1 Ipopo Jesu adothanga kunyaira kwavari nomufananidzo achiti, "Umwe murume adosima miti yomizambiringa mumunda mache, ndokuusosera, achibva wachera gomba rokusvinira muto, ndokuvakha chirindo, zvino adousiira vashandi achibva waenda kunyika iri kurefu. 2 Nguwa yokukohwa paidosvika, adotuma muranda wache kuvashandi kuti vamupase michero yomunda. 3 Ivo vadomubata ndokumurova ndokumuendesa asinai chinhu. 4 Adotuma kamu umwe muranda kwavari. Vadomurova musoro, nokumubata uyanga. 5 Adotuma umwe kamu, uyu vadomubaya. Novamwe vazinji vaadotuma, ivovo vaivarova kana kuvabaya. 6 Kusvikira wasarihwa nomwanakomana mubodzi waaiditsitsa wokutuma, Adotuma wakareyo ari wokupedzisira, achigurupira kuti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 7 Asi vashandi vakarevo vadorangana vachiti, ‘Uyu ndiye muji wonhaka, mbatimubayei, kuti nhaka isare yava yedu.’ 8 Vadomubata, ndokumubaya, vachimukhandidzira kunze kwomunda womizambiringa.
9 Chii chichaitiwa nomwenekachiro womunda? Achauya achibaya vashandi vakarevo, wopasa vamwe munda wache. 10 Hamunai kuverenga gwaro rakareri nai?
‘Ibhwe ridorambiwa novavakhi
ndiro ridodzova musoro wokhona.
11 Izvi zvidoitiwa naIshe,
zvinoshamisa mumaziso yedu!’"
12 Ipopo vadozimbwa kuti wataura mufananidzo wakareyo achireva ivo. Saka vadotsvaga mabatiro yavangamuite asi vadocha vanhu, ndokubva vamusiya, vachienda zvavo.
13 Zvino vadodzotuma vamwe vovaFarisi novokwaHerudhe kumuteya kubva pamashoko yache. 14 Ivo vadouya vakati kwaari, "Mudzidzisi, tinoziva kuti muri pachokwadi hamusanduriwe nomunhu, ndava hamuverenge kuti munhu mbani. Asi munodzidzisa vanhu chokwadi chaMwari chaicho. Zviri pamutemo chere kuti tiripe mitero kuna Khesari kana kurega?
15 Tipereke chere kana tiregedze?" Asi Iye nokuziva unyengeri hwavo adoti, "Sei muchida kunditeya? Ndipasei dhinari ndirione."
16 Vadouya naro kwaari, iye ndokuti kwavari, "Chiso nomunembo wakareyu nzvaani?
Ivo vadoti kwaari, "NzvaKesari."
17 Ipopo Jesu adoti kwavari, "Saka pasaika Khesari, zvaKesari, mopasawo Mwari zvaMwari."
Vadobva vashamisiwa naye.
18 Zvino padodzouyawo vaSadhusi vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, ndokumubvunza vachiti, 19 "Mudzidzisi, Mozisi adotinyorera kuti, ‘Kana munhu akapfa achisiya mukadzi wache asinai mwana, munin'ina womupfi mbaatore mukadziyo kuti aberekere mukoma wache vana. 20 Zvino panga panovanakomana vanomwe, wokuthanga adoroora ndokupfa achisiya mukadzi asinai mwana. 21 Wochipiri adomugara nhaka, iyewo adopfa achisiya kamu mukadzi asinai mwana, wochitatu adoitawo zvibodzi bodzizvo. 22 Zvidoitika nzvokuti vese vari vanomwe vadopfa pasinai adosiya adoita mwana nomukadzi wakareyo. Pakupedzisira mukadzi adodzopfawo. 23 Sezvo mudzimai wakareyu adova mukadzi wovarume vese vari vanomwe, pakumuka kwovadopfa achadzova mukadzi waani?" 24 Jesu adoti kwavari, "Chakarechi ndichoba nai chikonzero chamuri kutaika nacho, chokusaya kuziva Magwaro pabodzi nosimba raMwari? 25 Nokuti pakumuka kwovadopfa, havaroore kana kuroodzewa, asi vanenge vaita kunge ngirozi dziri kudenga. 26 Zvino panyaya yokumuka kwovadopfa, hamuna kuverenga nai mubhuku raMozisi paadonyora zvidotauhwa naMwari padzambwa achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ 27 Saka haasi Mwari wovadopfa asi ndiMwari wovapenyu, ipopo muri kutaikitsa."
28 Zvino umwe wovanyori waivawo pakarepo paadonzva kunetsana kwavaiita, adoona kuti Jesu wapindura vaSadhusi zvidonaka, adomubvunzawo achiti, "Ngupi mutemo wokuthanga panoyese?"
29 Jesu adomupindura achiti, "Wokuthanga nguyu, ‘Inzva Izirairi, Ishe Mwari wedu ndiye Ishe mubodzi, 30 Futi unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nokufunga kwako kwese, nosimba rako rese.’ 31 Wochipiri nguyu, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.’ Hapanai umwe murairo unokurira yakarei."
32 Ipopo munyori adoti, "Mudzidzisi zvamanyaira nzvochokwadi, ndava kuna Mwari mubodzi, hakunai umwe kunze kwache. 33 Nokumuda nomwoyo wese nokunzvitsitsa kwese nosimba rese, nokuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita. Izvozvi zvinokunda zvipiriso zvese zvinopisiwa nozvibairo."
34 Jesu paadoona kuti wapindura zvidochenjera, adoti kwaari, "Hausi kurefu noumambo hwaMwari."
Kubva ipopo hapanai futi adodzotsunga kumubvunza mubvunzo.
35 Zvino Jesu paaidzidzisa ari muimba yaMwari adoti, "Seiko vadzidzisi vomurairo vachiti Khirisitu Mwanakomana waDhavhiti? 36 Dhavhiti pachake adotaura ari muMweya Mutsvene achiti,
‘Ishe adoti kuna Ishe wangu,
‘Garikika kuruji kwangu
dzamara ndaisa vavengi vako pasi potsoka dzako.’
37 Zvino kana Dhavhiti pachake achimudaidza kuti Ishe, anodzova mwanakomana wache tini?" Chaunga chidofara kumunzva.
38 Pakudzidzisa kwache adoti kwavari, "Chenjererai vanyori vanofarira kuthadzvaira vadosimira majasi marefu, nokumoresewa vachiremekedzewa novanhu munzvimbo dzinokumana vanhu vazinji. 39 Vanoda kamu kugara pazvigaro zvopamusoro mumasinagoge, nopamabiko vachida kupiwa nzvimbo dzovanhu vanoremekedzewa. 40 Vanonyepera kuita minamato mirefu vari mudzimba dzovajiche vachidzovabiridzira." Kurangiwa kwavo kuchava kukuru.
41 Jesu paanga adogarikika padonangarana nochivigiro chomari, adoona mapasihwo yaiitiwa mari novanhu. Vapfumi vazinji vaipereka mari idowanda. 42 Padodzouyawo mujiche murombo ndokukhandawo tumari tudikidiki tuiri tunokwana sendi. 43 Ipopo adodaidza vadzidzi vache akati kwavari, "Chokwadi ndinoti kwamuri mujiche murombo uyu wapereka zvidowanda kukunda vese vaisa muchivigiro. 44 Nokuti vamwe vese vapereka vachibiritsa kubva pazvizinji zvavanazvo. Asi iye pakusaya kwache wapereka zvese zvaanga anazvo, zvaifanira kumuraramisa.