1 Paadopedza kutaura uku kwese vanhu vachinzva adopinda muKaperenaume. 2 Zvino mukuru wozana romauto wanga ano muranda waikosha kwaari, wanga achihwara zvokutoda kupfa. 3 Paadonzva nozvaJesu, adotuma kwaari vakuru vovaJudha achimukumbira kuuya kudzoporesa muranda wache. 4 Pavadosvika kuna Jesu, vadomuteterera chaizvo vachiti, "Adokodzera kuti mumuitire zvakarezvi, 5 nokuti anoda rudzi redu, futi adotivakhira sinagoge redu."
6 Zvino Jesu adoenda navo. Paanga wava papfupi nopamumba mukuru wozana romauto adotumira shamwari dzache kwaari, dzidobva dzati kwaari, "Ishe rekai zvenyu kuzvinetsa. Ndava ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu, 7 naizvozvo naininiwo ndinotarisiraba kuuya kwakareko. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora. 8 Nokuti naininiwo ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kuno umwe, ‘Enda kwakati!’ Iye woenda, nokuno umwe, ‘Uya kuno!’ Iye wouya, nokumuranda wangu, ‘Ita chakati!’ Iye woita."
9 Jesu paadonzva zvakarezvi adoshamisika naye, ndokuchungunukira kugurusvusvu rovanhu vaimutevera achiti kwavari, "Ndinokunyepai kuti, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi!"
10 Zvino vanga vatumiwa pavadodzoka kumba, vadowana muranda wapora.
11 Zvidoitika pazuva ridotevera kuti adoenda muguta raiitiwa Naini, vadzidzi vache nomhomho ikuru vadoenda naye. 12 Waakusvika panyasi posuwo roguta, padoita murume wanga wapfa wanga adotakuhwa kuendesewa kunze. Wanga ari mwanakomana mubodzi wamaache, vanga variwo mujiche, mhomho ikuru yomuguta yanga iri pabodzi nomujicheyo. 13 Ishe paadomuona, adomunzvira tsitsi ndokuti kwaari, "Rega kurira." 14 Adosvika ndokubata mukhangara, vatakuri vadomira kuti puru. Zvino iye adoti, "Jaha, ndinoti kwauri, muka." 15 Futi nyakupfa adobva wagarikika, ndokuthanga kutaura. Iye adomupereka kuna maache.
16 Kucha kudovabata vese, vadobva varumbidza Mwari, vachiti, "Muporofiti mukuru wamuka pakati pedu! Uye Mwari wabvakachira vanhu vake!"
17 Nyaya pamusoro pache idopararira muJudhiya rese nomatunhu yadopoteredza.
18 Vadzidzi vaJohwani vadomunyepa zvinhu zvakarezvi zvese, 19 iye adodaidza vadzidzi vache vairi kuti vaenda kuna Ishe kobvunza kuti, "Ndimi chere waidzouya, kana kuti kuri kuuya umwe?"
20 Zvino varume vaye pavadosvika kwaari vadoti, "Tatumiwa naJohwani Muombeki kudzobvunza kuti, ndimi chere waidzouya kana kuti kuri kuuya umwe?"
21 Panguwa yakareyo adorapa vazinji pamatenda yavo nomadzudzo nomweya idoipa, uye marombe mazinji adoyasvinudza. 22 Zvino adovapindura achiti, "Endai konyepa Johwani zvamaona nokunzva, zvokuti marombe yari kuona, vadotonhora nhengo vari kutekaira, vanomabobo vari kunatsiwa, nomaburunzeve yari kunzva, vadopfa vari kumutsiwa, varombo vari kuparidzihwa nyaya idonaka. 23 Adokomborehwa asingagumbuhwe nainini!"
24 Nhume dzaJohwani padzidoenda, adothanga kunyaira kugurusvusvu pamusoro paJohwani achiti, "Chii chamudoenda koona kusango, Mudoenda koona tsanga yaigwetedzewa nomhepo chere? 25 Chii zvino chamudoenda koona? Mudoenda koona munhu adosimira hembe dzinodhura chere? Handiti vanosimira hembe dzinodhura vari mudzimba dzomadzimambo! 26 Chii manje chamudoenda koona? Muporofiti chere? Inde, ndinokunyepai kuti anokunda muporofiti. 27 Wakareyu ndiye adonyohwa nozvache kuti, ‘Ona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, achanhadzira nzira yako.’ 28 Ndinokunyepai kuti, pakati povadozvahwa novakadzi hapanai anokurira Johwani. Asi mudikidiki muumambo hwaMwari ndiye mukuru kwaari."
29 Pavadonzva zvakarezvo vanhu vese novateresi vadokudza Mwari, nokuti vanga vaombekewa noruombeko raJohwani, 30 asi vaFarisi nomagweta vadoramba zano raMwari kwavari, nokusaombekewa naye.
31 "Nzvipi manje zvandingaenzanise nazvo vanhu vonguwa ino, vadofanana nani? 32 Vadofanana novana vadogarikika pamusika, vanodaidzirana vachiti, ‘Tidokuridzirai chinonje, asi hamunai kutamba, tidokuridzirai mhere asi hamunai kurira.’ 33 Nokuti Johwani Muombeki adouya asingaje mazingwa, kana kumwa waini, asi imimi munoti, ‘Anoshave!’ 34 Mwanakomana woMunhu adouya, achija nokumwa, asi imimi mudoti, ‘Onai! Nyanhafu nomuraradzi, shamwari yovateresi novatadzi!’ 35 Asi uchenjeri hunoruramisiwa novana vahwene vese."
36 Umwe muFarisi adomukumbira kuja naye, zvino adopinda mumba momuFarisi, ndokutora nzvimbo yake patafura. 37 Zvino mukadzi womuguta rakarero, wanga ari mutadzi, paadoziva kuti Jesu wanga ari pathafura mumba momuFarisi, adouya noguchu romapfuta, 38 adomira mumasure maJesu kutsoka dzache, achirira, ndokuthanga kutotesa tsoka dzaJesu nomisodzi yache, achidzipukuta novhudzi romusoro wache, achitsvoda tsoka dzache, nokudzizora mapfuta. 39 Zvino muFarisi nyakukokera Jesu paadozviona, adotaurira mumwoyo achiti, "Dai munhu uyu waiva muporofiti, waitoziva zvidoita mukadzi ari kumubata, nokuti mutadzi."
40 Jesu achipindura adoti kwaari, "Simoni, ndinochokutaura kwauri." Iye adopindura, "Mudzidzisi, taurai"
41 "Umwe mupi wozvikwerete anga ano vakwereti vairi, umwe adokwereta mazana mashano yomadhenari, umwewo makumi mashano. 42 Pavadotadzirira kubhadhara, iye adovarekerera vese. Zvino ngupi kwavari achanyanya kumuda?" 43 Simoni adopindura achiti, "Ndinofunga kuti nguye adorekerehwa zvidowanda." Adoti kwaari, "Watonga zvidonaka." 44 Ipopo achichungunuka kumukadzi adoti kuna Simoni, "Uri kuona chere mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako, haunai kundipasa mvura yotsoka dzangu, asi iye watotesa tsoka dzangu nomisodzi yache achidzipukuta novhudzi rache. 45 Iwewe haunai kunditsvoda, asi kubva nguwa yandapinda haanai kurega kutsvoda tsoka dzangu. 46 Haunai kuzora mapfuta musoro wangu, asi iyeyu wazora tsoka dzangu mapfuta. 47 Ndinokuudza ndipo kuti, zvitadzo zvache zvizinji zvarekerehwa, nokuti iye adoda maninge, asi uyo adorekerehwa zvishoma, anodawo pashoma." 48 Adobva wati kumukadzi, "Zvitema zvako zvarekerehwa." 49 Zvino vanga vanaye pathafura vadothanga kunyairirana vachiti, "Ko iyeyu mbani, anotorekererawo zvitadzo?" 50 Zvino adoti kumukadzi, "Kutenda kwako kwakuponesa, enda zvako murunyararo."