Publicidade

Marcos 2

Jesu Anoporesa Murume Adotonhora Nhengo

1 Kwapera mazuva mashoma adounza pakamu kuKaperenaume. Vanhu vadonzva kuti ari pamumba. 2 Vadoungana vadowanditsa zvokutadza kukwana mumba, vadotadza kukwana nopachivanze, iye adovaparidzira Shoko. 3 Zvino varume vanai vadouya kwaari vadotembedzana murume wanga adotonhora nhengo. 4 Pavadotadza kusvika papfupi naye nokuda kwomhomho yovanhu, vadonyandanura denga roimba yakareyo panga padonangana naJesu. Vadobva vadzikisa mukhangara waiva nomuhwere wavo. 5 Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Mwanakomana wangu, zvitema zvako zvaregerehwa."

6 Zvino vamwe vanyori vanga vadogarikika makaremo vadonyairira mumwoyo yavo vachiti, 7 "Seiko munhu wakareyu achinyaira zvidodai? Nghutoshora Mwari kwakareku! NdiMwari basi anokona kuregerera zvitadzo peno!"

8 Pakarepo Jesu adobva wazivirafuti mumweya mache kuti vari kufunga zvakarezvi mumwoyo yavo, adobva wati kwavari, "Muri kufungireiko zvidodarozvo mumwoyo menyu? 9 Nzvipi zvidopusa kuti kumurume adotonhora nhengo, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka, tora bonde rako, utekaire?’ 10 Manje kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu anomasimba panyika yokuregerera zvitema," adoti kumurume adotonhora nhengo, 11 "Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako uende kumba kwako!"

12 Adosumuka ndokuhwengeratu bonde rache achibirika vadomunangara vese. Vese vadoshamisika ndokurumbidza Mwari vachiti, "Zvidodaizvi hatinati tazviona."

Jesu Anodaidza Revhi

13 Jesu adobirika pakare achienda panyasi pogungwa roGaririya, vanhu vadoungana kwaari, iye ndokuvadzidzisa. 14 Achitekaira daipo, adoona Revhi, mwanakomana waArufiyasi, anozita rokuti Mateo, wanga adogarikika paimba yomutero. Jesu adoti kwaari, "Nditevere." Iye adosumuka ndokumutevera.

15 Zvino paadogarikika kuti aje pathafura mumba maMateo, vateresi vazinji novatadzi vadogarawo pabodzi naJesu novadzidzi vache, ndava vaimutevera vanga vari vazinji. 16 Zvino vanyori vovaFarisi, pavadoona kuti ari kuja novateresi novatadzi vadoti, kuvadzidzi vache, "Anga indava yei achija novateresi novatadzi?"

17 Zvino Jesu paadozvinzva adoti kwavari, "Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba. Ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi."

Mubvunzo pamusoro Pokutsanya

18 Vadzidzi vaJohwani novaFarisi vaitsanya. Zvino vamwe vanhu vadouya kwaari vachiti, "Anga indava yei vadzidzi vaJohwani novadzidzi vovaFarisi vachitsanya, asi vadzidzi venyu vasingatsanyewo?"

19 Jesu adovapindura achiti, "Anga vadokokewa kumuchato vangatsanye chere mukwende ari pakati pavo? Kana mukwende ari pakati pavo vanotsanyaba. 20 Mazuva yachasvika pachabiritsiwa mukwende kubva kwavari, ipopo ndipo pavachadzotsanya.

21 Hapanai anosonerera chigamba chitsva pabiza rokare, akaita zvakarezvo chigambacho chinomwaura biza, boo ronyanyitsa kukura. 22 Hapanai anoisa waini itsva muhomwe yodehwe rokare. Akaita zvakarezvo waini itsva inophabura homwe yodehwe, waini yotaika nohomweyo yoparara. Asi waini itsva inoisiwa muhomwe yodehwe ritsva."

Mubvunzo pamusoro poSabata

23 Noumwe musi woSabata Jesu adopinda nopakati pominda yogorosi. Pavaitekaira daipo, vadzidzi vache vadothanga kuchora hora dzogorosi. 24 Ipopo vaFarisi vadoti kuna Jesu, "Sei vachiita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata?"

25 Iye adoti kwavari, "Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga waanonzara iye novanhu vaanga anavo? 26 Adopinda mumba maMwari pamazuva yomukuru wovaphirisita Abhiyata, achija mazingwa yanoyera. Mazingwayo yanga yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. Adopasawo vanhu vaanga anavo."

27 Jesu adoti, "Sabata idoitihwa kuti ibatsire munhu, aikona kuti munhu abatsire Sabata. 28 Saka Mwanakomana woMunhu ndiShe woSabata pakare."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-