1 Pamazuva yakareyo padoita futi gurusvusvu rikuru rovanhu ridoungana, futi vanga vasinai chokuja, adodaidza vadzidzi vache ndokuti kwavari, 2 "Ndinonzva tsitsi nogurusvusvu rovanhu ava nokuti ndava navo kwomazuva matatu, apa havachinai chokuja. 3 Kana ndikavadzotsa kudzimba vanonzara vanokomoka munzira ndava vamwe vavo vanobva kurefu zvidonyanya."
4 Asi vadzidzi vache vadomupindura, "Anga munhu angawane poi musango muno zvinogutsa vanhu veseva?"
5 Iye ndokuvabvunza, "Munomazingwa manganiko?"
Ivo ndokuti, "Manomwe."
6 Ipopo adoudza vanhu kuti vagarikike, ndokubva watora mazingwa manomwe yaye, ndokutenda, ndokuyakomora komora achiyapasa vadzidzi vache kuti vakovanise vanhu, ivo ndokuvakovanisa. 7 Vanga vano tuhovewo tushomashoma, paadokomborera, adovaudza kamu kuti vakovanise vanhu. 8 Vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza matengu manomwe. 9 Vadoja vacho vanga vari varume vanosvika zviuru zvinai, ndokubva wavaendesa. 10 Nokamangu vadopindirafuti mukamwadiya ndokuenda kudunhu roDharumanuta.
11 Ipopo vaFarisi vadouya kudzopikisana naye nokumuedza vachipopera kuti avaitire chiratidzo chinobva kudenga. 12 Jesu adothura befu pamweya wache zvidonyanya ndokuti, "Seiko vanhu vanasi vachiruvira kuona chiratidzo? Chokwadi ndinoti musevedzi, hapanai chiratidzo chichapasiwa vanhu vakareva vanasi."
13 Adovasiya ndokupinda mukamwadiya achiyambuka kumhiri.
14 Vadzidzi vadokangamwa kutakura mazingwa zvokuti mukamwadiya makaremo manga mudondova nozingwa ribodzi. 15 Ipopo adovachenjedza achiti, "Chenjererai mbiriso yovaFarisi noyaHerudhe."
16 Vadonyairirana vachiti, "Ari kudaro ndava tasiya mazingwa."
17 Manje Jesu adoziva zvavainyairirana ndokuti, "Anga zvomazingwa zvamaakunyairirana nzvei kamu? Asi munoonaba nai nomwoyo yenyu yatoti kukutu kuoma nai? 18 Munotadza nei kuona imi muno meso? Munotadza nei kunzva, imi nzeve munadzo? Ko hamuchayeuka nai? 19 Pandidokomora paye mazingwa mashano kupasa zviuru zvishano, mudounganidza muchizaza matengu mangani yozvimepfu zvidosara?"
Vadoti kwaari, "Gumi nomairi."
20 "Ko mazingwa manomwe pazviuru zvinai, matengu mangani yadozara zvimepfu zvamudounganidza?"
Ivo ndokuti, "Yadosvika manomwe."
21 Zvino Iye ndokuti kwavari, "Saka munotadza tini kunzvitsitsa?"
22 Zvino vadodzosvika paBhetisaidha, ipopo vadouya norombe kuna Jesu ndokukumbira kuti amubate. 23 Iye adobata rombe racho ruoko achibirika naro pamusha, ndopaadorisvipira mathe mumaziso. Adobata meso yache ndokumubvunza "Chii chauri kuona?"
24 Adonangara nangara ndokubva wati ndiri kuona vanhu vachitekaira vadoita kunge miti.
25 Ipopo Jesu adobata kamu meso yomurumeyo, meso yache yadobva yapora ndokuona mushe mushe. 26 Adomuendesa kumba kwache achimutsindikira, "Reka kana kupinda mumusha."
27 Jesu novadzidzi vache adobirika achienda kumaguta yokuKhesariya Firipi. Vari munzira, adobvunza vadzidzi vache, "Ko vanhu vanoti ndini yani?"
28 Vadopindura kuti, "Johwani Muombeki, vamwe vanoti, Eriya, vamwewo ndivo vanoti muri umwe wovaporofiti."
29 Iye adoti kwavari, "Ko imipa munoti ndini yani?"
Pita adopindura kuti, "Ndimi Khirisitu."
30 Ipopo adovatsindikira kuti vareke kunyepa munhu nozvake.
31 Pakarepo Jesu adothanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu achatambudziwa chaizvo futi acharambiwa novakuru, novaphirisita vakuru novanyori. Vachamubaya, asi kwapera mazuva matatu achamuka kamu. 32 Izvozvo adozvinyaira asingasvisve. Pita adobva wamutora pache wega ndokuthanga kumudzumidza. 33 Asi Jesu adochununguka ndokunangara vadzidzi vache, achibva wadzuma Pita achiti, "Ibva kwandiri Sathani! Nokuti unofungaba zvaMwari, unondofunga zvovanhu."
34 Zvino adodaidza gurusvusvu rovanhu novadzidzi vache kuti vauye kwaari, ndokuti, "Wese anoda kunditevera mbaazvirambe atore muchinjikwa wache anditevere. 35 Nokuti wese anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, asi wese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu nokwovhangeri achahuchidza. 36 Anga munhu akawana nyika yese achitaikihwa noupenyu hwache anenge wawanei? 37 Chii munhu chaangapereke kutsiva mweya wache nacho? 38 Nokuti wese anondinyara inini nomashoko yangu muvanhu vanasi vadoipa, vanosanganisa, Mwanakomana woMunhu paachauya muukuru hwaBaba vache, nongirozi dzache dzitsvene, achamunyarawo."