Publicidade

Lucas 5

Jesu Anodaidza Vadzidzi Vokuthanga

1 Zvidoitika kuti vanhu pavaimusvanikidza kuti vanzve Shoko raMwari, iye wanga adomira mumhera mogungwa roGenesareti. 2 Futi adoona tumwadiya tuiri pamhera pogungwa, asi vabati vohove vanga vabirika maturi vaakusuka mambure. 3 Achipinda munokamwe kotumwadiya, kanga kari kaSimoni, adomukumbira kuti anyedze pashoma kubva panyika. Zvino adogarikika pasi ndokudzidzisa vanhu ari mukamwadiya.

4 Paadopedza kutaura, adoti kuna Simoni, "Nyudzai mambure yenyu kugwiri kuti mubate."

5 Zvino Simoni adopindura, "Tenzi, tatambura usiku hwese asi hapanai chatabata! Asi noshoko renyu, ndichanyudza mambure." 6 Zvino pavadondoita zvakarezvo, vadobata hove dzidowanditsa, mambure yavo yakatoda kuparuka, 7 vadoninira abiyavo munokamwe kamwadiya kuti vauye vavabatsire. Ivo vadouya ndokuzaza tumwadiya twese tuiri, zvokuti twanga totonyura. 8 Asi Simoni Pita paadoona izvi, adowira pasi patsoka dzaJesu, achiti, "Birikai kwandiri, ndiri mutadzi Ishe!"

9 Nokuti wanga washamisiwa, novese vaanga anavo, nokuwanda kwohove dzavadobata.

10 Fanikewo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya, vanga vachishanda pabodzi naSimoni. Zvino Jesu adoti kuna Simoni, "Rega kucha, kubva manje uchabata vanhu."

11 Pavadouyisa tumwadiya twavo panyika, vadosiya zvese ndokumutevera.

Jesu Anoporesa Murume woMapere

12 Paanga ari munorimwe guta, padouya munhu wanga anomabobo muviri wese. Paadoona Jesu, adowira pasi pamberi pache ndokumuteterera achiti, "Ishe kana muchida, munogona kundinatsa."

13 Zvino adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Adoti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." Kabodzi nokabodzi mabobo yadobva yabirika kwaari. 14 Zvino adomutsindikira, kuti areke kuzvinyepa munhu asi adomuti, "Enda kozvinangidza kumuphirisita, upire chipiriso chokunatsiwa kwako sezvidoraihwa naMozisi, chive upfakazi kuvanhu."

15 Asi zvidodaro runyerekupe pamusoro pache hudopararira, gurusvusvu rikuru ridoungana kuti rimunzve nokuporesewa hodza dzavo. 16 Asi iye adobirika achienda kwake wega konamata.

Jesu Anoporesa Murume Adoputana Nhengo

17 Panorimwe romazuva yakareyo, paanga achidzidzisa, panga pano vaFarisi novadzidzisi vomutemo vanga vadogarikika pakarepo, vanga vabva mumisha yese yoGaririya noJudhiya nokuJerusarema, zvino simba raIshe rokuporesa ranga riri paari. 18 Zvino ona, varume vadouya nomurume adotonhora nhengo ari pabonde, vadotsvaga mapindiro yavaidzoita naye kuti vamuradzike pamberi paJesu. 19 Asi nokuda kwomhomho yovanhu vadotadza kusvitsa muhwere wavo paiva naJesu, saka vadokwira padenga roimba, ndokunyandanura denga vachibva vaburutsa muhwere ari pamukhangara wache nopaboo padonangana naJesu. 20 Zvino paadoona kutenda kwavo adoti, "Muhwere, zvitadzo zvako wazviregerehwa."

21 Asi vanyori novaFarisi vadothanga kubvunzana vachiti, "Mbani iyeyu anotaura zvokushora Mwari! NdiMwari basi peno anokona kuregerera zvitema!"

22 Jesu paadoziva zvaiva mumwoyo yavo adovapindura achiti, "Seiko muchiita mibvunzo mumwoyo yenyu? 23 Nzvipi zvidopusa kuti, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka utekaire?’ 24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema," adoti kumurume adotonhora nhengo, "Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!"

25 Kabodzi nokabodzi adosumuka pamberi pavo, achitora bonde rache, ndokuenda kumba kwache achirumbidza Mwari. 26 Kushamisika kudovabata vese, vadobva varumbidza Mwari, futi vadozara nokucha, vachiti, "Nasi taona zvinhu zvinoshamisa."

Jesu Anodaidza Revhi

27 Mumasure mozvakarezvo adobirika, ndokuona muteresi waiitiwa Revhi, anozita rokuti Mateo, wanga adogarikika paimba yomutero. Jesu adoti kwaari, "Nditevere." 28 Iye adosiya zvese, ndokusumuka achimutevera.

29 Zvino Revhi adomuitira mabiko makuru mumba mache, ipopo panga pano vateresi vazinji novamwewo vanga vadogarikika kuti vaje pathafura naye. 30 Zvino vaFarisi novanyori vadonyunyutira vadzidzi vache. Vadoti kwavari, "Indava yei muchija nokumwa novateresi novatadzi?"

31 Jesu adovapindura achiti, "Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba. 32 Ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi kuti vapinduke."

Mubvunzo Pamusoro Pokutsanya

33 Zvino vadoti kwaari, "Vadzidzi vaJohwani vanotsanya nokunamata kadowanda, futi vadzidzi vovaFarisi vanoita zvibodzi bodzizvo, asi vadzidzi venyu vanoja nokumwa."

34 Jesu adoti kwavari, "Mungatsanyise vadokokewa kumuchato iye mukwende anavo chere? 35 Mazuva yachasvika, pachabiritsiwa mukwende kubva kwavari, pamazuva yakareyo ndipo pavachatsanya."

36 Adovanyepawo mufananidzo ndokuti kwavari, "Hapanai anokerura kajira kubva pabiza ritsva achikasonerera pahembe yasakara. Kana akaita zvakarezvo, achakerura hembe yasakarayo, futi kajira kanobva pabiza ritsva kanotadza kuenderana nohembe yasakara. 37 Futi hapanai anoisa waini itsva muhomwe dzomatehwe yokare, akaita zvakarezvo waini itsva inophabura homwe dzomatehwe yokare, wainiyo yotaika, ukuwo matehwe yoparara. 38 Asi waini itsva inofanira kuisiwa muhomwe dzomatehwe dzitsva! 39 Futi hapanai anoti mumasure mokumwa waini yokare, angadzoda kumwa waini itsva, ndava anoti, ‘Yokare, ndiyo idonaka.’"

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-