1 Adonangara ndokuona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro. 2 Adoona umwe mujiche murombo achiisa tumari twokopa tuiri. 3 Adobva wati, "Chokwadi ndinokunyepai, mujiche uyu murombo wapa zvizinji kukunda vese, 4 ndava vese vapereka kubva pazvizinji zvavanazvo, asi iye paurombo hwache waisa zvese zvaimuraramisa zvaanga anazvo."
5 Pavanga vachinyaira nozvoimba yaMwari, mashongedzehwo yayanga idoitiwa nomabhwe yanokosha nozvipo zvidopasiwa kuna Mwari adoti kwavari, 6 "Kana zviri zvinhu izvi zvamunoona, mazuva yachauya pasingadzosiiwa ibhwe riri pamusoro porimwe risingazokoromorehwa pasi."
7 Ivo vadomubvunza, "Mudzidzisi, izvozvi zvichava rini, futi nyhipi chichava chiratidzo chokuti zvaakuitika?" 8 Adoti, "Chenjerai kuti mureke kutsambutsiwa, ndava vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini iye!’ Rekai kuvatevera. Futi ‘Nguwa yava papfupi!’ 9 Zvino kana mava kunzva zvohondo nokumukirana, rekai kuvhunduka, ndava zvakarezvi zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika." 10 Zvino adoti kwavari, "Rudzi ruchamukira rimwe rudzi, noumambo huchamukira umwe umambo, 11 kuchavapo kugwetedzeka kukuru kwonyika, nokunzvimbo dzizinji kuchava nonzara nomatenda, futi kuchaita zvinhu zvinochisa nozviratidzo zvikuru zvichabva kudenga. 12 Asi zvakarezvi zvese zvisati zvaitika vachakusungai nokukutambudzai, vachikuendesai kumasinagoge nokumatorongo, futi muchaisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwozita rangu. 13 Iyi ichava nguwa yokuti mupe upfakazi. 14 Saka zvizivei mupfungwa dzenyu, kuti hamugare magadzirira zvokupindura, 15 ndava ndichakupasai muromo nouchenjeri, zvisingagonewe kukomwesewa kana kupikisiwa nomhandu dzenyu dzese. 16 Muchaisiwa munjodzi novabereki chaivo novakoma nohama futi noshamwari, vamwe venyu vachabaiwa, 17 muchazondewa novese pamusaka pozita rangu. 18 Asi hapanai kana bvudzi romusoro wenyu richaparara. 19 Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu."
20 "Asi pamunoona Jerusarema rapoteredzewa nomauto, moziva kuti kuparadziwa kwarene kwava papfupi. 21 Ipopo vanenge vari muJudhiya mbavatizire kumakomo, novaye vanenge vari muguta mbavatobirikira futi, novari kumamisha mbavareke kupinda muguta, 22 nokuti yakareya mazuva yokutsiva, kuzadzisa zvese zvidonyorewa. 23 Nhamu kuno vanomimba novanomwisa pamazuva yakareyo! Ndava kutambudzika kukuru kuchava panyika noukari pamusoro povanhu vakareva. 24 Vachabaiwa nobakatwa, vopambiwa vachiendesewa kumarudzi yese, Jerusarema richatsikiwa novanhu voyamwe marudzi, kusvikira nguwa yovanhu vakarevo yazazisiwa."
25 "Kuchava nozviratidzo pazuva, pamwedzi nopanyenyedzi. Marudzi yovanhu panyika vachasaya kudekhara, vachakanganisika nokuunga kwogungwa parinenge richiita mapfeni. 26 Vanhu vachawa chikhomo nokucha pavanenge vachitarisira zvinhu zviri kuuya panyika, ndava masimba yokudenga yachagwetedzeka. 27 Pakarepo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya nomakuti nomasimba nokubhwinya kukuru. 28 Zvino kana zvinhu zvakarezvi zvathanga kuitika, sumudzai misoro yenyu muone, ndava kusununguhwa kwenyu kwava papfupi."
29 Futi adovaudza mufananidzo, "Nangarai mukuyu, noimwe miti yese, 30 kana yava kupfunda mazani, munoona mega nokuziva kuti mainza yatova papfupi. 31 Saka kana maakuona zvinhu zvakarezvi zvichiitika, munoziva kuti Umambo hwaMwari hwasvedera. 32 Chokwadi, ndinoti kwamuri, vanhu vonguwa yakarei vanopfuuraba kusvikira zvese zvaitika. 33 Denga nonyika zvinopera, asi mashoko yangu yanoperaba."
34 "Asi zvichenjererei kuti mwoyo yenyu ireke kunetesewa nokuita nhafu nokukorewa nokuchira upenyu huno, kuti zuva rakarero rikusvikirei kabodzi nokabodzi kunge riva, 35 ndava richauya pamusoro povese vanogara pasi pese. 36 Asi garirirai nguwa dzese, muchinamata kuti muve nosimba rokupunyuka pazvinhu zvakarezvi zvese zvichaitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu."
37 Mazuva yese waidzidzisa muimba yaMwari, asi mauro waienda kwaaigara kugomo raiitiwa romuOrivhi. 38 Mambakwedza vanhu vese vaiuya kwaari muimba yaMwari kudzomunzva.