Publicidade

Marcos 1

Kuparidza kwaJohwani Muombeki

1 Aya ndiyo mathangiro yoNyaya Dzidonaka dzaJesu Khirisitu, Mwanakomana waMwari. 2 Semanyorehwo yazvidoitiwa nomuporofiti Isaya achiti,

"Ona, ‘ndinotuma nhume yangu pamberi pako

achanhadzira nzira yako.’

3 Izvi roanokuwa musango,

‘nhadzirai mugwagwa waIshe,

yororai nzira dzache!’"

4 Johwani Muombeki adooneka musango achiparidza ruombeko rokupinduka kuti vanhu varegerehwe zvitema. 5 Vanhu vazinji vadosvokonoka kuenda kwaari vese vomunyika yoJudhiya novanhu vese vomuJerusarema, vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, vachireurira zvitadzo zvavo.

6 Zvokusimira zvaJohwani zvanga zviri zvoukuse hwongamera, pakamu wanga anobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache zvanga zviri mabombo nouchi hwomusango. 7 Iye adoparidza achiti, "Pano mukurufutiyo anokunda inini ari kuuya kumasure kwangu, inini ndinokodzeraba kukotama ndichisugudura murau woshangu dzache. 8 Ndakuombekai nomvura asi iye achakuombekai noMweya Mutsvene."

Kuombekewa noKuedzewa kwaJesu

9 Mumazuva yakareyo Jesu adouya achibva kuNazareta mudunhu roGaririya achibva waombekewa naJohwani muJorodhani. 10 Jesu paadobirika mumvura, kabodzi nokabodzi adoona denga razururiwa futi Mweya achiburukira paari adoita kunge njiva. 11 Zvino izvi ridobva kudenga ndokuti, "Ndiwe Mwanakomana wangu wandinoditsa, iwepa unondifadza zvidonyanya."

12 Nokamangu Mweya adomuendesa kusango, 13 kwaadogara mazuva makumi manai, achiedzewa naSathani, nozvirombo zvomusango zvanga zviri kwakareko, futi ngirozi dzidomushandira.

Jesu Anodaidza Vabati Vohove Vanai

14 Zvino mumasure mokusungiwa kwaJohwani, Jesu adoenda kuGaririya koparidza Nyaya Idonaka yaMwari. 15 Jesu adoti, "Nguwa yazazisiwa, futi umambo hwaMwari hwava papfupi! Pindukai kubva muzvitema zvenyu mutende Nyaya Idonaka!"

16 Paanga achifamba nomunyasi mogungwa roGaririya, adoona Simoni naAndireya vaiva mukoma nomunin'ina vachikhandira mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove. 17 Jesu adoti kwavari, "Nditeverei, ndikuitei varauri vovanhu." 18 Nokamangu vadosiirafuti mambure yavo, ndokumutevera.

19 Paadondotekaira pashoma, adoona Jakobho mwanakomana waZebhedhiya, naJohwani waiva mukoma nomunin'ina’ina naye, vaiva mukamwadiya vachinhadziridza mambure yavo. 20 Nokamangu adovadaidza, vadobva vasiya baba vavo Zebhedhiya vari mukamwadiya pabodzi novashandi ivo ndokutevera Jesu.

Murume wanga anoMweya Udoipa

21 Zvino vadoenda kuKaperenaume, nomusi woSabata adopinda musinagoge nokamangu ndokuvadzidzisa. 22 Ivo vadoshamisika nomadzidzisiro yache, ndava adovadzidzisa semunhu anochikuriri, asingaite kunge vanyori.

23 Pasinai nonhambwe yese musinagogemo manga muno munhu waiva nomweya udoipa, 24 iye adokuwa achiti, "Munei nesu, Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai kuti muri Mutsvene waMwari."

25 Asi Jesu adomudzuma achiti, "Nyarara, ubirike maari!"

26 Mweya udoipa udodzutsa munhu wakareyo zvinosimba, uchikuwa noruzha, ndokubva wabirika maari. 27 Vese vadoshamisiwa nazvo ndokuthanga kubvunzana vachiti, "Anga chiiko ichochi? Ikoku kudzidzisa kutsva chere? Anotodzuma nosimba mweya idoipa, iyo ichimuteerera!"

28 Nokamangu nhau pamusoro pache dzidopararira muGaririya rese.

Jesu Anoporesa Vanhu Vazinji

29 Nokamangu adobirika musinagoge, ndokupinda mumba maSimoni naAndireya, pabodzi naJakobho naJohwani. 30 Zvino amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri vadotoenzera, nokamangu, vadonyepa Jesu pamusoro pavo. 31 Iye adosvika, ndokuvabata ruoko achivamutsa. Pakarepo muviri udopora, vachibva vavatenairira.

32 Mauro yakareyo zuva rakunyura ratoti piriviri, vadouya kwaari novese vanga vachihwara novadogahwa nomashave. 33 Gurusvusvu rovanhu ridoungana pamusuwo richibva munzvimbo dzese dzoguta. 34 Iye adoporesa vahwere vadowanda vanga vanomatenda yadosiyana siyana nokudzinga mashave mazinji. Adorambidza mashave kunyaira, ndava yaimuziva kuti mbani.

Jesu Anoparidza muGaririya

35 Mambakwedza, kuchidosvipa, Jesu adomuka ndokubirika. Adoenda kwache wega, konamata. 36 Simoni naabiyake vadoenda kumutsvaga, 37 pavadomuwana, vadoti kwaari, "Vanhu vese vari kukutsvagai."

38 Iye adoti kwavari, "Mbatiendei kunoyamwe maguta. Ndinofanira ndiparidzewo kwakareko, nokuti ndizvo zvandidovinga."

39 Nokudaro adofamba muGaririya rese, achiparidza mumasinagoge yavo nokudzinga mashave.

Murume Anoporesewa naJesu

40 Munhu wanga anomabobo adouya kuna Jesu, ndokupfugama, achimuteterera achiti, "Kana muchida munogona kundinatsa."

41 Jesu adomunzvira tsitsi, ndokutambanudza ruoko rache achimubata. Adoti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." 42 Kabodzi nokabodzi mabobo yadobirika kwaari, achibva wapora. 43 Zvino Jesu adomutsindikira ndokumunyepa kuti aende zvache, 44 Adoti kwaari, "Ona kuti hapanai waunozvinyepa. Asi enda kozvinangidza kumuphirisita, wopereka chibairo chokunatsiwa kwako sezvidoraihwa naMozisi kuti chive upfakazi kuvanhu."

45 Asi paadobirika kuenda, adothanga kuzvitaura taura, achiparadzira nhau yakareyo, zvokuti Jesu haanai kudzogona kupinda muguta zviri pachenu, asi adogara kunze munzvimbo dzache wega. Asi vanhu vadoramba vachiuya kwaari vachibva kwese kwese.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-