1 Nomusi woSabata vaitekaira nomuminda yogorosi. Vadzidzi vache vadochora hora dzogorosi, vachitsukutira mumanja vachija. 2 Asi vamwe vaFarisi vadoti, "Sei muchiita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata?"
3 Jesu adovapindura achiti, "Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga ano nzara iye novanhu vaanga anavo? 4 Adopinda muimba yaMwari, achitora nokuja mazingwa yanoera, yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. Adopasawo vanhu vaanga anavo."
5 Adoti kwavari, "Mwanakomana woMunhu ndiIshe woSabata."
6 Pano imwe Sabata Jesu adopinda musinagoge ndokudzidzisa. Makaremo manga muno umwe murume wanga anoruoko roruji rudoputana. 7 Vanyori novaFarisi vadomunangara kuti vaone kana waidzoporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. 8 Jesu adoziva pfungwa dzavo ndokuti kumurume wanga anoruoko ridoputana, "Uya umire pano." Iye adosumuka ndokumira pakarepo. 9 Jesu adoti kwavari, "Ndinokubvunzai kuti zvinobvumihwa chere kuita zvidonaka nomusi woSabata kana kuita zvidoipa, kuchidza upenyu kana kuhuparadza?" 10 Adovanangara nangara vese, ndokuti kumurume uye, "Tambanudza ruoko rako." Iye ndokuritambanudza, ruoko rache ndokubva rapora.
11 Asi ivo vadozara noukari ndokunyairirana vachitsvaga chavangamuite.
12 Mumazuva yakareyo adoenda kugomo konamata, adonamata kuna Mwari usiku hwese. 13 Pakwanga kwachena, adodaidza vadzidzi vache ndokusarudza gumi novairi pakati pavo, vaadotenza kuti nhumwa. 14 Simoni waadotenza kuti Pita naAndireya waiva mukoma nomunin'ina naye, naJakobho naJohwani, naFiripi naBhatoromiyu, 15 naMateo naTomasi, naJakobho mwanakomana waArufiyasi, naSimoni woushingi, 16 naJudhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Sikariyoti, adodzova mupanduki.
17 Adoburuka novadzidzi ndokumira panzvimbo idoenzana, wanga anomhomho ikuru yovadzidzi vache nogurusvusvu rikuru rovanhu. Vanhu vakarevo vanga vabva kwese muJudhiya nomuJerusarema nomunyasi mogungwa roTire noSidhoni, vanga vauya kudzomunzva nokudzoporesewa matenda yavo, 18 noavo vaitambudziwa nomweya idoipa vadoporesewa. 19 Ipopo mhomho yese yovanhu vadovavarira kumubata, ndava simba raibirika kubva paari richivaporesa vese.
20 Adonangara vadzidzi vache ndokuti,
"Mudokomborehwa imipa varombo,
ndava umambo hwaMwari ngwenyu.
21 Mudokomborehwa imipa vanonzva nzara manje,
ndava muchagutsiwa.
Mudoropafadziwa imipa vanorira manje,
ndava muchaseka."
22 "Mudokomborehwa imipa kana vanhu vachikuvengai, vachikusiyai kunze nokukuzvidzai, vachisvipisa mazita yenyu, nokuda kwoMwanakomana woMunhu! 23 Farai pazuva rakarero, nokuchiruka nomufaro, ndava mubairo wenyu mukuru kudenga. Ndava zvakarezvo ndizvo zvidoitiwa nomadzibaba yavo kuvaporofiti.
24 Asi mayanga kwamuri vadopfuma,
ndava matotambira kunyaradziwa kwenyu.
25 Mayanga kwamuri imipa mudoguta iye manje,
ndava muchanzva nzara.
Mayanga kwamuri imipa munoseka nguwa ino, ndava
mucharira nokuungudza."
26 "Mayanga kwamuri, kana vanhu vese vachitaura zvidonaka pamusoro penyu, ndava madzibaba yavo vadoita zvakarezvo kuvaporofiti vomabhwodo."
27 "Asi ndinoti kwamuri imipa munonzva, Idai vavengi venyu, itirai zvidonaka vanokuzondai, 28 ropafadzai vanokushurikidzai, munamatire vanokubatai uyanga. 29 Anokurova padama, perekera rimwe kamu, noanokutorera bhachi, mureke atore nohembe kamu. 30 Perekai kuno wese anokuruvirai, kana paita anokutorerai zvinhu zvenyu, rekai kudzomubvunza pakare kuti akudzotserei. 31 Saka zvamunoda kuti vanhu vakuitirei muvaitire imimi zvakarezvo."
32 "Kana muchindoda vanokudai, nghupi kutendewa kwamunako? Nokuti novatadzi vanodawo vaye vanovada. 33 Futi kana mukaitira zvidonaka kuno avo vanokuitirai zvidonaka, munowana mubairo wei? Ndava novatadzi vanoita zvibodzibodzizvo! 34 Kana muchindokweretesa vamunogurupira kuti vachakudzotserai, munotendehwei? Nokuti vatadzi vanokweretesa vavanogurupira kuti vachavadzotsera pakamu zvavadovakweretesa. 35 Asi imimi idai vavengi venyu, muvaitire zvidonaka, ipai pasinai chamunogurupira kudzotsehwa, mubairo wenyu uchava mukuru, ipopo muchava vana voWokumusorosoro, nokuti iye anotsitsi kuno vasingatende nokuno vanondozvifunga. 36 Ivai notsitsi fanike Baba venyu vanotsitsi."
37 "Rekai kutonga, kuti murege kutongewawo, rekai kupasa mhosva, kuti murege kudzopiwawo mhosva, regererai, kuti muregerehwewo. 38 Pasai, naimipa muchapasiwawo. Mhimo idonaka, idotsindihwa, idozunguzihwa, inomupororo, ichadururihwa pabuthu penyu. Nokuti mhimo yamunopasa ndiyo mhimo yamuchadzotsehwawo."
39 Adovanyepawo mufananidzo achiti, "Rombe rinokonaba kutungamira rimwe rombe, ndava vakatungamirirana, vese vanowira mugomba. 40 Mudzidzi haakunde mudzidzisi wache, asi wese anenge adzidzisiwa zvidokwana, anofanana nomudzidzisi wache."
41 "Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako? 42 Kana kuti ungaudze tini hama yako kuti, ‘Hama, reka ndibiritse kasesu kari muziso rako,’ iwewe usingaone danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, thanga kubiritsa danda riri muziso rako, kuti udzonatsa kuona mabiritsiro yokasesu kari muziso rohama yako."
43 "Ndava hapanai muti udonaka unobereka muchero udoipa, kana nomuti udoipa unobereka muchero udonaka. 44 Ndava muti wese unozikana nomuchero wawene, nokuti huyu dzinothanziwaba pamwinza, kana mazambiringa yanothanziwaba padzambwa romwinza. 45 Munhu adonaka anobiritsa zvinhu zvidonaka kubva pamwoyo wache udonaka, nomunhu adoipa anobiritsa zvidoipa kubva pamwoyo wache udoipa. Ndava muromo unonyaira zvidozara mumwoyo."
46 "Munondidaidzirei kuti, ‘Ishe, Ishe,’ musingaite zvandinokunyepai? 47 Wese anouya kwandiri akanzva mashoko yangu nokuyaita, ndichakunangidzai waadofanana naye. 48 Adofanana nomunhu anovakha imba, adochera zvokuti gwiri, wovakhira nheyo paruware, kahwizi pakadofashukira mafashamu yadorova imba yakareyo, asi hayanai kuigwetedza nokuti yanga idovakhiwa zvidosimba. 49 Asi anonzva asingayaiti adofanana nomunhu adovakha imba yache pajecha pasinai nheyo, mafashamu payadorova imba yakareyo idowa nokamangu futi kuparara kwayene kwanga kudokuritsa."