1 Pavanga vaakuda kusvika muJerusarema vava paBhetifegi noBhetaniya paGomo roMiorivhi, Jesu adotuma vadzidzi vache vairi. 2 Adoti kwavari, "Endai mumusha wamudonangarana nawo, mukapinda makaremo munoona kamwana koburu kadosungirihwa kasati kambogadhiwa nomunhu, kasugudurei muuye nako. 3 Kana paita anokubvunzai kuti, ‘Muri kukasugudurirei?’ Mupindurei kuti, ‘Ishe vari kukada, ipopo achakatumira pano tsotsono.’"
4 Ivo vadoenda ndokuwana kamwana koburu kunze kwomusuo, kadosungirihwa panzira sezvavanga vanyepewa naJesu, ndokukasugudura. 5 Vadobvunziwa novanhu vanga vadomira pakarepo vachivati, "Muri kusudugurirei kaburu kakareko?"
6 Ivo ndokupindura sezvavadoudziwa naJesu, vachibva vavarega vachienda. 7 Vadouya nako kuna Jesu, ndokubva vawaridza hembe dzavo pamusoro pakene, ndokubva iye wakagadha. 8 Vanhu vazinji vadowaridza hembe dzavo, vamwe vachitema mazani yomiti vachimuwaridzira mumugwagwa. 9 Vanga vadotungamira novaitevera mumasure vaidaidzira vachiti, "Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe. 10 Hudokomborehwa umambo huri kuuya hwababa vedu Dhavhiti, Hozana kumusorosoro!"
11 Zvino adosvika muJerusarema, ndokupinda muchivanze choimba yaMwari, ndokunangaranangara achiona zvinhu zvese. Sezvo kwakanga kwadoka, adobirika ndokuenda kuBhetaniya novanogumi novairi.
12 Fume mangwana vaakubva kuBhetaniya, Jesu wanga waanonzara. 13 Ari kurefu adoona mukuyu wanga uno mazani, adoenda koona kana uno muchero. Paadosvika pauri, hapanai chaadowana asi mazani yega yega, nokuti nguwa yohuyu yanga isinati yasvika. 14 Ipopo Jesu adoti kumuti wakareyo, "Mbaparegerefuti kuva nomunhu anoja michero pauri." Paadotaura zvakarezvo vadzidzi vache vadozvinzva.
15 Pavadosvika muJerusarema Jesu adopinda muchivanze choimba yaMwari, ndokuthanga kudzinga vaitengeserana muimba yaMwari, nokupidigura mathafura notumipando tovaitsinhana mari, novaitengesa njiva. 16 Futi adobvumiraba kuti pave noanotakura chinhu achipinda nomuimba yaMwari. 17 Asi adodzidzisa vanhu achiti, "Mumagwaro mudonyohwa kuti ‘imba yaMwari yangu ichanzi imba yokunamatira yomarudzi yese’ asi imimi matoiita bako romakororo."
18 Vaphirisita vakuru novanyori pavadonzva zvakarezvo, vadothanga kutsvaga nzira yavangamubaye nayo, asi vaimucha ndava vanhu vese vanga vashamisiwa nokudzidzisa kwache.
19 Kudzoti yava mauro vadobirika muguta.
20 Mangwanani yomusi udotevera, pavaipfuura vadoona mukuyu uye waoma nomidzi yese. 21 Pita adokumbuka ndokuti kwaari, "Onai muti wamudoshurikidza uye waoma."
22 Jesu adovapindura achiti, "Ivai nokutenda muna Mwari. 23 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu upi zvache anoti kugomo iri ‘Birika uende kombwerera mugungwa, asingatsakidze mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaataura zvichaitika, zvinoitika sekutaura kwache. 24 Nokudaro ndinoti kwamuri, chese chamunoda mukachinamatira nokutenda kuti matochitambira, muchachiwana. 25 Futi pese paunonamata, kana pano adokutadzira, muregerere kuitira kuti Baba vako vokudenga vakuregererewo zvitadzo zvako." 26 Asi kana musingaregerere, naBaba venyu vokudenga havakuregererewo zvitadzo zvenyu.
27 Adopinda kamu muJerusarema. Paanga achitekaira muchivanze choimba yaMwari, vaphirisita vakuru novanyori novakuru vovanhu vadouya kwaari. 28 Vadoti kwaari, "Mbukuru hwai hwaunahwo hwokuita zvinhu zvakarezvi? Noadokupasa ukuru hwakareho, mbani?"
29 Jesu adovapindura kuti, "Ini ndichakubvunzaiwo mubvunzo mubodzi, mukandipindura, neniwo ndichakuudzai ukuru hwandinahwo hwokuita zvinhu zvakarezvi. 30 Ko ruombeko raJohwani rudobva kudenga chere kana kuvanhu? Pindurai."
31 Vadothanga kupikisana vachiti, "Kana tikati kudenga, Iye achati, ‘Zvino mudoregerei kumutenda?’ 32 Kana tikati, ‘Rudobva kuvanhu,’ tinocha vanhu nokuti vese vaitenda chaizvo kuti Johwani waiva muporofiti." 33 Vadodzoti kuna Jesu, "Tinozivaba."
Jesu adoti kwavari, "Neniwo ndinokuudzaiba ukuru hwandinahwo hwokuita zvinhu zvakarezvi."