1 Mangwanani ngwanani, vaphirisita vakuru, novakuru vovanhu, vanyori nodare rese vadoungana vachirangana zvokuita, ipopo vadosunga Jesu vachimuendesa kuna Pirato. 2 Zvino Pirato adomubvunza, "Ndiwe chere mambo wovaJudha?"
Iye adopindura achiti, "Ndozvawareva,"
3 Vaphirisita vakuru vadomunenedzera zvidowanda. 4 Ipopo Pirato adomubvunza pakare achiti, "Naiwe, unopinduraba? Ona mawandiro yomhosva dzavanokunenera."
5 Asi Jesu adoramba adonyarara. Zvakarezvo zvidoshamisa Pirato.
6 Zvino pamabiko waimbosunungura musungwa mubodzi anenge wakumbihwa novanhu. 7 Panga panoumwe mupanduki mutorongo waiitiwa Bharabhasi wanga anomhosva yokubaya munhu pabongozozo raadomutsa naabiyake. 8 Ipopo gurusvusvu ridouya ndokuthanga kukumbira Pirato kuti aite zvaanombovaitira. 9 Iye adovapindura achiti, "Munoda chere kuti ndikusunungurirei mambo wovaJudha?" 10 Nokuti adoziva kuti vaphirisita vakuru vanga vapereka Jesu kwaari nondava yochanje.
11 Asi vaphirisita vakuru vadofurira gurusvusvu kuti Pirato avasunungurire Bharabhasi panzvimbo yaJesu. 12 Pakare Pirato adoti kwavari, "Saka ndoita tini naye munhu wakareyu wamunoti mambo wovaJudha?"
13 Ivo vadodaidzira pakare, "Mbaarovehwe."
14 Zvino Pirato adoti kwavari, "Nondava yei, adotadzei?"
Asi ivo vadodaidziritsa vachiti, "Mbaarovehwe."
15 Saka nokuda kugutsa ruzinji, Pirato adosunungura Bharabhasi, ndokurova Jesu, achimuendesa korovehwa pamuchinjikwa.
16 Zvino mauto yadoenda naye mukati momuzinda womutongi (munoitiwa piritoriamu), vadounganidza boka ravo rese. 17 Vadomusimidza jasi ritsvuku, ndokuruka chiremba chominzva vachimudzika mumusoro. 18 Vadothanga kumumoresa vachiti, "Moroi, Mambo wovaJudha." 19 Vadomurova mumusoro notsanga, vachimusvipira mathe, nokumupfugamira zvomusese. 20 Pavadopedza kumudadira vadomukatanura jasi ritsvuku, vachimusimidza zvipfeko zvache. Vadobva vaenda naye komuroverera.
21 Zvino vadosukumidza Simoni wokuSairini Sairini, baba vaErekizanda naRufasi waizvifambirawo achibva kumusha, kuti atakure muchinjikwa waJesu. 22 Zvino vadoenda naye panzvimbo inoitiwa Gorogota zvinoreva kuti nzvimbo yodehenya. 23 Ipopo vadomupasa waini idokumanisiwa nomura, asi iye adoimwaba. 24 Vadomurovera pamuchinjikwa, vachibva vakamuranisa hembe dzache, ndokukhanda hakata kuti vaone kuti mbani achawana hembe ipi yacho. 25 Yanga yava awa yochitatu, pavadomurovera pamuchinjikwa. 26 Chinyohwa chomhosva yache chaiti, "MAMBO WOVAJUDHA." 27 Vadorovera mbavha dziiri pabodzi naJesu, imwe kuruji, imwe kurubose kwake. 28 Ipopo Gwaro ridozazisiwa rinoti, "Adoverengehwa pabodzi novanyangadzi." (ndima yakarei haiwanike muzvinyohwa zvokare).
29 Vaipinda nopakarepo vadomumbombodzera vachikwetekwedza misoro yavo vachiti, "Aa! Ndiweka wokuda kupwanya imba yaMwari uchidzoivaka mumazuva matatu, 30 chiburukaka pamuchinjikwa, uzviponese."
31 Novaphirisita vakuru novanyori, vadomudadira vachiti, "Waindosimbira kuponesa abiyache, asi iye asingagone kuzviponesa nai! 32 Taakuda kuona Khirisitu Mambo wovaIzirairi achiburuka zvino pamuchinjikwa, kuti titende kwaari."
Vanga vadorovehwa pabodzi naye naivowo vadomutukirira.
33 Paawa yochitanhatu, rima ridofukidza nyika yese kusvikira paawa yochipfemba. 34 Paawa yochipfemba Jesu adodaidzira noruzha, "Eroi, Eroi, ramasabhakatani?" Zvinoreva kuti, "Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?"
35 Vamwe vanga vadomira pakarepo pavadozvinzva vadoti, "Inzvai, ari kudaidza Eriya." 36 Umwe adomhanya ndokuzaza chipanje novhiniga, adochijungirira patsanga achimupasa kuti amwe, achiti, "Mirai tione kana Eriya achiuya kudzomuburutsa."
37 Jesu adodaidzira noruzha achibva wapfa.
38 Ipopo jira romuimba yaMwari ridokeruka nopakati kubva kumusoro richidzika pasi. 39 Zvino mukuru wozana wanga adomira adonangarana naye, paadonzva kudaidzira kwache nokuona mapfiro yache, adoti, "Chokwadi murume uyu wanga ari Mwanakomana waMwari."
40 Vamwe vakadzi vaizviona vadomira kurefu. Pakati pavo panga pana Mariya Magadharina, naMariya mai vaJakobho mudiki kuna Josesi, naSaromi, 41 ndivo vakadzi vaimutevera paanga ari kuGaririya vachimutenairira novamwewo vakadzi vazinji vadouya naye kuJerusarema.
42 Yanga yava mauro, sezvo ranga riri zuva roGadziriro, ndokuti, zuva rinotangira Sabata, 43 Josefa woAramatiya wanga ari nhengo inoremekedzewa mudare rikuru rovaJudha, ariwo munhu wanga adomirira umambo hwaMwari, adoita chivindi chokuenda kuna Pirato achikumbira chitunha chaJesu. 44 Pirato adoshamisika kuti wanga watopfa kare, achibva wadaidza mukuru wozana waadobvunza kana Jesu wanga watopfa kare, 45 Mukuru wozana paadosimbisa shoko rokupfa kwache, Pirato adobvumira Josefa kutora chitunha. 46 Saka Josefa adoburutsa chitunha chaJesu ndokuchiputiridza nofuko raanga watenga. Adochiviga muguwa ridofongewa padombo, achibva warivhara noribhwe rikuru raadokungurutsira pamuromo parene. 47 Mariya Magadharina naMariya mai vaJosesi vanga varipo vachiona paadovigiwa.