1 Zvino Jesu adoti kwavari, "Chokwadi panovamwe vadomira pano vasiri kudzopfa vasati vaona Umambo hwaMwari huchiuya nosimba."
2 Kudzoti kwapera mazuva matanhatu Jesu adotora Pita, Jakobho naJohwani vari vega, ndokukwira navo mugomo rirefurefu, vadomunangara daipo, adosanduka. 3 Mbacha dzache dzidochena zvokutothoya, zvokuti hapanai muwachi pasi pano anosvika padodaropo. 4 Ipopo Eriya naMozisi vadooneka vachinyaira naJesu. 5 Zvino Pita adobva wati, "Mudzidzisi, zvidonaka kuti tive pano. Regai tivakhe misakasira mitatu: umwe wenyu, umwe waMozisi, umwe waEriya." 6 Ndava wanga achazivaba zvokutaura, ndava vanga vabatiwa nokucha kukuru.
7 Pakarepo guti ridouya ndokuvafukidza, izvi ridobva muguti richiti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, mutetekerei." 8 Pasinai nonhambwe yese pavadonangara nangara, hapanai wavadodzoona kusiya kwaJesu naivo basi.
9 Pavanga voburuka mugomo adovatsindikira kuti vareke kuwana wavanoudza zvavanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu wamuka kuvadopfa.
10 Ivo vadorambawo vadozvisvisva asi vachimbobvunzana vega kuti kumuka kuvadopfa kunorevei. 11 Vadomubvunza vachiti, "Seiko vanyori vachiti Eriya ndiye anofanira kuthanga kuuya?"
12 Adopindura kuti, "Ichokwadi kuti Eriya ndiye anothanga kuuya achidzotsera zvinhu zvese. Asi zvidonyohwawo sei kuti Mwanakomana woMunhu achatambudziwa chaizvo nokurambiwa? 13 Asi ndinoti kwamuri Eriya adotouya kare, futi vadotomuitira zvavaida kuita naye semanyorehwo yazvidoitiwa pamusoro pache."
14 Paadosvika panga pano vamwe vadzidzi adowana gurusvusvu rovanhu rikuru ridovaunganira, novanyori vachipikisana navo. 15 Nokamangu vanhu pavadondoona Jesu vadoshamisika ndokutizirana kwaari vachimumoresa. 16 Iye adovabvunza, "Muri kuvabvunzeiko?"
17 Umwe pakati pogurusvusvu adoti, "Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu anoitisiwa chimumumu noshave. 18 Pese parinomubata rinomuphomorera pasi, wopupuma furu kumuromo achitsenganisa mazino wobva waoma muviri. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vadzinge shavero, manje varitadzirira."
19 Jesu adomupindura achiti, "Imi, vanhu vanasi vasinai nokutenda kwese, ndichava nemi kusvikira rini? Ndichava nomwoyo murefu nemi kusvikira riniko? Uyai naye kuno." 20 Ivo vadoenda naye kuna Jesu.
Mweya udoipa paudondomuona, udomugwinhagwinha ndokumuphomorera pasi uchimuumburudza, achipupuma furu kumuromo. 21 Ipopo Jesu adobvunza baba vache, "Adobva rini adodai?"
Ivo ndokuti, "Kubva paudiki hwache. 22 Kazinji unomuwisira mumoto, kana mumvura kuti umubaye, asi kana pano zvamunokwanisa kuita, tinzvirei tsitsi mutiyamure."
23 Jesu adoti kwaari, "Kana uchitenda, zvese zvinogoneka kuno anotenda."
24 Nokamangu baba vomwana vadodaidzira, "Ndinotenda, kana pane pandiri kutsakidza, ndiyamurei."
25 Jesu paadoona kuti mhomho yovanhu yaakutizirana kwaari, adodzuma mweya udoipa achiti, "Iwe mweya wouchimumumu nouburunzeve, birikirafuti ureke kudzopinda maari kamu."
26 Ipopo mweya udokuwa uchimugwinhagwinha zvidoipitsitsazvo uchibva wabirika maari. Iye ndokuita kunge wapfa zvokutoti vazinji vadototi wapfa. 27 Asi Jesu adomubata ruoko achimumutsa, achibva wasumuka.
28 Kudzoti Jesu wapinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza pavo vega, "Sei tatadzirira kuudzinga?"
29 Jesu adoti kwavari, "Mushoo uyu unobirika chete nomunamato."
30 Jesu adobirika pakarepo ndokupinda nomuGaririya pakare waidaba kuti zvizikane nomunhu, 31 Adodzidzisa vadzidzi kuti, "Mwanakomana woMunhu achaisiwa mumaoko yovanhu, ivo vachamubaya, kana vamubaya achamuka kamu kwapera mazuva matatu.
32 Asi ivo vadonzvitsitsaba zvaadonyaira, futi vaicha kumubvunza.
33 Kudzoti vasvika Kaperenaume, vapinda mumba, adovabvunza kuti, "Manga muchipikisanei munzira?"
34 Hapanai chavadomupindura, ndava munzira vaiitirana nharo dzokuti mbani mukuru. 35 Adogarikika pasi ndokudaidza vanogumi novairi achiti kwavari, "Kana munhu achida kuva wokuthanga, wakareyo mbaave wokupedzisira pavese, ave muranda wovese." 36 Pakarepo adotora mwana mudiki ndokumumisa pamberi pavo, adomutakura mumaoko yache ndokuti kwavari, 37 "Wese anotambira mwana anenge iyeyu muzita rangu, anenge wanditambira inini. Nowese anonditambira inini, anotambiraba inini basi, asi anotambirawo noadondituma."
38 Zvino Johwani adoti kwaari, "Mudzidzisi, taona munhu asingafambe nesu achidzinga mweya idoipa muzita renyu, manje tamurambidza nokuti ngweduba."
39 Asi Jesu adoti, "Regai kumurambidza, nokuti hapanai munhu angaite munana muzita rangu achidzopusihwa nokamangu kutaura zvidoipa pamusoro pangu. 40 Ndava asingapikisane nesu ngwedu wakareyo. 41 Ndava wese anokupasai mukombe womvura muzita rangu kuti mumwe nokuti muri vaKhirisitu, chokwadi ndinokunyepai kuti anosayaba mubairo.
42 "Wese anokonzera umwe wovadiki vadodaiva vanotenda kwandiri kutaya kutenda kwache kwandiri, hasa kutoti guyo rikuru risungirihwe muhuro mache, akhandiwe mugungwa. 43 Kana ruoko rako richikukonzera kutadza, rigwate! Hasa kupinda muupenyu udoremara panokupinda mugehena mumoto usingadzimwe unomaoko yese. 44 (Muno honye isingapfe nomoto usingadzimwe). 45 Kana tsoka yako ichikutadzisa, igwate. Zviri nani kuwana upenyu husingapere unotsoka ibodzi panokupinda muGehena mumoto usingadzimwe unotsoka dzese. 46 (Muno honye isingapfe, nomoto usingadzimwe). 47 Futi kana ziso rako richikukonzera kutadza ritokonore! Hasa kuti upinde muumambo hwaMwari unoziso ribodzi panokukhandihwa mugehena unomaziso mairi. 48 Muno honye isingapfe nomoto usingadzimwe.
49 Nokuti munhu wese acharungiwa nomoto.
50 Mwinyu udonaka, asi kana wataya kuvava kwawene kuchadzotsehwa tini?
Ivai nomwinyu mamuri, muve norugare pakati penyu."