1 Paadoenda kumba kwoumwe wovatungamiri, muFarisi koja uri musi wosabata, zvidoitika kuti vadomunangaritsa. 2 Pakarepo panga pano umwe murume wanga adozvimba. 3 Jesu adotaura kumagweta novaFarisi achiti, "Zviri pamutemo chere, kuporesa noSabata kana kurega?"
4 Asi ivo vadoramba vadonyarara. Pakarepo adomutora ndokumuporesa, nokumureka achienda. 5 Iye adoti kwavari, "Mbani wenyu ano buru kana dhonza kana rikawira musime, angareke nai kuribiritsirafuti nokamangu nondava yokuti isabata?"
6 Ivo havanai kumupindura pakamu panozvakarezvi.
7 Zvino adotaura mufananidzo kuno vaye vanga vakokewa, paadoona vachibangira nzvimbo dzovanoremekedzewa, adoti kwavari, 8 "Kana wakokewa nomunhu kumuchato, rega kugara pamupando wovakuru, pamwe pano umwe anokukunda kuremekedzewa adokokewawo, 9 kuti iye adokukokai mese akadzouya achiti kwauri, Iwe pasa nzvimbo uyu, pakarepo uchathanga kunyara paunotora nzvimbo yopasi pasi. 10 Asi kana wakokewa, enda kogara pamupando unoshoreka, kuitira kuti kana adokukoka wauya adzoti kwauri, ‘Shamwari, enda kumusoro padokwirira,’ ipopo ucharemekedzewa pamberi povese vaudogara navo pathafura. 11 Nokuti wese anozvikudza achaninipisiwa, nouyo anozvininipisa achakwiridzihwa."
12 Adoti pakare kumunhu adomukoka, "Kana waita mabiko kana mutambo, reka kukoka shamwari kana hama dzako kana vavakhidzani vadopfuma, kuti vareke kudzokukokawo, vachikwichidza zvaudovaitira. 13 Asi kana waakuita mabiko, koka varombo, novadokuwara, novadoremara, novasingaone, 14 ipopo uchakomborehwa, ndava havakoni kukukwichidza. Uchakwichidziwa pakumuka kwovadorurama."
15 Zvino umwe wanga adogarikika naye patafura paadonzva zvakarezvi, adoti kwaari, "Adokomborehwa nguyo achaja mazingwa muUmambo hwaMwari!"
16 Asi adoti kwaari, "Umwe murume adoita mabiko makuru, ndokukoka vazinji, 17 Adotuma muranda wache panguwa yomutambo kodaidza vadokokewa, ‘Uyai, nokuti zvinhu zvese zvagadzihwa.’ 18 Asi vese pabodzi vadothanga kupa zvikonzero. Wokuthanga adoti kwaari, Ndidotenga munda, saka ndinofanira kuenda kouona, ndinourombo ndichauyaba. 19 Umwe adoti, ‘Ndatenga zvipani zvishano zvomadhonza, saka ndiri kuenda koyaedza, ndinourombo ndichauyaba.’ 20 Umwe kamu adoti, ‘Ndaroora mukadzi, saka ndichauyaba.’ 21 Saka muranda adouya ndokuudza tenzi wache zvakarezvo. Pakarepo noukari mwenekachiro woimba adoti kumuranda wache, ‘Enda nokamangu munzira nomumigwagwa yoguta, uuye novarombo novadokuvara novasingaone novadoremara.’ 22 Ipopo muranda adoti, ‘Tenzi, zvamaraira zvaitiwa, asi nzvimbo ichiripo.’ 23 Zvino tenzi adoti kumuranda wache, ‘Enda mumigwagwa nomunzira dzomumisha, usukumidzire vanhu vapinde, kuti imba yangu izare. 24 Ndava ndinokunyepai kuti, hapanai nomubodzi zvache wovadokokewa achananzva mabiko yangu.’"
25 Zvino mhomho ikuru idoenda naye, iye adochununguka ndokuti kwavari, 26 "Kana pano anouya kwandiri asingazonde baba vache namaache, nomukadzi novana, novakoma novanin'ina nohanzvadzi, asingazvizondewo iye pachake angaveba mudzidzi wangu. 27 Wese asingatakure muchinjikwa wache achinditevera, haangave mudzidzi wangu. 28 Mbatiti pakati penyu pano anoda kuvakha chirindo, haangareke kuthanga wagara pasi achiverenga mutengo wachene, kuti aone kana anomari inokwana kusvika pakupedzisa kuvakha chirindocho. 29 Ndava kana akathanga kuvakha nheyo, wodzotadza kupedzisa, vese vanoiona vanothanga kumunyadza, 30 vachiti, ‘Munhu uyu adothanga kuvakha, manje watadzirira kupedzisa.’ 31 Kana kuti ngupi mambo angamisidzane noumwe mambo muhondo, asingathange wagara pasi kuti aone kana achikona nozviuru zvache gumi zvomauto, kuhwisana noumwe mambo anomauto makumi mairi yozviuru? 32 Kuti kana asingakone, atumire nhume kuno umwe wacho achiri kurefu achikumbira runyararo. 33 Saka naizvozvo, wese pakati penyu asingarambe zvese zvaanazvo haangave mudzidzi wangu."
34 "Mwinyu udonaka, asi kana wataya kuvava kwawene, hapanai madzotsero yangaitiwe kuvava kwawene. 35 Hauchinai kabonyo kuivhu kana kumuhwi womupfudze, vanhu vanoutaya. Anonzeve mbaatetekere anzve!"