1 Zvino adodaidza vanogumi novairi, ndokuvapasa simba nochikuriri pamusoro pomashave yese, nokuporesa zvihwere, 2 ipopo adovatuma koparidza umambo hwaMwari nokuporesa. 3 Adoti kwavari, "Regai kutakura chinhu, tsvimbo, nhava, mbuva, kana mari pahwendo hwenyu, regedzai kutakura zvokusimira zviirizviiri. 4 Mumba yamunenge mapinda garai makaremo, kusvikira mabirika. 5 Kwese kwavasingakutambirei, kana maakubirika muguta rakarero, kuhumurai pfumbi rotsoka dzenyu kuti huve upfakazi hunovaroverera." 6 Saka vadodzobirika ndokuenda nomumamisha vachiparidza vhangeri nokuporesa kwesekwese.
7 Zvino Herudhe, mutongi, paadonzva zvese zvidoitiwa, adonetseka nazvo, nokuti vamwe vaiti Johwani wanga wamuka kuvadopfa, 8 vamwe ndovaiti, Eriya waonekwa, vamwewo vachiti umwe wovaporofiti vokare wamuka. 9 Herudhe adoti, "Johwani ndidomugwata musoro, manje mbani iyeyu wandaakunzva waakuita zvesezvi?" Saka Herudhe adotsvaga kumuona.
10 Nhumwa pavadodzoka vadoudza Jesu zvese zvavanga vaita. Iye adoenda navo pavo vega kuguta raiitiwa Bhetisaidha. 11 Asi mhomho paidozviziva idomutevera, iye adovatambira ndokuvanyepa zvoumambo hwaMwari achirapa vaye vanga vachida kuporesewa. 12 Pakwanga kwaakudoka, vanogumi novairi vadouya ndokuti kwaari, "Kototsai vanhu, kuti vaende mumisha nomunzvimbo dzidopoteredza, kwavangawane zvokuja, ndava tiri musango." 13 Asi iye adoti kwavari, "Imipa vapasei zvavangaje." Ivo vadoti, "Hatinai zvinopfuura mazingwa mashano nohove dziiri, kunze kwokuti titoenda kotengera vanhu vakareva vese zvokuja." 14 Ndava panga pano vanhurume vaitosvika zviuru zvishano. Zvino adoti kuvadzidzi vake, "Garisai vanhu muzvikwata zvomakumi mashano." 15 Vadoita izvozvo, ndokugarisa vanhu vese pasi 16 Adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudenga, achizvikomborera nokuzvikomorakomora achipasa vadzidzi vache kuti vazvipase vanhu. 17 Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvidosara, ndokuzadza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu.
18 Zvino zvidoitika kuti paanga achinamata wega vadzidzi vadouya, iye adovabvunza kuti, "Ko vanhu vanoti ndini yani?" 19 Ivo vadopindura vachiti, "Johwani Muombeki, asi vamwewo vanoti Eriya, kwodzoitawo vanoti ngumwe wovaporofiti vokare wamuka." 20 Iye adoti kwavari, "Ko imimi munoti ndini yani?" Pita adobva wati, "Ndimi Khirisitu waMwari."
21 Asi adovaraira achivakohomedza kuti vareke kuzvitaurira munhu, 22 zvino adoti, "Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudziwa pazvinhu zvizinji nokurambiwa novakuru vovanhu, novaphirisita vakuru, novanyori, wobaiwa, wodzomuka pazuva rochitatu."
23 Adobva waudza vese achiti, "Kana munhu achida kuuya mumasure mangu, mbaazvirambe atore muchinjikwa wache mazuva ese anditevere. 24 Nokuti wese anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, nowese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu, achahuchidza. 25 Nokuti chii chichabatsira munhu kana akawana nyika yese iye achitaika kana kuzvitaya? 26 Ndava wese anondinyara inini nomashoko yangu, wakareyo Mwanakomana womunhu achamunyarawo paanouya mukubhwinya kwache nokubhwinya kwaBaba vache nokwongirozi dzitsvene. 27 Ndinokuudzai chokwadi kuti varipo vadomira pano vasingadzoraidza ipfa vasati vaona umambo hwaMwari."
28 Kwapera mazuva yanenge masere yokunyaihwa kwozvakarezvi adotora Pita, naJohwani naJakobho, achikwira mugomo konamata. 29 Paanga wakunamata chiso chache chidosanduka, hembe dzache dzidochena zvokuyetima kunge kupenya kwokambarivari. 30 Zvino varume vairi, Mozisi naEriya vadooneka vachinyaira naye, futi vanga vanokubhwinya kukuru. 31 Vadonyaira pamusoro pokuenda kwache kwaaidzozazisa kuJerusarema. 32 Pita naabiyake vaanga anavo vadobatiwa nohope dzidonyanya, asi pavadodzopengenuka, vadoona kubhwinya kwache, novarume vairi vadomira naye. 33 Zvidoitika pavanga vaakuparadzana naye, Pita adoti kuna Jesu, "Tenzi, zvidonaka kuti tiri pano, mbatiitei misakasira mitatu, umwe wenyu, umwe waMozisi noumwe waEriya," asingazivi zvaaitaura.
34 Paanga achinyaira zvakarezvi guti ridouya ndokuvafukidza, vadocha pavanga vaamuguti. 35 Izvi ridobirika mugutimo richiti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu, Musaruhwa wangu, mutetekerei!"
36 Izvi paridonyaira, Jesu adodzoonewa waawega. Vadoramba vadozvinyarara zvakarezvo mumazuva iyoyo, hapanai munhu wavadonyepa chinhu pamusoro pozvavadoona.
37 Mangwana chimuka, vaburuka mugomo, mhomho ikuru idosangana naye. 38 Padoita murume wanga ari mumhomho, adodaidzira Jesu achiti, "Mudzidzisi, ndapota, ndionereiwo mwanakomana wangu, nokuti ndiye chete mwana wangu! 39 Shave rinomubata, woerekana wathanga kukuwa, rinomugwetedza nosimba kusvikira waakuphupha furu. Anobva wati raphatha, risingamusiye kamangu, futi riri kutomuparadza. 40 Ndakumbira vadzidzi venyu kuti varibiritse, asi varitadzirira."
41 Jesu adomupindura achiti, "Imi vanhu vonguwa ino vasingatende, vadotaika, ndichava naimimi nokuva nomwoyo murefu naimimi kusvikira rini? Ndichakubatsirai kusvikira riniko? Uya nomwanakomana wako pano."
42 Paanga achiuya shave ridomuumburudza richimugwetedza nosimba. Asi Jesu adokaruza mweya wotsambwa, ndokuporesa mukomana, nokumupereka kuna baba vache. 43 Vese vadoshamisika nokuona ukuru hwaMwari. Zvino vachiri kushamisika nozvese zvaadoita, adotaura kuvadzidzi vache.
44 Adoti, "Mazvi yakareya mbayapinde munzeve dzenyu, ndava Mwanakomana womunhu achaisiwa mumaoko yovanhu." 45 Asi ivo havanai kunzvitsitsa kutaura kwakareku, futi kwanga kudosvisvika kwavari, kuti vareke kuzvibata, asi vadocha kumubvunza nyaya yakareyo.
46 Zvino nharo dzidomuka pakati pavo dzokuti mbani mukuru pakati pavo. 47 Asi Jesu paadoziva kufunga kwomwoyo yavo, adotora mwana ndokumugadzika panyasi pache, 48 adoti kwavari, "Wese anotambira mwana uyu muzita rangu anotambira inini, noanonditambira anotambirawo adondituma, ndava mudiki pakati penyu mese, ndiye mukuru."
49 Johwani adobva wati, "Tenzi, taona munhu achidzinga mashave muzita renyu, tamurambidza, ndava haakuteverei pabodzi naisisu." 50 Asi Jesu adoti kwaari, "Rekai kumurambidza, nokuti asingapikisane naimimi ngwenyu."
51 Padosvika nguwa yokuti iye atambihwe kudenga, adozvigadzirira kuenda kuJerusarema. 52 Adotuma nhume mberi kwake, idzo dzidoenda ndokupinda mumusha wovaSamariya, kuti vamugadzirire. 53 Asi vanhu havanai kumutambira nokuti wanga achitoenda kuJerusarema. 54 Zvino vadzidzi vake Jakobho naJohwani pavadozviona, vadoti, "Tenzi, munoda chere kuti tikumbire moto ubve kudenga uvaparadze?"
55 Asi iye adochununguka ndokuvadzuma. 56 Zvino vadoenda kuno umwe musha.
57 Pavaifamba munzira, umwe murume adoti kwaari, "Ndichakuteverai kwese kwamunoenda."
58 Jesu adoti kwaari, "Makava yanomisina, notushiri tuno tushashira, asi Mwanakomana woMunhu haanai pokutsamidza musoro wake."
59 Kunoumwe adoti, "Nditevere." Asi iye adoti, "Ishe, rekai ndithange ndaviga baba vangu."
60 Asi iye adoti kwaari, "Reka vadopfa vavikhe vadopfa vavo, asi iwewe enda koparidza umambo hwaMwari."
61 Umwewo adoti, "Ndichakuteverai, Ishe, asi rekai ndithange ndagoneka vari kumba."
62 Jesu adoti kwaari, "Hapanai anoti kana waisa janja rache pagejo wodzocheuka anganzi adofanira muumambo hwaMwari."