1 VaFarisi novanyori vanga vabva kuJerusarema vadoungana paanga ari, 2 pavadoona kuti vamwe vadzidzi vake vanga vachija mazingwa nomanja yanotsambwa, kureva yasinai kushambiwa.
3 Nokuti vaFarisi novaJudha vese, vanojaba vasati vashamba maoko yavo, kuri kuchengetedza tsika dzovakuru vavo vokare. 4 Pese pavanenge vabva kumusika wokutengesera, vanojaba kana vasati vashamba. Iyoyi njimwe yotsika dzavadobatirira padziri, dzidoita sekusuka makomichi, zvirongo nondiro nomidziyo yondarira.
5 Saka vaFarisi novanyori vadomubvunza, "Indava yei vadzidzi venyu vasingatevere tsika dzovakuru vedu vokare? Nokuti vanoja zvokuja nomanja yanotsambwa."
6 Jesu adovapindura kuti, "Imipa vanyengeri, Isaya waireva vakaremi paadoporofita achiti,
‘Vanhu vova vanondikudza nomiromo yavo,
asi mwoyo yavo iri kurefu nainini.
7 Vanondinamata zvomabhwodo
vachitsinhanisa mitemo yaMwari
nodzidziso dzidoumbiwa novanhu.’
8 Mudosiya mitemo yaMwari chaiyo muchibatirira kutsika dzovanhu."
9 Adoti kwavari, "Muno uchenjeri hwokuramba mitemo yaMwari muchida kuchengeta tsika dzenyu. 10 Nokuti Mozisi adoti, ‘Kudza baba namai, futi wese anoita zvidobookera kuna baba vache kana kuna maache mbaapunziwe apfe.’ 11 Manje imipa munoti kana munhu akati kuna baba vache kana amaache, ‘Chinhu chandanga ndichida kukuyamurai nacho chava kobhani,’ kureva kuti chava chipo kuna Mwari. 12 Munenge matomurambidza kuyamura baba vache namaache. 13 Nomutoo wakareyu munosaisa simba Shoko raMwari kuitira kuti muchengetedze tsika dzenyu nozvimwewo zvidodai zvamunoita."
14 Ipopo adodaidza vanhu vese ndokuti kwavari, "Nditetekerei mese munzvitsitse: 15 Hapanai chinopinda mumunhu chichibva kunze chinomusvipisa, asi zvinobuda kubva maari ndizvo zvinomusvipisa. 16 "Anonzeve mbaatetekere anzve."
17 Paadobirika pagurusvusvu rovanhu, achipinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza pamusoro pomufananidzo. 18 Ipopo adovabvunza, "Nemiwo munonzvitsitsaba nai? Ko hamuone kuti hapanai chiri kunze chinopinda mumunhu chingamusvipise? 19 Ndava chinopindaba mumwoyo mache, asi chinondopinda mumimba mache, chichibirika pakare." (Nokunyaira kwakareko Jesu adoonesa kuti zvokuja zvese zvidochena).
20 Adoti, "Zvinobirika mumunhu ndizvo zvinomusvipisa. 21 Ndava kubva mukati momwoyo womunhu munobirika: mifungo idoipa, upombwe, kuba, nokubayana, 22 nhafu, kunyangadza, kunyengedza, nokusazvibata, usvinu, kushora, kuzvikudza, noudzemwa. 23 Zvidoipa zvakarezvi zvese zvinobirika mukati momunhu ndizvo zvinomusvipisa."
24 Wabva pakarepo adoenda kudunhu roTire noSidhoni ndokupinda mumba asingade kuti vamuzive, asi haanai kugona kuhwanda. 25 Pakarepo paiva nomukadzi wanga ano mwanasikana wanga adogahwa nomweya udoipa. Paadondonzva nozvaJesu adobva wauya kwaari ndokuzviwisira pamberi pache. 26 Mukadzi wakareyo waiva muGiriki, adozvarihwa muFonisiya guta roSiriya. Adoteterera Jesu kuti adzinge mweya udoipa pamwanasikana wache. 27 Jesu adoti kwaari, "Ndinofanira kuthanga ndajisa vana, ndava zvinokodzeraba kutora mazingwa yovana uchiposha tuhanda."
28 Iye adopindura kuti, "Hinde Ishe, kana notuhanda pasi potafura tunojawo mupfupfunyungwe womazingwa yovana."
29 Jesu ndokuti kwaari, "Nondava yomapinduriro yakareyo, chienda zvako mweya udoipa wabirika pamwanasikana wako."
30 Mukadzi adoenda kumba ndokuwana mwanasikana wache adoenzera pamubhedha, mweya udoipa wabirika paari.
31 Zvino Jesu adobva mudunhu roTire achipinda nomuSidhoni ndokusvika pagungwa roGaririya mukati modunhu roDhikaporisi. 32 Ipopo vadomuvigira murume wanga ari burunzeve asingagone kutaura vachimuteterera kuti amuturike ruoko pamusoro. 33 Jesu adomubiritsa pagurusvusvu rovanhu kwake wega ndokumufindikira tukumo munzeve, achibva wasvipa mathe achibata karimi kochimumumu. 34 Adonangara kudzuru ndokuthura chiya achiti kwaari, "Efata," kureva kuti, "Dziuka."
35 Kabodzi nokabodzi nzeve dzache dzidodziuka, karimi kache kadopfuduka ndokuthanga kutaura mushemushe. 36 Jesu adovatsindikira kuti vareke kuudza ani zvache, asi paaivatsindikira kuti vazvinyarare ndipo pavaitonyanya kumbondozvishambadzira. 37 Vanhu vadoshamisika zvidonyanyitsa. Pakushamisika kwavo vadonyaira vachiti, "Zvaanoita zvese zvidonakitsitsa, anodziura nzeve dzoburunzeve nokupfudura karimi kuti chimumumu chigone kunyaira!"