1 Manje panguwa yakareyo padoita vamwe vanga varipo vadomunyepa kuti Pirato adosanganisa magazi yovaGaririya nozvipiriso zvavo. 2 Iye adovapindura ndokuti kwavari, "Ko munofunga kuti vaGaririya vova vanga vadonyanyitsa kuipa kukunda vaGaririya vese nai, nokuti vadotambudzika zvidodaro? 3 Ndinokuudzai, Neye, asi imimi kunze kwokutoti mapinduka muchaparadziwawo daro. 4 Kana vaye gumi novasere, vadowihwa nochirindo chomuSiromu vachibva vapfa, munofunga kuti vanga vadoipa kukunda vagari vese vomuJerusarema nai? 5 Ndinokuudzai, Neye, asi kana musingapinduki muchaparadziwawo daro."
6 Adotaura kamu mufananidzo uyu, "Umwe murume wanga anomukuyu udojariwa mudimba rache romizambiringa, adouya kotsvaga muchero pauri ndokusaya. 7 Adobva wati kumuchengetedzi womuzambiringa, ‘Onaka, makore matatu aya ndaimbondouya ndichitsvaga muchero pamukuyu wakareyu, ndichisaya. Ugwate, nokuti unochenekereiko pasi?’ 8 Adomupindura achiti, ‘Changamire, uregei zvawene gore rino, kusvikira ndautimbira nokuuisa mupfudze. 9 Kana ukadzoita muchero gore rinouya, zvidonaka, asi kana ukadzotadzawo, munougwata.’"
10 Zvino waidzidzisa munorimwe sinagoge paSabata. 11 Panga pano mukadzi wanga anomweya wohodza kwomakore gumi nomasere, wanga adotumbamisiwa nawo asingagone kuzvitwasura. 12 Jesu paadomuona adomudaidza ndokuti kwaari, "Mukadzi, wasununguhwa pahodza yako." 13 Adobva waisa manja pamusoro pache, nokamangu adotwasanuka, ndokubva warumbidza Mwari. 14 Asi mukuru wosinagoge adokaripa nokuti Jesu wanga waporesa noSabata, ndokuti kuvanhu, "Panomazuva matanhatu yanoitiwa nayo basa, uyai pamazuva yakareyo muporesewe, asi aikona nozuva roSabata."
15 Ipopo Ishe vadomupindura, "Imi vanyengeri! Handiti umwe noumwe wenyu anosugudura dhonza kana buru rache kubva mubara paSabata, achienda koripasa mvura chere? 16 Saka mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, wanga adosungiwa naSathani, kwomakore gumi nomasere, woreka chere kusununguhwa nokuti musi woSabata?" 17 Paadonyaira zvakarezvi, vavengi vache vese vadonyara, vanhu vese vadokondwa nozvinhu zvese zvinoshamisa zvaadoita.
18 Saka adoti, "Umambo hwaMwari hudofanana nei? Ndingahuenzanise nochii? 19 Hudofanana nombeu yomasitadhi inotohwa nomunhu achiijara mudimba mache, idokura ukava muti, uye tushiri tomudenga tudoita usanza mumathai yawene."
20 Adotaura pakare achiti, "Umambo hwaMwari ndingahuenzanise nei? 21 Hudofanana nombiriso idotohwa nomukadzi achiisa mumhimo dzitatu dzoupfu hwogorosi, kusvikira zvese zvavira."
22 Adofamba hwendo hwache nomumaguta nomumisha achidzidzisa, achienda adonanga kuJerusarema. 23 Umwe adomubvunza achiti, "Nai Ishe, vachaponesewa mbashoma chere?" Iye adoti kwavari, 24 "Patikidzai kupinda nopamusuwo udosvanika, ndava ndinokunyepai kuti vazinji, vachatsvaga kupinda asi vachakonaba. 25 Kana mwenekachiro woimba wasumuka kuzarira sasa, imipa muchathanga kumira panze muchigugudza pamusuwo muchiti, ‘Ishe, tizururireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handizivi kwamunobva.’ 26 Ipopo muchathanga kuti, ‘Tidoja nokumwa naimimi, futi mudodzidzisa mumigwagwa yedu!’ 27 Asi iye achati, ‘Ndinokunyepai kuti handizive kwamunobva. Birikai pano mese, vakaremi vaiti vozvidoipa!’ 28 Pakarepo mucharira nokugedageda meno yenyu, pamuchaona Abhurahamu, naIsaki, naJakobho novaporofiti vese muumambo hwaMwari imimi muchikutukudzihwa panze. 29 vanhu vachauya kubva kumabvazuva nokumadokero, nokumaodzanyemba nokuchamhembe, vachidzogara patafura muumambo hwaMwari. 30 Uye, vamwe vari vokupedzisira ndivo vachava vokuthanga, novokuthanga vachazova vokupedzisira."
31 Panguwa yakareyo vamwe vaFarisi vadouya vachiti kwaari, "Birika pano, nokuti Herudhe ari kuda kukubaya."
32 Iye adoti kwavari, "Endai koudza gava rakareriye kuti, ‘Ona ndiri kudzinga mashave nokurapa nasi nomangwana, nomungwani ndipo pandichapedza ndima yangu. 33 Zvisinei ndinofanira kufamba nasi, mangwana nomungwani, nokuti zvingaitikeba kuti muporofiti apararire kunze kwoJerusarema.’
34 "Jerusarema, Jerusarema, unobaya vaporofiti nokutema nomabhwe vaye vanotumiwa kwauri! Kazinji maninge ndichida kuunganidza vana vako, kunge huku inohwamira tutiyo twayene mumaphaphiro asi unoramba! 35 Ona, imba yako yasiiwa yaparara. Ndinokunyepai futi kuti muchandionaba, kusvikira pamuchadzoti, ‘Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe.’"