1 Zvino paanga achibirika muimba yaMwari, umwe mudzidzi wache adoti kwaari, "Mudzidzisi, nangarai muone kushamisa kwomabwe nozvivakwa zviri pano."
2 Jesu adomudaira achiti, "Muri kuona chere zvivakhwa izvi zvikuru zvoimba yaMwari? Hapanai dombo richasara riri pamusoro porimwe risinai kukoromohwa."
3 Paanga wagarikika pagomo roMiorivhi padonangarana noimba yaMwari, Pita, Jakobho, Johwani naAndireya vadouya kwaari pavo vega ndokumubvunza, 4 "Tinyepei, ndirini pachaitika zvinhu zvakarezvi, pachava nochiratidzo chei chokuti zvaakuda kuitika?"
5 Jesu adoti kwavari, "Chenjerai kuti mureke kutsambutsiwa nomunhu. 6 Vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji. 7 Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, regai kuvhunduka nokuti zvakarezvo zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusinati kwasvika. 8 Nyika dzichapandukirana, noumambo huchamukirana, pachava nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji, pachava nonzara. Kwakareku kuchava kuthanga kwonhamu asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
9 Zvichenjererei nokuti vachakukwirirai kumatare, nokukurovai mumasinagoge. Muchamisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwangu kuti huve upfakazi kwavari. 10 Nyaya Idonaka inofanira kuthanga yaparidzihwa marudzi yese. 11 Kana maendesewa kudare, regai kunetseka kuti muchanyairei. Panokwana nguwa yacho ndotaurai zvamunopasiwa. Ndava mashoko yamunonyaira njenyuba, yanobva kuna Mweya Mutsvene. 12 Mukoma nomunin'ina vachabayisana, baba nomwana wavo. Novana vachamukira vabereki vachivabayisa. 13 Muchazondewa novanhu vese nokuda kwangu, asi anochiirira kusvika pakuguma achaponesewa.
14 Asi kana moona nyangadzi honzeri yotsambwa (anoverenga mbaacherechedze). Vari muJudhiya mbavatizire kumakomo. 15 Ari pamusoro poimba yache mbaarege kuburuka achipinda mumba kuti awane chaangabiritse. 16 Naiyewo ari kumunda mbaarege kudzoka kumba kudzotora chokusimira. 17 Asi pamazuva yakareyo zvichanyanya kunyangarira vanomimba novanomwisa! 18 Namatai kuti zvireke kuitika panguwa yomhepo. 19 Nokuti pamazuva yakareyo pachaita matambudziko yasinai kumboitika kubva pakusikiwa kwonyika naMwari kusvika zvino, futi yanodzoitikaba kamu. 20 Dai Ishe vaireka kutapudza mazuva yakareyo, hapanai waichira, asi nokuda kwovasaruhwa vache mazuva yakareyo yachatapudziwa.
21 Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Onai, Khirisitu ari pano kana kuti onai ari uko,’ regai kuzvitenda. 22 Nokuti anaKhirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachiita zviratidzo nozvishamiso kuti kana zvichikwanisika vatsambutse novasaruhwa vacho. 23 Asi chenjerai nokuti ndagara ndakuudzai zvese zvisati zvaitika."
24 "Mumazuva yakareyo, mumasure mokutambudzika, zuva richadzimwa, mwedzi uchatadza kuvhenekera, 25 Nyenyedzi dzichambwera kubva kudenga, masimba yokudenga yachagwetedzeka. 26 Ipopo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakuti nomasimba makuru nokubhwinya. 27 Achatuma ngirozi dzache kuti dziunganidze vasaruhwa vache kubva kumativi manai yonyika, kubva kumheramhera kwonyika kusvika kumheramhera kwodenga.
28 Zvino dzidzai pamukuyu kana mathai yawene yaakuthungira mazani matsva, munoziva kuti mainza yaakusvika. 29 Ndomwenze daro kana maakuona zviitiko zvakarezvi zvathanga kuitika, zivai kuti kudzoka kwache kwava papfupi, pamusuwo chaipo. 30 Chokwadi, ndinoti kwamuri vanhu vonguwa yakarei havapfi vese zvisati zvathanga kuitika. 31 Denga nonyika zvichapfuura asi mashoko yangu yanopfuuraba.
32 Asi kana riri zuva nonguwa yakareyo inoziviwaba nomunhu, kana ngirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega. 33 Chenjerai, murindire, ndava hamuzive kuti nguwa inosvika rini. 34 Zvidofanana nomunhu adoenda hwendo hurefu. Anosiya wapasa vashandi vache mabasa yokuita, ndokuudza murindiri wopamusuwo kuti agaririre. 35 Rambai mudondogaririra nokuti nguwa inodzoka mwenekachiro womusha munoizivaba, pangave pakati pousiku, mukanganyama kana mangwanani. 36 Kuti areke kundoyerekana wasvika achikuwanai mudoenzera hope. 37 Zvandinokunyairirai imimi ndinoudza vese: Garirirai!"