Publicidade

Lucas 8

Vakadzi Vaitenairira Jesu

1 Mumasure mozvakarezvi adoenda kumaguta nokumisha, achiparidza nokuuya noNyaya Idonaka youmambo hwaMwari. Vanogumi novairi vanga vanaye, 2 novamwe vakadzi vadosununguhwa kumweya idoipa nohodza, Mariya Magadharina, adobiritsiwa mashave manomwe, 3 naJoana mukadzi waChuza, mutariri waHerudhe, naSuzana novamwewo vazinji vaivapasa zvavaiwana kubva pakubata kwavo.

Mufananidzo Womujari

4 Zvino gurusvusvu rikuru ridouya kwaari richibva kumaguta yadosiyana siyana, iye adonyaira kwavari nomifananidzo.

5 Adoti kwavari, "Mujari adoenda kojara mbeu dzache. Paanga achijara, dzimwe dzidombwerera munzira, ndokutsikiwa notsoka notushiri tudobva twadzija. 6 Dzimwe dzidombwerera pamabhwe, padzidomera, dzidooma ndava panga pasinai munyonho. 7 Dzimwe dzidombwerera pamwinza, mwinza idokura pabodzi nadzo ndokudzivhinga. 8 Dzimwe dzidombwerera paivhu ridonaka, ndokukura dzichibereka zvibereko, zvidopetewa kazana."

Paainyaira zvakarezvi adodaidzira achiti, "Anonzeve, mbaatetekere anzve!"

Chinangwa choMifananidzo

9 Zvino vadzidzi vache pavadomubvunza zvairehwa nomufananidzo wakareyu, 10 adoti kwavari, "Imimi mudopasiwa kuziva zvidohwanda zvoumambo hwaMwari, asi kuno vamwe zviri mumifananidzo, kuitira kuti pakuona vareke kuonetsetsa, nopakunzva vareke kunzvitsitsa."

Jesu Anovaudza Zvinoreva Mufananidzo Womujari

11 "Zvino mufananidzo nguyu, mbeu ndiro shoko raMwari. 12 Dziye dzidombwerera munzira mbaye vadonzva, zvino jabhurosi anouya achitora shoko mumwoyo yavo kuti vareke kutenda vachidzoponesewa. 13 Dzidombwerera pamabhwe mbaye vanoti kana vanzva shoko vanoritambira nomufaro. Asi havanai midzi, vanotenda kwokanguwa kapfupi, panouya muyedzo vanowa. 14 Zvino mbeu dzidombwerera pamwinza mbaye vanonzva shoko, asi mukurarama kwavo vodzovhingiwa nokuita kwavo hanya nozvonyika, nopfuma futi nomafaro youpenyu, saka havadzoita zvibereko zvidosvika. 15 Kana dziri dzopaivhu ridonaka mbaye vanonzva shoko voribatitsitsa nomwoyo udonaka udotendeka, voita zvibereko nokutsungirira."

Mwenje Pasi poDengu

16 "Hapanai anoti kana wabatidza mwenje anoubvinihira kana kuuisa pasi pobonde. Asi anotouisa pachigadziko kuti vanopinda vavhenekehwe nochiedza.

17 Nokuti hapanai chidosvisviwa chisingadzobiritsiwa pachenu, futi hapanai chidohwanziwa chisingadzozikana kana kudzoisiwa pachiedza.

18 Chenjererai ndipo, manzviro yamunoita, nokuti kuno anazvo achapasiwa zvimwe, asi asinai nochaanofungacho kuti anacho achatorehwa peno."

Amai Novanin'ina vaJesu

19 Zvino amaache novanin'ina vache vadouya kwaari, asi havanai kugona kusvika paari nokuda kwomhomho. 20 Zvino umwe adomunyepa achiti, "Amai venyu novanin'ina venyu vadokumirirai panze, vari kuda kukuonai."

21 Asi iye adoti kwavari, "Amaangu novanin'ina vangu mbaye vanonzva shoko raMwari nokuriita."

Jesu Anodekhadza Duthu

22 Rimwe zuva adopinda mukamwadiya novadzidzi vache ndokuti kwavari, "Mbatiyambukirei kumhiri kwogungwa." Saka vadobva vathanga kuenda. 23 Pavaikhwasva kamwadiya, Jesu adobva waenzera zvache. Zvino duthu rikuru ridouya pagungwa, kamwadiya ndokuthanga kuzara nomvura, zvokuti vanga vaapanjodzi. 24 Vadoenda komumutsa vachiti, "Tenzi, Tenzi taakupfa!"

Iye adomuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa yanga yachipenga, yadobva yarosa, ndokubva kwadekhara. 25 Adoti kwavari, "Kutenda kwenyu kuri poi?"

Asi ivo vadocha futi vadoshamisika, ndokunyairirana vachiti, "Ko munhu wakareyu mbani? Anototeerehwa kana wadzuma duthu nomapfeni yogungwa!"

Anoporesa Munhu Wokugahwa noMashave

26 Zvino vadosvika kunyika yovaGarasa, idonangarana noGaririya. 27 Achindobirika mukamwadiya achisvika panyika, adokumana nomurume waibva muguta, anga adopotehwa nomashave. Wanga asingasimire mbacha kwonguwa irefu futi wanga asingagare mumba asi mumakuwa. 28 Paadoona Jesu adodaidzira nodzinga ropamusoro, ndokuwira pasi pamberi pache achiti, "Chii chamunoda kuita nainini, imi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirai kuti murege kunditambudza." 29 Nokuti wanga waraira mweya woutsambwa kuti ubirike mumurume wakareyo. Nokuti kwonguwa irefu wanga udomubata, waigara adochengetewa, adosungiwa manja nomakumbo nongetani, asi iye waidimura wotungamihwa noshave racho kusango, kunzvimbo dzache wega.

30 Zvino Jesu adomubvunza achiti, "Zita rako ndiwe yani?"

Iye adoti, "Rigiyoni," nokuti mashave mazinji yanga yapinda maari. 31 Mashave yadodzomukumbira kuti areke kuyaraira kuenda kugomba risingagon'e.

32 Zvino boka rikuru rohumba ranga richifura mumhera mogomo, mashave yadokumbira Jesu kuti ayabvumire kupinda madziri. Iye ndokuyabvumidza. 33 Ipopo mashave yadobirika mumurume yachipinda muhumba, zvino boka ridotizirana kumapiripiri dzichiwirira mugungwa ndokupfira makaremo.

34 Anyakabusa pavadoona zvanga zvaitika, vadotiza, ndokuzvinyepa muguta nomumisha. 35 Ipopo vanhu vadobirika koona zvanga zvaitika, vadosvika panga pana Jesu, ndokuwana murume adobiritsiwa mashave, adogarikika patsoka dzaJesu, adotosimira wava nopfungwa kwadzo, vachibva vacha. 36 Vaye vanga vazviona vadovanyepa maponesehwo yadoitiwa iye wanga ano mashave. 37 Zvino vanhu vese vonyika idopoteredza yovaGarasa vadomukumbira kuti abve kwavari, ndava vanga vabatiwa nokucha kukuru, saka adopinda mukamwadiya ndokudzokera. 38 Murume wokubiritsiwa mashave adokumbira kuti ave naye, asi adomuendesa achiti,

39 "Dzoka kumba kwenyu wozivisa zvikuru zvawaitihwa naMwari." Iye adoenda, achiudza guta rese zvinhu zvikuru zvaadoitihwa naJesu.

Mwanasikana WaJairosi noMukadzi Waibirika Gazi

40 Zvino Jesu paadodzoka, mhomho yovanhu idomutambira, nokuti vese vanga vadotomumirira. 41 Zvino padodzouya murume waiitiwa Jairosi, wanga ari mukuru wosinagoge, achizviwisira pasi patsoka dzaJesu adomuteterera kuti aende kumba kwake. 42 Nokuti anga ano mwanasikana mubodzi, wanga ano makore gumi nomairi, wanga waakutandadza.

Paanga achienda vanhu vaibva kumativi yese vadomusvanikidza. 43 Zvino mukadzi wanga achibirika magazi kwomakore gumi nomairi pasinai waikona kumurapa, 44 adouya nomumasure make ndokubata mukombero wojasi rache, kabodzinokabodzi magazi yadomira kubirika. 45 Jesu adobva wati, "Mbani wandibata?"

Asi vese vadozviramba, Pita adoti, "Tenzi, mhomho iri kukuguma-gumai futi ichikutsvikinyidzai!"

46 Asi Jesu adoti, "Pano munhu wandibata, nokuti ndanzva simba richibirika mandiri." 47 Mukadzi paadoona kuti haanai kuhwanda, adouya achitetemera, adozviwisira pasi pamberi pache ndokumuudza pamberi povanhu vese chikonzero chaadomubatira, nomaporesehwo yaadoitiwa kabodzinokabodzi. 48 Jesu adobva wati, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa, enda murunyararo."

49 Jesu achiri kutaura murume adobva kumba kwomutungamiri ndokusvika achiti, "Chirekai kushupa Mudzidzisi, nokuti mwanasikana wenyu watopfa."

50 Asi Jesu paadozvinzva adomupindura achiti, "Reka kucha. Tenda basi, achapora."

51 Jesu paadosvika kumba, haanai kubvumira vamwe vanhu kupinda kusiya kwaPita, Jakobho naJohwani nababa naamai vomusikana. 52 Vese vanga vachimurira maundu, Jesu adovati, "Rekai kurira, haanai kupfa, adondoenzera basi."

53 Vadobva vamuseka, nokuti vanga vachiziva kuti wapfa. 54 Asi adobata ruoko rake achiti, "Mwana muka." 55 Mweya wake udobva wadzoka, achibva wamuka pakarepo, adovaraira kuti vamupase chokuja. 56 Ipopo vabereki vache vadoshamisika nazvo, asi adovakohomedza kuti varege kuwana wavanoudza zvanga zvaitika.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-