1 Pamazuva yakareyo chirevo chidobva kuna Ogasito Khesari kuti nyika yese inyohwe. 2 Kwakareku kwanga kuri kunyohwa kwokuthanga kudoitiwa Sairiniyasi ari mutongi woSiriya. 3 Munhu wese adoenda konyohwa, umwe noumwe kuguta rache.
4 NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. 5 Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba, 6 futi pavanga vari kwakareko, nguwa yokupona kwaMariya idosvika. 7 Adopona mwana wache mukomana wodangwe ndokumuputiridza nomapiza, nokumuenzeresa muchijiro chozvipfuwo, ndava kwanga kusinai nzvimbo mudzimba dzovarendo.
8 Mudunhu rakarero manga munananyakabusa, vaichengeta mahwai yavo usiku. 9 Ngirozi yaIshe idozvionesa kwavari, kubhwinya kwaIshe ndokuvapenyera kumativi yese, ivo ndokubatiwa nokucha. 10 Ipopo ngirozi idoti kwavari, "Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese. 11 Ndava nasi muguta raDhavhiti, mazvarihwa Muponisi, ndiye Khirisitu Ishe. 12 Futi ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri, muchawana mwana adoputiridziwa nomapiza adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo."
13 Kabodzi nokabodzi kudovapo pabodzi nongirozi yakareyo hondo yokudenga ikurufutiyo, yanga ichirumbidza Mwari ichiti,
14 "Kubhwinya mbakuve kuna Mwari Wokumusorosoro,
nopanyika mbapave norugare pakati povanhu vanomufadza!"
15 Ngirozi padzidobirika pavari dzichienda kudenga, anyakabusa vadotaurirana vachiti, "Mbatiendei kuBheterehema toona chinhu chakarechi chaitika, chataudziwa naIshe."
16 Saka vadoenda nokamangu, ndokuwana Mariya naJosefa, nomwana adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo. 17 Pavadomuona vadozivisa zvanga zvatauhwa kwavari pamusoro pomwana wakareyo. 18 Vanhu vese vadozvinzva vadoshamisiwa nozvavadonyepewa nananyakabusa. 19 Asi Mariya adochengeta zvinhu zvakarezvo zvese, achizvifungitsitsa mumwoyo mache. 20 Anyakabusa vadodzokera, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pozvese zvavadonzva nozvavadoona, semaudzihwo yavanga vaitiwa.
21 Mumasure momazuva masere, mwana paanga wachecheudziwa, adotenzewa zita rokuti Jesu, iro raadopasiwa nongirozi asati wava mudumbu.
22 Padokwana nguwa yokuzvinatsa kwavo maererano nomutemo waMozisi, vadouya naye kuJerusarema kuti vamupereke kuna Ishe 23 Zvakarezvi zvidoitika kuti mutemo waIshe uzazisiwe unoti, "Murume wese anozurura chibereko achanzi mutsvene kuna Ishe." 24 Vadodzoenda kopira chipiriso zvichienderana nozvinotauhwa nomutemo waIshe, zvinoti, "tuvana tuiri tonjiva, kana marunga mairi yohangaiva."
25 Zvino muJerusarema maiva nomunhu waiitiwa Simiyoni, murume wakareyu wanga adorurama futi adozvipira, waitarisira kunyaradziwa kwovaIzirairi, Mweya Mutsvene wanga ari paari. 26 Wanga adoisihwa pachenu naMweya Mutsvene kuti waidzoonaba ipfa asati waona Khirisitu waIshe. 27 Paadofemehwa naMweya adouya muimba yaMwari, zvino vabereki pavadouya nomwana Jesu, kudzomuitira zviri maererano notsika yomutemo, 28 Simiyoni adotora mwana mumaoko mache achibva warumbidza Mwari achiti,
29 "Ishe, zvino chiregai zvenyu muranda wenyu aende norugare,
maererano noshoko renyu,
30 ndava meso yangu yaona ruponiso renyu
31 ramudogadzirira pamberi povanhu vese,
32 chiedza chokuzarurihwa kumarudzi yasiri maJudha,
nokubhwinya kuvanhu venyu vaIzirairi."
33 Baba vache namai vache vadoshamisiwa nozvidonyaihwa pamusoro pache. 34 Zvino Simiyoni adovaropafadza achibva wati kuna Mariya amai vache, "Ona, Mwana wakareyu adomisihwa kuwa nokusumuka kwovazinji muIzirairi, nochiratidzo chinonyaihwa zvokupikisa 35 futi bakatwa richakubaya nokutobirikira pamweya pako, kuti pfungwa dzomuhana dzovazinji dziisiwe pachenu."
36 Paiva nomuporofitikadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, wodzinza raAsha, wanga atochemberetsa, wanga wandogara nomurume wache makore manomwe kubva paumhandara hwache, 37 wanga ari mujiche kusvikira wava nomakore makumi masere nomanai. Waibirikaba muimba yaMwari, wainamata nokutsanya achinyengetera usiku nomasikati. 38 Paadouya nguwa yakareyo, adopasa kutenda kuna Mwari, achibva wanyaira pamusoro pache kuno vese vanga vadotarisira kudzikinuhwa kwoJerusarema.
39 Pavadoita zvese zviri maererano nomutemo waIshe, vadodzokera kuGaririya, kuguta ravo, Nazareta. 40 Mwana adokura ndokuva nosimba, adozara nouchenjeri, nonyasha dzaMwari dzaiva paari.
41 Zvino vabereki vache vaienda kuJerusarema makore yese kumabiko yoPhasika. 42 Jesu paanga wava nomakore gumi nomairi, vadoenda kumutambo zvaiva maererano notsika. 43 Padodzopera mutambo, vabereki vache vaakudzokera kumba, mwanakomana Jesu adosara kuJerusarema, asi vabereki vache vanga vasingazvizive, 44 vaifunga kuti wanga ari pabodzi naabiyavo, ndokufamba kwozuva rese, asi vadothanga kumutsvaga pakati pohama dzavo noshamwari dzavo. 45 Zvino pavadomusaya, vadodzoka kuJerusarema komutsvaga. 46 Kwapera mazuva matatu vadodzomuwana ari muchivanze choimba yaMwari, wanga adogarikika pakati povadzidzisi, achivatetekera nokuvabvunza mibvunzo. 47 Vese vadomunzva vadoshamisika nomunzvitsitsiro wache nomhinduro dzache. 48 Vabereki vache pavadomuona vadoshamisika, amaache vadobva vati kwaari, "Nai mwana, watiitirei daipa? Ona, baba vako nainipano tanga tichishupika kukutsvaga."
49 Iye adoti kwavari, "Ko manga muchinditsvagirei? Hamuzive nai kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?" 50 Asi havanai kunzvitsitsa zvaanga achinyaira kwavari.
51 Zvino adoenda navo ndokusvika kuNazareta, futi waivateerera, asi amai vache vadochengeta zvinhu zvakarezvi zvese mumwoyo mavo. 52 Futi Jesu adoingidzika pauchenjeri nopamumhu, nopakudikana naMwari novanhu.