Publicidade

Lucas 10

Jesu Anotuma Vanomakumi Manomwe Novairi

1 Mumasure mozvakarezvi Ishe adomisikidza vanomakumi manomwe, ndokuvatuma kuenda mberi kwache, vari vairivairi, kumaguta yese nokunzvimbo dzaaidzoenda pachake. 2 Adoti kwavari, "Goho ridowanditsa, asi vashandi vashoma, motonamata kuti Ishe muridzi wogoho atumire vashandi kugoho rake. 3 Pindai munzira, onai, ndinokutumai sehwayana pakati pomasvitsi. 4 Rekai kutakura chikwama, kana buthu rozvinhu, kana shangu, rekai kumoresa munhu panzira. 5 Paimba yese yamunopinda, thangai kuti, ‘Rugare mbarive muimba ino!’ 6 Kana mwanakomana worugare ari pakarepo, rugare renyu ruchagara paari, asi kana asipo, ruchadzoka kwamuri. 7 Rambai muri mumba makaremo, muchija nokumwa zvamunopasiwa, nokuti mushandi anokodzero yomuripo wache, regai kuenda imba noimba. 8 Pese pamunopinda muguta vachikutambirai, ijai zvinoisiwa pamberi penyu, 9 poresai vahwere vari makaremo moti kwavari, ‘Umambo hwaMwari hwanyedza kwamuri.’ 10 Asi kwese kwamunopinda muguta vasingakutambirei, endai mumigwagwa yarene moti kwariri, 11 ‘Kana nopfumbi roguta renyu ranamira patsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri, zvisinei zivai kuti, umambo hwaMwari hwauya papfupi.’ 12 Ndinokuudzai, pazuva rakarero zvichanyanya kurerukira Sodhoma kupinda guta rakarero."

Maguta Yasinai Kutenda

13 "Mayanga kwauri, Korazini! Mayanga kwauri, Bhetisaidha! Ndava dai mabasa yosimba yadoitiwa mauri, yadoitiwa muThire nomuSidhoni, dai vadopinduka kare kare, vadototi mvocha murota vadosimira masaga. 14 Asi Tire noSidhoni vacharerukihwa pakutongewa kupinda imimi. 15 Naiwewe Kaperenaume, uchasumudzihwa kudzuru chere? Uchaburutsihwa kuHadhesi. 16 Uyo anokunzvai anonzva inini, noanokurambai anorambawo inini, noanondiramba anorambawo adondituma."

Vanomakumi Manomwe Novairi Vanodzoka

17 Vanomakumi manomwe vadodzoka nomufaro, vachiti, "Ishe, kana mashave yanga yachizviisa pasi pedu muzita renyu!"

18 Zvino adoti kwavari, "Ndidoona Sathani achiwa kubva kudenga kunge mheni. 19 Onai, ndidokupasai chikuriri chokutsika pamusoro ponyoka nomarize, kuti muve pamusoro pomasimba yese yomuvengi, futi hapanai chichakukuwadzai. 20 Zvisinei regai kufara nozvakarezvi, zvokuti mweya inokuchai, asi farirai kuti mazita yenyu yadonyohwa kudenga."

Jesu Anofara

21 Muawa ibodziyo adofara muMweya Mutsvene ndokuti, "Ndinokutendai, Baba, Ishe wodenga nonyika, kuti mudohwandisa zvinhu zvakarezvi kuno vadochenjera novanonzvitsitsa futi mudozviisa pachenu kuvana, Inde, Baba, ndava zvakarezvo ndizvo zvidova kuda kwenyu kwonyasha."

22 "Zvinhu zvese zvidopasiwa kwandiri naBaba vangu, futi hapanai anoziva kuti Mwanakomana mbani kusiya kwaBaba, kana kuti Baba mbani kunze kwoMwanakomana nowese anenge asaruriwa noMwanakomana kuti amuisire pachenu."

23 Zvino adochunungukira kuvadzidzi vache ndokuvanyepa zvidovanzika achiti, "Yadokomborehwa meso yanoona zvamuri kuona! 24 Ndava ndinokunyepai kuti vaporofiti vazinji nomadzimambo vaida kuona zvamuri kuona, asi vadozvionaba, nokunzva zvamuri kunzva, asi vadozvinzvaba."

Mufananidzo womuSamariya Adonaka

25 Zvino gweta, ridosumuka richimuedza richiti, "Mudzidzisi, chii chandingaite kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?"

26 Adoti kwaari, "Chii chidonyohwa mumutemo? Unoverenga tini?"

27 Futi adopindura achiti, "‘Unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nosimba rako rese, nokufunga kwako kwese, nokuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.’"

28 Futi adoti kwaari, "Wapindura zvidokohoroka, enda woita zvakarezvi, urarame."

29 Asi iye, achida kuzviita munatsi, adoti kuna Jesu, "Mabiyangu wacho mbani?" 30 Jesu adopindura achiti, "Murume waiburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko, adobatiwa nomakororo, yadomusunhura nokumurova, nokumukuwadza vachibva vaenda vachimusiya wakomoka. 31 Zvino muphirisita waitekairawo nonzira yakareyo, paadoona murume wakareyo adotsambuka achimutsemba. 32 MuRevhiwo, paadosvika pakarepo achiona, adotsambuka achimutsemba kamu. 33 Asi muSamariya, wanga ari pahwendo, paadosvika paanga ari, paadomuona, adomunzvira tsitsi, 34 adoenda paari, ndokudira mapfuta nowaini pazvironda zvache, achizvipomberera, achibva wamukwidza paburu rache, achimuendesa kuimba yovarendo, kwaadomuchengetera. 35 Mangwana yacho adobiritsa madhinari yake mairi achiyapasa muchengeti woimba yovarendo, achiti, ‘Muchengetei, pandinodzoka ndinodzoripa zvimwe zvese zvamunenge mashandisa.’"

36 "Mbani pavatatu vakarevo, waunofunga, kuti ndiye adoratidza kuva mabiyake kumurume wokubatiwa nomakororo?"

37 Ridoti, "Nyakumunzvira tsitsi."

Jesu adoti kwaari, "Endawo woita zvakarezvo."

Jesu Anobvakachira Marita naMariya

38 Zvino pavanga vachienda, adopinda mumusha, mukadzi waiitiwa Marita adomutambira mumba mache. 39 Wanga ari mukoma nomunin'ina naMariya, nyakudzogara patsoka dzaIshe achitetekera zvaaidzidzisa. 40 Asi Marita anga achitadzisiwa nokutenaira kudonyanya, adoenda kwaari achiti, "Ishe, hamunei nazvo kuti mabiyangu wandisiya ndichitenaira ndega? Muudzei kuti andibatsirewo."

41 Asi Ishe vadomupindura achiti, "Marita, Marita, unoshushikana nokuzvishupa nozvinhu zvidowanditsa, 42 pano chinhu chibodzi chinodiwa, Mariya adosarura chikamu chidonaka, chaasingadzotorehwa."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-