1 Sabata paridopera, Mariya Magadharina, naMariya amai vaJakobho, naSaromi, vadotenga zvinonushira, kuti vaende kozora chitunha chaJesu. 2 Mangwanani ngwanani yozuva rokuthanga rosondo vadoenda kuguwa zuva richandobuda. 3 Vaibvunzana vachiti, "Mbani achatikungurutsira ibhwe kubva pamuromo woguwa?" 4 Pavadonangara vadoona kuti ibhwe ranga riri rikuru ranga rakungurutsihwa uko. 5 Pavadopinda muguwa vadoona jaha ridogarikika kurutivi roruji, ridosimira jasi richena, vadobva vashamisika. 6 Jaha ridoti kwavari, "Rekai kushamisika, handiti muri kutsvaga Jesu woNazareta wanga adorovehwa? Haapo pano wamuka, onai paanga adoradzikiwa. 7 Asi endai moudza vadzidzi vache, naPita, kuti vaende kuGaririya, vachamuwana watova kwakareko sekutaura kwaadoita."
8 Ivo vadochisiwa ndokubirika paguwapo vachitiza, nokuti vadoshamisika zvidonyanya. Havanai kugona kuzviudza munhu nokucha kwanga kwavabata.
9 Zvino Jesu wamuka kuvadopfa mangwanani yomusi wokuthanga kwosondo, adothanga kuzvinangidza kuna Mariya Magadharina uyo waadobiritsa mweya idoipa minomwe. 10 Iye adoenda konyepa vaye vanga vanaye, vaiita maundu nokumurira. 11 Asi pavadonzva kuti Jesu mupenyu futi kuti iye wanga watomuona, vadozvitendaba.
12 Mumasure Jesu adozvinangidza noumwe mutoo kuvairi vavo, pavaienda kumusha. 13 Ivo vadodzoka ndokunyepa abiyavo, asi naivova havanai kuvatenda.
14 Pasure Jesu adozvinangidza kuno vanogumi nomubodzi vari pakuja, adovatsiura pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwomwoyo yavo, nokuti havanai kutenda avo vanga vamuona mumasure mokumuka kwache. 15 Adoti kwavari, "Endai munyika yese koparidza Nyaya Idonaka kuzvisikwa zvese. 16 Anotenda achiombekewa anoponesewa, asi asingatende achatongewa. 17 Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda, vachadzinga mweya idoipa muzita rangu, vachanyaira mitauro mitsva. 18 Vachabata nyoka, kana vakamwa nduru inobaya, ichavakuwadzaba, vachaisa maoko yavo pamusoro povanohwara, vahwerevo vopora."
19 Ishe Jesu, paadopedza kutaura navo, adotohwa kuenda kudenga, kwaadogara kuruoko raMwari roruji. 20 Zvino vadzidzi vadoenda koparidza kwese kwese, Ishe adoshanda navo, achisimbisa shoko rache nozviratidzo zvanga zvichitevera shoko. Ameni.