Publicidade

Lucas 18

Mufananidzo Womujiche Nomutongi

1 Zvino adovanyepa mufananidzo, waidzoita kuti varambe vachinamata vasingaori mwoyo. 2 Adoti, "Kuno rimwe guta kwanga kuno mutongi wanga asingache Mwari, kana kuva nobasa nomunhu. 3 Zvino paiva nomujiche muguta rakarero wairamba achiuya kwaari achiti, ‘Ndirungamisire nyaya nomhandu yangu.’ 4 Kwochinguwa wairamba, asi pasure adoti mumwoyo mache, ‘Kana zvangu ndisingache Mwari kana kuva nobasa nomunhu, 5 asi nondava yokuti mujiche wakareyu ari kundinetsa, ndichamurungamisira, kuti arege kundisembura nokuramba achimbondouya kwandiri.’"

6 Ishe adoti, "Inzvai zvinonyaihwa nomutongi asinai kururama. 7 Zvino Mwari angareke nai kurungamisira vasaruhwa vache vanodaidza kwaari masikati nousiku? Angavachehwere nai? 8 Ndinokunyepai, achavarungamisira nokamangu. Zvisinei, panouya Mwanakomana woMunhu achawana kutenda kuripo panyika here?"

Mufananidzo woMufarisi noMuteresi

9 Adonyairawo mufananidzo kuno vamwe vaizvivimba kuti vadorurama vachishora vamwe ndokuti, 10 "Vanhu vairi vadoenda konamata muimba yaMwari, umwe wanga ari muFarisi, umwe ari muteresi. 11 MuFarisi adomira achinamata ari pache wega achiti, ‘Mwari, ndinokutendai kuti handinai kufanana novamwe vanhu, vanonhafu, vasinai kururama, mhombo, kana kunge muteresi uyu. 12 Ndinotsanya kairi pasondo, ndinopereka chogumi chozvese zvandinowana.’ 13 Asi muteresi, adomira kurefu asingasumudze kana chiso yache kudenga asi adozvidukupisa achiti, ‘Mwari, ndinzvireiwo tsitsi inini mutadzi!’ 14 Ndinokunyepai kuti, "Murume wakareyu, adoenda kumba kwache waruramisiwa kukunda muFarisi. Ndava wese anozvikwiridzira achaninipisiwa, asi uyo anozvininipisa achakwiridzihwa."

Jesu Anoropafadza Vana Vadiki

15 Zvino vanga vachiuya kwaari notucheche twese kuti atubate, vadzidzi pavadozviona vadovadzumidza. 16 Asi Jesu adovadaidza ndokuti, "Rekai vana vadiki vauye kwandiri, damba wavarambidza, ndava vadodaiva umambo hwaMwari ngwavo. 17 Chokwadi, ndinokunyepai, wese asingatambire Umambo hwaMwari kunge mwana mudiki anopindaba mahuri."

Murume Mupfumi

18 Zvino mutongi adomubvunza, "Mudzidzisi adonaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?"

19 Jesu adoti kwaari, "Unondidaidzirei kuti adonaka? Hapanai adonaka asi Mwari wega. 20 Mirairo unoiziva inoti, ‘Reka kuita upombwe, reka kubaya, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, kudza baba vako namaako.’"

21 Iye adoti, "Zvakarezvi zvese ndidozvichengeta kubva paudiki hwangu."

22 Jesu paadozvinzva, adoti kwaari, "Panochibodzi chausati wava nacho. Tengesa zvese zvaunazvo ukovere varombo, ipopo uchava nopfuma kudenga, wouya wonditevera." 23 Asi paadonzva zvakarezvo adododoma chiso, ndava waiva nopfuma idowanditsa.

24 Jesu achimunangara adoti, "Maomeroba yazvidoita kuno vapfumi kupinda muumambo hwaMwari! 25 Ndava zvidotopusira ngamera kupinda nopaboo ronariti pamupfumi kuti apinde muUmambo hwaMwari."

26 Vaye vadozvinzva vadoti, "Manje mbani angaponesewe?"

27 Asi adoti, "Zvisingakwanisiki kuvanhu kuna Mwari zvinokwanisika."

28 Pita adoti, "Onai tidosiya misha yedu tichikuteverai."

29 Zvino adoti kwavari, "Chokwadi, ndinoti kwamuri, hapanai munhu adosiya imba kana mukadzi kana vakoma novanin'ina kana vabereki kana vana, nondava youmambo hwaMwari, 30 asingatambire zvizinji zvidopetewa munguwa ino, nomunguwa inouya upenyu husingapere."

Jesu Anonyaira Kochitatu zvokupfa Kwache

31 Achitora vanogumi novairi, adoti kwavari, "Onai, tiri kuenda kuJerusarema, zvese zvidonyohwa novaporofiti pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazazisiwa. 32 Ndava achaisiwa mumaoko yovanhu vodzimwe ndudzi, vachamunyadza nokumubata uyanga nokumusvipira mathe, 33 Vachamurova nokumubaya, nozuva rochitatu achamuka."

34 Asi hapanai chavadonzvitsitsa pazvese zvakarezvi, kunyaira kwakareku kwanga kudosvisvika kwavari, futi havanai kubata zvidotauhwa.

Jesu Anoporesa Rombe Raipemha

35 Paanga wava panyasi noJeriko, murume rombe wanga adogarikika parutivi ponzira achipemha, 36 paainzva mhomho yaifamba, adobvunza kuti zvairevei.

37 Vadomuudza, "Jesu woNazareta ari kupinda."

38 Iye adodaidzira, "Jesu, Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi!"

39 Zvino vaye vanga vari kumberi vadomudzuma, vachimuudza kuti anyarare, asi adotonyanyitsirafuti kudaidzira, "Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi!"

40 Jesu adomira, achiraira kuti vauye naye kwaari, paadosvika papfupi adomubvunza, 41 "Unoda kuti ndikuitire chii?"

Iye adoti, "Ishe itai kuti ndione."

42 Jesu adoti, "Chiona, kutenda kwako kwakuporesa."

43 Pakarepo adobva waona ndokumutevera, achirumbidza Mwari, vanhu vese pavadozviona vadokudza Mwari.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-