Publicidade

Lucas 4

Kuedzewa kwaJesu

1 Zvino Jesu paanga adozara naMweya Mutsvene, adodzoka kubva kuJorodhani, futi adotungamihwa naMweya 2 kwomazuva makumi manai ari musango, achiedzewa najabhurosi. Hapanai chaadoja mumazuva yakareyo, payadodzopera, wanga waanonzara.

3 Jabhurosi adoti kwaari, "Kana uri Mwanakomana waMwari, raira ibhwe iri riite zingwa."

4 Asi Jesu adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nozingwa basi.’"

5 Zvino jabhurosi adotora Jesu ndokuenda naye padokwirira nonguwa ipfupipfupiyo adomunangidza umambo hwese hwopasi, 6 adoti kwaari, "Ndinokupasa ukuru hwesehwu nokubhwinya kwahwene, ndava ndidohupasiwa, uye ndinohupasawo wandinoda. 7 Kana ukandinamata, zvese zvingatova zvako."

8 Zvino Jesu adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Unofanira kunamata Ishe Mwari wako basi iye chete ndiye waunofanira kushumira.’"

9 Ipopo adoenda naye kuJerusarema, ndokumugadzika pakatorotoro koimba yaMwari, ndokuti kwaari, "Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi kubva pakarepano. 10 Ndava kudonyohwa kuti, ‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako, kuti dzikuchengete.’ 11 Futi dzichakukacha, kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’"

12 Zvino Jesu adomupindura achiti, "Zvidotauhwa kuti, ‘Rega kuedza Ishe Mwari wako.’"

13 Zvino jabhurosi paadopedza kumuyedza nokuedza kwese, adobirika paari kusvikira pava noumwe mukana.

Jesu Anothanga Basa Rache muGaririya

14 Zvino Jesu adodzokera kuGaririya ari musimba raMweya, nyaya pamusoro pache idosvika kunzvimbo dzese dzidopoteredza. 15 Adodzidzisa mumasinagoge yavo nokurumbidziwa novese.

Jesu Anorambiwa muNazareta

16 Zvino adosvika kuNazareta, kwaadokurira, setsika yache adopinda musinagoge nomusi woSabata. Adosumuka kuti averenge, 17 adotambidziwa bhuku romuporofiti Isaya. Adophedenura bhuku ndokuwana padonyorewa,

18 "Mweya waShe ari pandiri,

nokuti adondizodza kuti ndiparidze nyaya idonaka kuvarombo.

Adondituma kudzoparidza rusununguko kunhapwa

nokudzotsera meso kumarombe,

nokusunungura vadodzvinyirihwa,

19 kuti ndiparidze

gore raShe rinotambirika."

20 Ipopo adovhara bhuku, ndokuridzotsera kumubati, achibva wagarikika, meso yovese vanga vari musinagoge yadomudzvokora. 21 Iye adothanga kuti kwavari, "Nasi gwaro iri razazisiwa munzeve dzenyu."

22 Zvino vese vadonyaira zvidonaka pamusoro pache vachishamisika nomashoko yotsitsi yadobirika mumuromo mache. Vadobva vati, "Anga wakareyu mwanakomanaba waJosefa nai?"

23 Iye adoti kwavari, "Pasina kupokana, muchanyaira tsumo kwandiri yokuti, ‘Murapi, zvirape, zvatidonzva kuti udoita kuKaperenaume, zviitewo muno mumusha mako.’" 24 Ndokubva wati kwavari, "Chokwadi ndinoti kwamuri, hapanai muporofiti anotambirika munyika yache. 25 Asi ndinokuudzai chokwadi, paiva novajiche vazinji muIzirairi pamazuva yaEriya, padozarihwa denga kwomakore matatu nomwedzi mitanhatu, kudouya nzara ikuru munyika yese, 26 Eriya adotumiwaba kuno umwe wavo, asi kumujiche kuZarefati basi, munyika yoSidhoni, kumukadzi wanga ari mujiche. 27 Futi muIzirairi manga muno vomapere vadowanda panguwa yomuporofiti Erisha, asi hapanai kana mubodzi adoporesewa kunze kwaNaamani muSiriya."

28 Pavadonzva zvakarezvo, vese vanga vari musinagoge vadozara noukari. 29 Vadosumuka vachimubiritsa muguta, vadoenda naye kumapiripiri yopakatunhu panova padovakhihwa guta ravo, kuti vamugwididzire awe nomusoro. 30 Asi iye adobirika nopakati pavo ndokuenda zvache.

Murume anoMweya Udoipa

31 Zvino adoenda kuKaperenaume, guta roGaririya, wanga achivadzidzisa nomusi woSabata. 32 Futi vadoshamisika nokudzidzisa kwache, nokuti shoko rache ranga rino chikuriri. 33 Musinagogemo manga muno murume wanga ano mweya riri shave ridoipa, adokuwa zvinoruzha achiti, 34 "Aa! Munei nesu Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai, kuti muri Mutsvene waMwari!"

35 Asi Jesu adomudzuma achiti, "Nyarara ubirike maari!" Zvino shave paridomuwisira pasi pakati povanhu, ridobirika risinai kumukuwadza.

36 Vese vadoshamisiwa nazvo ndokutaurirana vachiti, "Shoko hwai rakareri? Ndava nosimba rochikuriri anodzuma mweya idoipa, ichibva yabirika!" 37 Nhau pamusoro pache dzidosvika kumatunhu yese yadopoteredza.

Jesu Anoporesa Vanhu Vazinji

38 Zvino adosumuka ndokubirika musinagoge achipinda mumba maSimoni. Manje amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri zvidonyanya, vadonyepa Jesu pamusoro pokuhwara kwakareko. 39 Jesu adomira pamberi paamezvara vaSimoni Pita ndokudzuma denda. Vadobva vapora kabodzi nokabodzi padenda rakarero, ivo ndokusumuka nokamangu vachitenairira vanhu.

40 Zvino zuva paranga raakunyura ratoti piriviri vese vanga vano vahwere vomatenda yadosiyanasiyana vadouya novahwerevo kuna Jesu, iye adoisa maoko yache pamusoro pavo vese achivaporesa. 41 Mashave yadobirikawo muvanhu vazinji, yachikuwa yachiti, "Ndimi Mwanakomana waMwari!"

Asi iye adoyadzuma, achiyarambidza kunyaira, ndava yaiziva kuti ndiye Khirisitu.

Jesu Anoparidza mumaSinagoge

42 Pakwanga kwachena adobirika achienda kwake wega. Vanhu vadomutsvaga ndokumuwana, vadoedza kumuchengetedza kuti arege kudzovasiya. 43 Asi iye adoti kwavari, "Ndinofanira kuparidza Nyaya Idonaka youmambo hwaMwari kunoyamwe maguta futi, ndava ndizvo zvandidotumiwa."

44 Zvino wanga achiparidza mumasinagoge yomuJudhiya.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-