Publicidade

Marcos 3

Murume anga ano Ruoko Rudoputana

1 Jesu adopinda kamu musinagoge, makaremo manga muno munhu ano ruoko rudoputana. 2 Vadomunangara kuti vaone kana waidzomuporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. 3 Ipopo adoti kumurume wanga anoruoko ridoputana, "Uya pano." 4 Ndokubva wadzovabvunza achiti, "Zvinobvumihwa chere kukohorora kana kudzonga, kuchidza kana kubaya nomusi woSabata?"

Asi vadoramba vadonyarara. 5 Adovanangaranangara noukari, achishushikana zvidonyanya nondava yokuoma mwoyo kwavo, adodzoti kumunhu wanga adoremara, "Tambanudza ruoko rako." Iye adoritambanudza, ndokubva rapora. 6 Pakarepo vaFarisi vadobirikirafuti vachienda korangana novobato raHerudhe, mabairo yavaidzoita Jesu.

Gurusvusvu Panyasi poGungwa

7 Jesu adobirika novadzidzi vache ndokuenda kugungwa, adobva watevehwa nogurusvusvu rikuru rovanhu. Vanhu vakarevo vadobva muGaririya, nomuJudhiya, 8 nomuJerusarema, nomudunhu roIdhumiya, novadobva kumhiri kwoJorodhani, novaibva kudopoteredza Tire noSidhoni. Gurusvusvu rikuru ridonzva zvese zvaadoita ridouya kwaari. 9 Nokudaro adoudza vadzidzi vache kuti kuve nokamwadiya, kokudzopinda kuti vanhu vareke kudzomusvanikidza. 10 Nokuti wanga waporesa vahwere vazinji, zvokuti vese vanga vachihwara vadotsvekenyedza vachivavarira kuti vandomubata. 11 Pese paaionewa novanhu vadogahwa nomweya idoipa yaiwira pasi pamberi pache ichikuwa ichiti, "Ndimi Mwanakomana waMwari!"

12 Asi Iye waiirambidza zvidosimba kuti ireke kuzivisa vanhu kuti Iye mbani.

Jesu Anosarudza nhumwa Gumi Novairi

13 Zvino adokwira mugomo ndokudaidza vanhu vaaida. Ivo vadouya kwaari. 14 Ipopo adosarudza gumi novairi vaadoda ndokuvatenza kuti nhumwa, kuti vave naye achivatuma koparidza. 15 Kuti vave nomasimba yokudzinga mweya idoipa.

16 Simoni waadodzotenza kuti Pita, 17 naJakobho waiva mukoma nomunin'ina’ina naJohwani vanakomana vaZebhedhiya, vaadodzoshinjirira kuti Bhonagesi, zvinoreva kuti vanakomana vokudhirima, 18 naAndireya, naFiripi, naBhatoromiyu, naMateo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArufiyasi, naThedhiyasi, naSimoni woushingi, muKhenani, 19 naJudhasi Sikariyoti wokudzomupandukira. Pasure adodzoenda kumba.

Jesu naZerubhabhu

20 Zvino gurusvusvu ridoungana kamu, zvokuti vadotosaya nguwa yokuja. 21 Hama dzache padzidozvinzva dzidoenda dzichida kumutora nokuti vanhu vanga vaakutonyaira vachiti, "Waakupenga!"

22 Ukuwo vanyori vanga vabva kuJerusarema vaiti, "Adogahwa naZerubhabhu, jinda rikuru romweya idoipa, ndiro raanodzinga naro mashave."

23 Ipopo Jesu adovadaidza ndokutaura navo nomufananidzo achiti, "Anga Sathani angadzinge tini Sathani? 24 Umambo hukazvipandukira huchizvihwisa hwega hunopfuruka peno. 25 Kana mhuri ikazvipesanisa inodzokonaba kumira; 26 naSathaniwo akazvipandukira, wazviparadzanisa wega anenge achakonaba kumira, wapfuruka.

27 Hapanai munhu angapinde muimba yomunhu ano simba kuti atore zvidziyo zvache kana asati wasunga nyamasimbayo, ipopo ndipo paanodzokona kupamba zviri mumba mache.

28 Chokwadi ndinoti kwamuri vana vovanhu vanogona kuregerehwa zvitema zvese, kana nokutoshora Mwari chaiko. 29 Asi anoshora Mweya Mutsvene haarekerehwe, ndava wava nomhosva yochitadzo chokusingapere. 30 Adodaro ndava vanga vamuti ano mweya udoipa.

Amai novanin'ina’ina vaJesu

31 Ipopo amaache novanin'ina’ina vache vadosvika. Vadomira panze, vadomira daipo vadotuma munhu komudaidza. 32 Zvino mhomho yanga idogarikika naye mumba, idomunyepa ichiti, "Amai venyu novanin'ina venyu vari panze, vari kuda kukuonai."

33 Iye adovapindura achiti, "Amaangu mbani? Vanin'ina vangu mbani?" 34 Adonangara nangara vanhu vanga vadogarikika makaremo, ndokubva wati, "Vakareva ndivo amaangu novanin'ina vangu! 35 Wese anoita zvinodiwa naMwari, ndiye nomunin'ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-