1 Adopinda nomuJeriko maanga achipindirira. 2 Panga pano murume waiitiwa Zakeyo, waiva mukuru wovateresi, adopfuma. 3 Adotsvaga kuona kuti Jesu mbani, asi waigonaba, nondava yovanhu nokuti wanga ari mupfupi. 4 Saka adomhanyira kumberi ndokukwira mumuti womukuyu kuti amuone, nokuti wanga waakupinda nopakarepo. 5 Zvino Jesu paadosvika pakarepo adonangara mudenga ndokuti kwaari, "Zakeyo, buruka nokamangu, ndava ndinofanira kugara kumba kwako nasi."
6 Saka adokurumidza kuburuka, ndokumutambira nomufaro. 7 Pavadozviona vese vadonyunyuta, "Wapinda koita murendo womunhu mutadzi."
8 Zvino Zakeyo adosumuka ndokuti kuna Ishe, "Onai, Ishe, ndinopereka chikamu chopakati chopfuma yangu kuvarombo, futi kana pano chandabiridzira umwe munhu, ndinochidzotsera chapetewa kanai."
9 Jesu adoti kwaari, "Nasi ruponiso rapinda mumba muno, sezvo naiyewo ari mwanakomana waAbhurahamu. 10 Ndava Mwanakomana woMunhu adouya kotsvaga nokuponesa chidotaika."
11 Pavainzva zvinhu zvakarezvi, adoenderera mberi kuvanyepa mufananidzo, ndava wanga wava papfupi noJerusarema, futi vaifunga kuti Umambo hwaMwari huchaoneka nokamangu. 12 Nokudaro adoti, "Umwe murume, anoremekedzeka adoenda kunyika iri kurefu kopasiwa umambo nokubva wadzoka. 13 Achidaidza varanda vache, adovapasa gumi ropondo, achiti kwavari, ‘Itai maronda nayo kusvikira ndauya.’ 14 Asi nzvahwa dzachedzo dzaimuzonda dzidotumira mumiririri mumasure mache dzichiti, ‘Tinodaba murume wakareyo kuti atitonge.’"
15 "Paadozodzoka wapasiwa umambo, adoraira varanda vakarevo vaadopasa mari, kuti vadaidziwe kuenda kwaari kuti azive zvavadowana pakuita maronda. 16 Wokuthanga adouya kwaari achiti, ‘Ishe, pondo yenyu yazvara dzimwe pondo gumi.’ 17 Iye adoti kwaari, ‘Waita mushe muranda adonaka! Ndava wanga udotendeka pazvishoma, uchava mukuru womaguta gumi.’ 18 Wochipiri adouya ndokuti, ‘Ishe, pondo yenyu yazvara pondo dzishano.’ 19 Zvino adoti kwaari, ‘Uchava mukuru womaguta mashano.’ 20 Zvino umwe adouya achiti, ‘Ishe, pondo yenyu iyi yandidoputira nojira, 21 ndava ndaikuchai, nokuti muri murume mukukutu, munotora chamusinai kuisa, munokohwa chamusinai kujara.’ 22 Adoti kwaari, ‘Ndichakutonga nomashoko yomuromo wako, iwe muranda adoipa! Waziva zvako kuti ndiri murume mukukutu, anotora paasinai kuisa nokukohwa pandisinai kujara. 23 Anga zvino udosairei kuisa mari yangu kubhengi, kuti pakuuya kwangu ndidzoitora yabereka?’ 24 Zvino adoti kuno vanga vadomira pakarepo, ‘Mutorerei pondo, muipase kuno ano gumi ropondo.’ 25 Ivo vadoti kwaari, ‘Ishe, ano gumi ropondo!’ 26 ‘Ndinokunyepai, kuti kuno anazvo achapasiwa zvizinji, asi asinai, nochaanofunga kuti anacho achatorehwa. 27 Asi kana vari vavengi vangu ava, vanga vasingade kuti ndivatonge, uyai navo pano muvabaire pamberi pangu.’"
28 Wapedza kunyaira zvakarezvi, adopfuurira mberi kuenda kuJerusarema. 29 Wava panyasi noBhetifegi noBhetani, pagomo rinoitiwa roMiorivhi, adotuma vadzidzi vache vairi, 30 achiti, "Pindai mumusha udonangarana nemi, pamunopinda muchawana kamhuru koburu kadosungirihwa, kasati kasinai kumbogadhiwa nomunhu, kasugudurei muuye nako kuno. 31 Kana paita anokubvunzai kuti, ‘Muri kukasugudurirei?’ Munyepei kuti, ‘Ishe vari kukada.’"
32 Saka vaye vadotumiwa vadoenda, ndokuzviwana zvidoita sekunyaira kwache. 33 Pavanga vachisugudura kamhuru, venekachiro vakene vadoti kwavari, "Muri kukasugudurirei kamhuru koka?"
34 Ivo vadoti, "Ishe vari kukada." 35 Zvino vadouya nako kuna Jesu, ndokukhandira hembe dzavo pakamwana koburu kuti Jesu adzigarire adokagadha. 36 Achienda adogadha daipo, vadowaridza hembe dzavo munzira.
37 Paanga wava papfupi, nopamateru yogomo roMiorivhi, gurusvusvu rese rovadzidzi ridothanga kufara nokurumbidza Mwari nomadzinga yopamusoro nondava yomabasa yese yosimba yavadoona. 38 Vaiti, "Adokomborehwa Mambo anouya muzita raIshe! Runyararo kudenga nokubhwinya kumusorosoro!"
39 Vamwe vaFarisi vanga vari mugurusvusvu vadoti kwaari, "Mudzidzisi, dzumai vadzidzi venyu."
40 Adopindura, "Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabhwe chaiyo yanothanga kudaidzira."
41 Paadosebera panyasi achiona guta adoriririra, 42 achiti, "Dai waitoziva iye nasi chaiye zvinhu zvinouyisa runyararo! Asi manje zvidohwanziwa kubva pameso yako. 43 Ndava mazuva yachakusvikira apo vavengi vako vachakupoteredza, vachikuvharira kumativi yese, 44 Vachikuphomorera pasi, iwepa novana vako vari mauri, vanodzosiyaba dombo riri pamusoro porimwe mauri, ndava haunai kuziva nguwa yokubvakachihwa kwako."
45 Zvino adopinda muimba yaMwari ndokuthanga kudzinga vaitengesa, 46 achiti kwavari, "Kudonyohwa kuti, ‘Imba yangu ichava imba yokunamatira,’ asi imimi muri kuiita bako romakororo."
47 Waidzidzisa ari muImba yaMwari mazuva yese. Vaphirisita vakuru, novanyori novakuru vovanhu vadotsvaga maparadziro yavaidzomuita, 48 asi havanai kuwana chinhu chavaigona kuita, nokuti vanhu vese vanga vadondobatirira pamashoko yache.