1 Kudaiku panovazinji vadozvipira kuisa pabodzi rondedzero yozvinhu zvidozazisiwa pakati pedu. 2 Ndinokunyorerai semapasihwo yatidozviitiwa naivo vanga vari pfakazi dzidozviona futi vari vashumairi voshoko. 3 Saka sezvandidozviteedza zvese ndiri papfupi nazvo kwonguwa irefu, zvidondinakirawo kukunyorerai nhoroondo yokuteedzana kwazvene, iyemi vanoremekedzewa zvidonyanya vaTiofirasi. 4 Ndinozviitira kuti muzive chokwadi pamusoro pozvinhu zvamudonyepewa.
5 Mumazuva yaHerudhe, mambo woJudhiya, kwaiva nomuphirisita waiitiwa Zakariya, wogovero raAbhiya, waiva nomukadzi wanga ari wokuvanasikana vaAroni, zita rache richiitiwa Erizabheti. 6 Vese murume nomukadzi, vanga vadorurama pamberi paMwari, vachifamba mumitemo yese nomumirau yaIshe pasinai chaishoreka. 7 Asi vanga vasinai mwana, ndava Erizabheti waiva ngomwa, futi vese vanga vakaramba.
8 Zvino padosvika zoro raZakariya, adoshumira semupirisita pamberi paMwari. 9 Zvidoitika maererano notsika youphirisita, kuti adobatiwa nohakata kuti apinde mukherekhe yaIshe kuti apise zvinonushira, 10 ipopo panguwa yozvinonushira mhomho yese yanga ichinamata iri panze. 11 Zvino ngirozi yaIshe idoonewa naZakariya, idomira kuruji roatari yozvinonushira. 12 Zakariya paadoona ngirozi adonetseka nazvo, ndokubva wabatiwa nokucha. 13 Asi ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Zakariya, ndava munamato wako wanzvika, futi mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwana mukomana, iwepa womutenza zita rokuti Johwani. 14 Futi uchava nomufaro nokukondwa, novazinji vachafara pakuzvahwa kwache. 15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, achamwaba waini kana zvinokora, futi achazadziwa naMweya Mutsvene, kubva mudumbu ramaache, 16 futi achadzotsa vanakomana vazinji vovaIzirairi kuna Ishe Mwari wavo. 17 Achaenda pamberi paIshe mumweya nomusimba raEriya, kuti adzotse mwoyo yanababa kuvana, novasingateereri kuuchenjeri hwovadorurama, kuva anoitira Ishe vanhu vadogadzirira."
18 Zvino Zakariya adoti kungirozi, "Ndingazvizive tini zvakarezvi? Ndava ndakaramba, futi mukadzi wangu wachembera."
19 Ipopo ngirozi idomupindura ichiti, "Ndini Gabhurieri, anomira pamberi paMwari, ndidotumiwa konyaira kwauri, nokukuvikhira nyaya yakarei idonaka. 20 Manje chionaka, uchanyarara futi wotadza kunyaira kusvikira pazuva razvichaitika zvakarezvi, ndava haunai kutenda mashoko yangu, yachazazisiwa nonguwa yayene."
21 Ipopo vanhu vanga vadomirira Zakariya, vadoshamisika nokuchehwa kwache mukherekhe. 22 Paadodzobirika, adokonaba kunyaira kwavari, ivo vadobva vaziva kuti wanga waona chiratidzo mukherekhe, adoita zvokuninira kwavari ndokuramba ari chimumumu.
23 Padopera nguwa yache yokushumaira, adoenda kumba kwache. 24 Musure momazuva yakareyo mukadzi wache Erizabheti adoita mimba, ndokuzvihwanza kwomwedzi mishano, achiti, 25 "Ndizvo zvidoitiwa naIshe kwandiri pamazuva yaadondinangara, kuti abiritse kushoreka kwangu pakati povanhu."
26 Mumwedzi wochitanhatu ngirozi Gabhurieri idotumiwa naMwari kuenda kuguta roGaririya rinoitiwa Nazareta. 27 Idoenda kumhandara yanga idobvunzihwa nomurume waiitiwa Josefa, woimba yaDhavhiti. Zita romhandara yacho raiitiwa Mariya. 28 Ngirozi idouya kwaari ndokuti, "Mufaro kwauri, iwe waitihwa mutsa, Ishe anewe!"
29 Asi Mariya adonetseka maninge nokunyaira kwakareko, futi adofunga mupfungwa dzache kuti yangave mamoresero hwai yadodaro. 30 Ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. 31 Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu. 32 Achava mukuru, futi achadaidziwa kuti Mwanakomana woWokumusorosoro, futi Ishe Mwari vachamupasa mupando wokutonga wababa vache Dhavhiti, 33 futi achava Mambo muimba yaJakobho nokusingapere, noumambo hwache hunopfurukaba."
34 Asi Mariya adoti kungirozi, "Anga zvakarezvi zvinoitika tini, sezvo inipano ndisinai murume?"
35 Ngirozi idoti kwaari, "Mweya Mutsvene achauya pauri, nomasimba yoWokumusorosoro yachakufukidza, saka mwana achazvahwa achaitiwa mutsvene, Mwanakomana waMwari. 36 Chionaka, hama yako Erizabheti mukuchembera kwache watovawo nomimba yomwana mukomana, mwedzi uno watova wochitanhatu womunhu wakareyo waiitiwa ngomwa. 37 Nokuti naMwari hapanai chisingagoneke."
38 Mariya adoti, "Onai, ndiri murandakadzi waIshe, mbazviitike kwandiri zvarehwa noshoko renyu." Ngirozi idobva yabirika paari.
39 Mumazuva yakareyo Mariya adosumuka nokamangu kuenda kunyika yomakomo, kuguta roJudhiya. 40 Adopinda mumba maZakariya ndokumoresa Erizabheti. 41 Zvino Erizabheti paadondonzva izvi rokumoresa kwaMariya, mwana adochiruka mudumbu rache. Erizabheti adozaziwa naMweya Mutsvene, 42 futi adobva wakanuka ndokunyaira noizvi rinoruzha achiti, "Udoropafadziwa iwewe pakati paanhikadzi, futi budzi rochibereko chako ridoropafadziwa! 43 Asi ndava yei ndaitihwa zvakarezvi, zvokuti amai vaIshe wangu vanouya kwandiri? 44 Nokuti izvi rokundimoresa kwako parandosvika munzeve dzangu, mwana ari mudumbu mangu wachiruka nomufaro. 45 Adoropafadziwa iye adotenda nokuti kuchava nokuzazisiwa kwozvidonyaihwa naIshe kwaari ."
46 Futi Mariya adoti,
"Mwoyo wangu unokudza Ishe,
47 mweya wangu unofarira Mwari Muponisi wangu,
48 Ndava adorangarira kuzvidzika kwomurandasikana wache.
Nokuti kubva zvino mazera yese yovanhu yachanditi ndidoropafadziwa,
49 nokuti iye anomasimba adondiitira zvinhu zvikuru.
Zita rache ritsvene,
50 tsitsi dzache dziri pamusoro paivo vanomucha
kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.
51 Wanangidza simba noruoko rache,
wapamwadza vanozvitutumadza pamafungiro yomwoyo yavo.
52 Wagadzika pasi vanomasimba achivabiritsa pamipando yavo,
achikwidziridza vadozvidzika.
53 Wagutisa nozvinhu zvidonaka vanonzara,
vapfumi wavaendesa vari maoko vhuzuvhuzu.
54 Wabatsira muranda wache Izirairi,
mukuyeuka tsitsi dzache kwaari.
55 Sekunyaira kwaadoita kumadzibaba yedu,
kuna Abhurahamu nokuvana vache nokusingapere."
56 Mariya adogara naErizabheti mwedzi inosvika mitatu, ndokuzodzoka kumba kwache.
57 Zvino nguwa idosvika yokuti Erizabheti apone, adopona mwana mukomana. 58 Zvino vavakhidzani vache nohama dzache pavadonzva kuti Ishe wamunzvira tsitsi maninge, vadobva vafara naye.
59 Vadouya nozuva rochisere kudzochecheudza mwana, pakarepo vadoda kumutenza zita rababa vache rokuti Zakariya. 60 Asi amai vache vadoti, "Neye, achatenzewa zita rokuti Johwani."
61 Vadoti kwaari, "Pahama dzenyu hapanai anodaidziwa nozita rakareri." 62 Vadoninira nomanja kuna baba vomwana, vachibvunza zita raidiwa nababa kuti mwana atenzewe.
63 Zakariya adokumbira hwendefa rokunyorera, ndokunyora kuti "Zita romwana ndiJohwani." Vese vadoshamisika nazvo. 64 Pasinai nonhambwe yese muromo waZakariya udovhurika, chirimi chache ndokupfuduka, adobva wathanga kutaura achikudza Mwari. 65 Kucha kudouya kuvavakhidzani vavo vese, zvinhu zvakarezvi zvese zvidotauhwa munyika yese yomakomo yoJudhiya. 66 Vese vadozvinzva vadozviisa muhana dzavo, vachiti, "Mwana iyeyu achava yani?" Ndava janja raIshe ranga rinaye.
67 Zvino Zakariya baba vache vadozadziwa naMweya Mutsvene, ndokuporofita vachiti,
68 "Mbaakudziwe Ishe Mwari waIzirairi,
ndava wabvakachira nokununura vanhu vache.
69 Futi watisimudzira simba roruponiso
muimba yomuranda wache Dhavhiti.
70 Sekunyaira kwaadoita nomuromo wovaporofiti vache vatsvene kubva karekare,
71 kuti atiponese kubva kumhandu dzedu,
nokubva kuno vese vanotizonda,
72 kuti aite mutsa udovimbisiwa madzibaba yedu,
nokuyeuka chibvumirano chache chitsvene.
73 Mhiko yaadopikira kuna baba vedu Abhurahamu,
74 kutipasa kuti isisu,
tikasununguhwa kubva paruoko rovavengi vedu,
timushumire tisingache,
75 muutsvene nomukururama pamberi pache
mazuva yese yokurarama kwedu.
76 Iwe, mwana, uchadaidziwa kuti muporofiti woWokumusorosoro,
ndava uchaenda pamberi paIshe
kuti umunhadzirire nzira dzache,
77 kuti upase ruzivo roruponiso kuvanhu vache
kuburikidza nokuregerehwa kwozvitadzo zvavo,
78 nondava yokupfava kwotsitsi dzaMwari wedu,
patichabudihwa nozuva kubva kumusoro
79 kupasa chiedza kuno avo vadogara murima nomumumvuri woipfa,
nokutungamira tsoka dzedu munzira yorugare."
80 Futi mwana adokura ndokuva nosimba pamweya, adogara musango kusvikira pazuva raadodzozviisa pachenu kuvaIzirairi.