Publicidade

Lucas 22

Kurangana Kubaya Jesu

1 Zvino mutambo woMazingwa Yasinai Mbiriso unodaidziwa kuti Phasika, wanga wava papfupi. 2 Vaphirisita vakuru novanyori vaitsvaga mabairo yavaidzomuita, ndava vaicha vanhu.

Judhasi Anobvuma Kutengesa Jesu

3 Manje Sathani adopinda muna Judhasi waiitiwa Sikariyoti, waiverengehwa pagumi novairi, 4 adobirika ndokuenda korangana novaphirisita vakuru novatungamiri matengesero yaaidzomuita kwavari. 5 Ivo vadofara, ndokuronga kumupasa mari. 6 Saka adobvuma, ndokutsvaga mukana wokumutengesa kwavari pasinai gurusvusvu.

Jesu Anogadzirira Kuja Phasika

7 Zvino zuva roMazingwa Yasinai Mbiriso ridosvika, apo hwayana rophasika raidzoitiwa chipiriso. 8 Saka Jesu adotuma Pita naJohwani, achiti, "Endai kotigadzirira phasika, kuti tiije." 9 Vadoti kwaari, "Nghupi kwamunoda kuti tiigadzirire?" 10 Iye adoti kwavari, "Onai, kana mapinda muguta, muchakumana nomurume adotakura chirongo chomvura, muteverei mumba maachapinda, 11 futi udzai mwenekachiro woimba, ‘Mudzidzisi ari kuti kwauri, iripoi imba yovarendo, mandichajira novadzidzi vangu zigwa rophasika risinai mbiriso?’ 12 Iye achakunangidzai kamuri ikuru yopamusoro idorongedzewa, tigadzirirei makaremo. 13 Ivo vadoenda, ndokuwana zvidoita semanyairiro yaadovaitira, saka vadobva vagadzira phasika."

Chirairo chaIshe

14 Nguwa paidosvika, adogarikika patafura ano nhumwa. 15 Iye adoti kwavari, "Ndaiditsa kuja naimimi phasika yakarei ndisati ndatambudzika, 16 nokuti ndinokunyepai kuti ndichaijaba kusvikira yazazisiwa muumambo hwaMwari." 17 Adotora mukombe, paadopa kutenda adoti, "Utorei wakareyu, mukovane pakati penyu, 18 ndava ndinokuudzai kuti kubva zvino ndichamwaba zvomuchero womuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwauya." 19 Futi adotora zingwa, paadorinamatira adorikomora ndokuvapasa achiti, "Uyu muviri wangu unopasiwa kwamuri. Itai zvakarezvi muchindifunga." 20 Ndomwenze pamukombe padopera kuja kwomauro, achiti, "Mukombe uyu udodururiwa nokuda kwenyu ndicho chibvumirano chitsva mugazi rangu. 21 Asi onai ruoko raiye ari kundipandukira rinainini pathafura. 22 Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda sekutahwa kwazvidoitiwa, asi nhamu kumunhu wakareyo anomupandukira." 23 Ipopo vadothanga kubvunzana kuti ngupi pavari waidzoita izvozvi.

Nharo pamusoro poUkuru

24 Nharo dzidomukawo pakati pavo, kuti mbani wavo waidzotorewa semukuru. 25 Achibva wati kwavari, "Madzimambo yoMarudzi yanovashandisira ukuru, noavo vanomasimba pamusoro pavo vanonzi mbabatsiri. 26 Asi mbazvirege kudaro kwamuri, hasa kuti mukuru pakati penyu ave kunge mudikitsa, nomutungamiri aite kunge mushandi. 27 Nokuti ngupi mukuru, pano adogarikika pathafura, noanotenaira? Handiti mukuru nguyo anogarikika pathafura? Asi inini ndiri pakati penyu semutenairi. 28 Ndimi vaye vadoramba vanainini pakuedzewa kwangu, 29 inipano ndidokusarudzirai umambo, fanike masarudzihwo yandidohuitihwa naBaba vangu, 30 kuti muje nokumwa pathafura yangu muumambo hwangu, uye mugarikike pamipando muchitonga marudzi gumi nomairi yovaIzirairi."

Jesu Anozivisa Kuramba kwaPita

31 "Simoni, Simoni, ziva kuti Sathani adopopera kukutorai kuti akuungurei kunge gorosi, 32 asi ndidokunamatira kuti kutenda kwako kureke kukundikana, futi kana wadzodzoka pakare, simbisa abiyako." 33 Adoti kwaari, "Ishe, ndidozvigadzirira kuenda kutorongo futi nokutopfa pabodzi naimimi." 34 Jesu adoti, "Ndinokunyepa Pita, jongwe rinoriraba nasi, usati waramba katatu, kuti unondiziva."

Chikwama, Nhava noBakatwa

35 Futi adoti kwavari, "Pandidokutumai musinai chikwama kana nhava, kana shangu, pano chamudosaya chere?" Vadoti, "Hapanai." 36 Achibva wati kwavari, "Asi manje ano chikwama mbaatore, noanonhava mbaatore, futi asinai bakatwa mbaatengese jasi rache atenge ribodzi. 37 Nokuti ndinokunyepai kuti rugwaro rakareri rinofanira kuzazisiwa mandiri, ‘Futi adoverengewa pabodzi novatadzi,’ ndava zvidonyohwa pamusoro pangu zvinokuzazisiwa kwazvene." 38 Futi vadoti, "Nangarai, Ishe, pano pane mapakatwa mairi." Adoti kwavari, "Zvatokwana."

Jesu Anonamata paGomo romiOrivhi

39 Futi adobirika achienda kugomo roMiorivhi, semaitiro yache, vadzidzi vadomutevera. 40 Futi paadosvika panzvimbo adoti kwavari, "Namatai kuti mureke kupinda pakuedzewa." 41 Futi adobirika kubva pavari ndokuenda pamberi zvishoma, adopfugama ndokunamata achiti, 42 "Baba, kana muchida biritsai mukombe uyu kwandiri, zvisinei mbakureke kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu, mbakuitiwe." 43 Padooneka ngirozi idobva kudenga ichimusimbisa. 44 Ari pakutambudzika kukuru adonamata zvidonyanya. Dukuta rinenge madonhwe yogazi ridodonha pasi. 45 Futi paadosumuka kubva pakunamata, adoenda kuvadzidzi ndokuvawana vatoenzera nondava yokusuwa, 46 achibva wati kwavari, "Munoenzerereiko? Mukai munamate kuti mureke kupinda pamuedzo."

Kusungiwa kwaJesu

47 Paanga achiri kutaura, padouya gurusvusvu, futi murume anoitiwa Judhasi, umwe wovanogumi novairi, anga achivatungamirira. Iye adonyedza papfupi naJesu kuti amutsvode, 48 asi Jesu adoti kwaari, "Judhasi, ungatengese Mwanakomana woMunhu nokutsvoda?" 49 Zvino vaye vanga vanaye pavadondoona zvanga zvava kuitika, vadoti, "Ishe, tikhwape nomapakatwa here?" 50 Umwe wavo adokhwapa nzeve yokuruji yomuranda womuphirisita mukuru ndokuigwata. 51 Asi Jesu adoti, "Izvozvo zvakwana." Futi adobata nzeve yache achimuporesa. 52 Ipopo Jesu adoti kuvapirisita vakuru novabati voimba yaMwari novakuru, vanga vauya kudzomusunga, "Mabirika kunge muri kuhwisa gananga, mudopakata bakatwa nonduni? 53 Pandanga ndinaimimi muimba yaMwari zuva nozuva, hamunai kundibata. Asi yakarei inguwa yenyu, noyomasimba yorima."

Pita Anoramba Jesu

54 Ipopo vadomusunga ndokuenda naye, vachimuisa kumba kwomuphirisita mukuru. Pita adovatevera ari kurefu, 55 pavadobatidza moto pakati pochivanze vachigara vese pabodzi, Pita adogara pakati pavo. 56 Zvino mushandisikana achimuona adogara pachiedze adomunangaritsa, ndokuti, "Murume wakareyu anga anaye futi." 57 Asi adozviramba achiti, "Amai imi, handimuzivi ini." 58 Pamasure pokanguwa kapfupi umwewo adomuona ndokuti, "Iwewe uri mabiyavo." Asi Pita adopindura achiti, "Vakuru, ndiniba!" 59 Mumasure mochinguwa chinenge awa ibodzi umwe kamu adosimbisa achiti, "Chokwadi murume uyu wanga anaye, ndava ndowomuGaririya." 60 Asi Pita adoti, "Vakuru imi, ndinozivaba zvamunonyaira." Ipopo achiri kutaura, jongwe ridorira. 61 Ishe adocheuka ndokunangara Pita. Zvino Pita adobva watondera shoko raIshe, raadonyaira kwaari achiti, "Uchandiramba katatu nasi Jongwe risati rarira." 62 Adobirika achienda korira zvinosiririsa.

Kunyadziwa noKurohwa KwaJesu

63 Zvino varume vanga vadosunga Jesu vadomunyadza nokumurova, 64 vadomusunga pakamu mumaziso zvokariroriro ndokunyaira kwaari vachiti, "Porofita! Mbani wakurova?" 65 Vadonyaira mashoko yadowanda yokumunyomba, vachimushora.

Jesu Pamberi Podare

66 Kwachena, ungano yovakuru vovanhu idoungana pabodzi, kusanganisira vaphirisita vakuru novanyori, vadoenda naye kudare ravo, vachibva vati, 67 "Kana uri Khirisitu, tiudze." Asi iye adoti kwavari, "Kana ndikakuudzai, hamungatende, 68 futi kana ndikakubvunzai, munondipinduraba. 69 Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu achagara kuruoko roruji rosimba raMwari." 70 Vese vachibva vati, "Saka ndiwe Mwanakomana waMwari here?" Iye ndokuti kwavari, "Manyaira kuti ndini." 71 Futi vadoti, "Tichadireiko pfakazi pakare? Tazvinzvira tega kubva pamuromo wache."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-