamangu vadopopera vachidaidzira nomazvi yopamusoro kuti mbaarovehwe. Zvino mazvi yavo yadokunda. 24 Saka Pirato adodzondotongera kuti zvavaipopera vazviitihwe. 25 Adosunungura murume wavadokumbira wanga adokhandiwa mutorongo nondava yomunyonga uye nondava nokuponda, asi adopereka Jesu kuzvido zvavo.
26 Pavanga vachienda naye, vadobata murume waiitiwa Simoni woKhurini, wanga achipinda achibva kumusha, ndokumutakudza muchinjikwa ari mumasure maJesu. 27 Futi adotevehwa nogurusvusvu rovanhu vazinji, novakadzi vanga vachimurira nokumuchema. 28 Asi Jesu adochununguka kwavari achiti, "Vanasikana voJerusarema, rekai kundirira, asi zvirirei imimi novana venyu. 29 Ndava onai, mazuva yari kuuya pavachati, ‘Vadokomborehwa vasingazvari, nozvibereko zvisinai kumbozvara, nomazamu yasinai kumbomwiwa!’ 30 Ipopo vachathanga kuti kumakomo, ‘Tiwirei,’ nokututunhu, ‘Tisvisvei.’ 31 Ndava kana vachidai kumuti munyoro, chii chichaitika kana waoma?" 32 Vamwe vairi kamu, vanga vari makororo, vaiendesewa kobaiwa pabodzi naye. 33 Pavadosvika panzvimbo inoitiwa Dehenya, pakarepo vadomurovera, nomakororo, umwe kuruji umwe kurubose. 34 Zvino Jesu adoti, "Baba, varekererei, ndava vanozivaba zvavanoita." Vadokhanda hakata kuti vakovane majasi yache. 35 Vanhu vadondomira pakarepo vadonangara, asi vatongi vadomushora, vachiti, "Adoponesa vamwe, mbaazviponese kana ari Khirisitu waMwari, Musaruhwa wache!" 36 Vahwi vadomunyadzawo, vadouya vachimupasa vhiniga, 37 vachiti, "Kana uri Mambo wovaJudha, zviponese!" 38 Panga panochinyohwa pakare pamusoro pache, "Uyu ndiye Mambo wovaJudha." 39 Umwe womakororo wanga adoturikiwa adomumbombodzera, achiti, "Ndiweba Khirisitu nai? Zviponese naisisuwo!" 40 Asi mabiyake adomudzuma, achiti, "Hauche Mwari nai, zvauri pakutongehwa mutongo mubodzi? 41 Isisu zvidokodzera, ndava tiri kutambira mubairo udofanira zviito zvedu, asi murume uyu haanai kuita chidoipa." 42 Adobva wati, "Jesu mundirangarire kana mopinda muumambo hwenyu." 43 Adoti kwaari, "Chokwadi ndinoti kwauri, nasi uchava nainini muParadhaisi."
44 Yanga yava awa yochitanhatu, padoita rima panyika yese kusvikira paawa yochipfemba, 45 zvichiita daipo chiedza chozuva chidodzimwa, jira romuimba yaMwari ndokukeruka nopakati. 46 Ipopo Jesu adodaidzira nodzinga rikuru achiti, "Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko yenyu!" Paadondotaura zvakarezvo adobva warosa. 47 Zvino mutungamiri wozana paadoona zvidoitika adokudza Mwari achiti, "Chokwadi murume uyu wanga asinai mhosva!" 48 Gurusvusvu rese ranga raungana kudzoona zvanga zvichiitika, pavadoona vadokotamisa zviso nondava yokusiririsiwa nazvo, ndokudzokera kudzimba dzavo. 49 Vazikani vache vese novanhukadzi vanga vamutevera kubva kuGaririya vadomira kurefu vachiona zvinhu zvakarezvi.
50 Zvino kwaiva nomurume waiitiwa Josefa waibva muguta rovaJudha roAramatiya. Waiva umwe wovodare, ari munhu adonaka adorurama, 51 iye anga asinai kuwirirana nochinangwa chavo nozvavadoita, wanga adotarisira umambo hwaMwari. 52 Murume wakareyu adoenda kuna Pirato ndokukumbira chitunha chaJesu. 53 Adochiburutsa ndokuchiputiridza nofuko, achimuradzika muguwa ridofongewa padombo, ranga risati ramboradzikiwa munhu. 54 Ranga riri zuva roGadziriro, Sabata yanga yaakuthanga. 55 Vakadzi vanga vauya naye kubva kuGaririya vadotevera ndokuona guwa, nomaradzikihwo yadoitiwa mutumbi wache, 56 Zvino vadodzokera, vachibva vagadzira zvinonushira nozvokuzora. PaSabata vadozorora maringe nomutemo.