Publicidade

Marcos 10

Kuroorana Nokurambana

1 Wabva pakarepo adoenda mudunhu roJudhiya, nokumhiri kwaJorodhani. Gurusvusvu rovanhu ridouya kamu kwaari. Iye adovadzidzisa semaitiro yaaiita nguwa dzese.

2 Vamwe vaFarisi vadouya kudzomuedza vachibva vamubvunza, "Tiudze, zviri pamutemo chere kuti munhu arambe mukadzi wache?"

3 Adovapindura achiti, "Ko Mozisi adokurairai chii?"

4 Vadoti, "Mozisi adobvumira kuti murume apase mukadzi gupuro womuendesa."

5 Ipopo Jesu adovapindura kuti, "Kwaitova kuoma mwoyo kwenyu saka adokunyorerai mutemo udodaroyo. 6 Asi kubva pakusikiwa, Mwari adovaita murume nomukadzi. 7 Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache namaache (anamatirane nomukadzi wache). 8 Vairi vakarevo vachava nyama ibodzi. Saka vanenge vachiriba vairi asi nyama ibodzi. 9 Saka chabatanidziwa naMwari mbaparege kudzova nomunhu anochikwachanura."

10 Vapinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza kamu pamusoro ponyaya yakareyo. 11 Adoti kwavari, "Wese anoramba mukadzi wache achiroora umwe anomuitira upombwe. 12 Futi mukadzi akaramba murume wache woroorewa noumwe, anoita uhure."

Jesu Anoropafadza Vana

13 Zvino vanhu vadoti vachiuya novana vadiki kuna Jesu kuti avabate, vadzidzi vache vadovatsiura. 14 Jesu paadozviona haanai kufara nazvo ndokubva wati kwavari, "Siyai vana vadiki vauye kwandiri, regai kuvarambidza nokuti umambo hwokudenga ngwavo. 15 Ndinokuudzai chokwadi, wese asingatambire umambo hwaMwari semwana mudiki, anopindaba mahuri. 16 Adovabata mumaoko yache achiturika maoko yache pavari.

Jaha Ridopfuma

17 Adoti wabirika waakutoenda, pano adoenda kwaari achitizira ndokupfugama pamberi pache achibvunza, "Mudzidzisi adonaka, chii chandingaite kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?"

18 Jesu adoti kwaari, "Sei uchinditi adonaka? Hapanai adonaka kunze kwaMwari. 19 Mirairo unoiziva inoti, ‘Reka kubaya, reka kuita upombwe, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, reka kubiridzira, kudza baba vako namaako.’"

20 Iye adoti kwaari, "Mudzidzisi, zvese zvakarezvi ndidozvichengeta kubva paudiki hwangu."

21 Ipopo Jesu adomunangara achibva wamuda, ndokuti kwaari, "Wasarihwa nochibodzi, enda wotengesa zvaunazvo zvese, wopasa varombo, ipopo unenge wava nopfuma kudenga, wouya wonditevera." 22 Jaha paridonzva zvakarezvo ridododoma kaso richibva raenda nochitsvumwoyo ndava ranga rinopfuma idowanditsa.

23 Jesu adonangara nangara ndokuti kuvadzidzi vache, "Zvichaomera sei vapfumi kupinda muumambo hwaMwari!"

24 Vadzidzi vache vadoshamisiwa chaizvo nomashoko yache. Asi Jesu adovapindura kamu achiti kwavari, "Vana, muomero rini wazvidoita kupinda muumambo waMwari! 25 Zvidotopusira ngamera kupinda nopaboo ronariti pamupfumi kuti apinde muumambo hwaMwari."

26 Vadoshamisiwa zvidopindiridza ndokutaurirana vachiti, "Manje mbani anoponesewa?"

27 Zvino Jesu adovanangara ndokuti, "Kuvanhu, zvinokwanisikaba, asi naMwari zvinokwanisika."

28 Ipopo Pita adoti kwaari, "Onai, tidosiya zvese tichikuteverai."

29 Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinokunyepai, hapanai munhu adosiya imba kana vana kana vakoma novanin'ina’ina kana hanzvadzi kana minda nokuda kwangu kana kwovhangeri, 30 asingadzotambira zvidopetewa kazana zvino, muupenyu hwakarehuno, dzimba, vakoma novanin'ina’ina, hanzvadzi, anamai, vana, minda nokutambudziwa, uye munyika ichauya achava noupenyu husingapere. 31 Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokuthanga."

Kochitatu Jesu Anonyaira Zvokupfa Nokumuka Kwache

32 Pavanga vaamunzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu wanga adovatungamira, vadzidzi vaishamisika, futi vaimutevera vachicha. Adotora vanogumi novairi parutivi ndokuvanyepa zvanga zvichadzoitika kwaari, 33 achiti, "Onai, tirikuenda kuJerusarema, Mwanakomana woMunhu achaisiwa kuvaprista vakuru, nokuvanyori, ivo vachamutongera ipfa, vomuisa kuvanhu vasiri vaIzirairi. 34 Ivo vachamuseka nokumuzvidza, vachamurova nokumusvipira mathe, vomubaya, asi musure momazuva matatu achamuka kamu."

Anoda Kuva Mukuru Mbaave Muranda

35 Ipopo vanakomana vaZebhedhiya, Jakobho naJohwani, vadonyedza kwaari vachiti, "Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chese chatinokukumbirai."

36 Adoti kwavari, "Munoda kuti ndikuitirei chii?"

37 Vadoti kwaari, "Itai kuti pamunogara mukubhwinya kwenyu mutiise umwe kuruji kwenyu umwe kurubose kwenyu."

38 Asi Jesu adoti kwavari, "Munozivaba zvamunokumbira, munogona nai iyemi kumwa mukombe womatambudziko wandinomwa inini? Nokuombekewa noruombeko randinoombekewa inini?"

39 Ivo vadoti, "Tinogona,

"Jesu adobva wati kwavari, "Muchamwa zvenyu mukombe wandichamwa, nokuombekewa ruombeko randichaombekewa. 40 Asi zvokugara kuruji kwangu nokumamose kwangu nzvanguba kuti ndizvipase munhu, asi nzvoavo vadozvigadzirihwa."

41 Vanogumi pavadozvinzva, vadomwamwira Jakobho naJohwani. 42 Ipopo Jesu adovadaidza ndokuti kwaari, "Munoziva kuti vaye vanotohwa sevatongi vodzimwe Ndudzi, vanoremedza vari pasi pavo, novakuru vavo vanoita chisimba kwavari. 43 Manje izvozvo ndizvoba zvazvinofanira kuva pakati penyu, wese achava mukuru pakati penyu anofanira kushandira abiyache. 44 Noanoda kuva wokuthanga pakati penyu, achava muranda wovese. 45 Nokuti naiyewo Mwanakomana woMunhu haanai kuuya kudzoshumihwa asi kudzoshumira nokupasa upenyu hwache kuti ruve rudzikinuro rovazinji."

Kusvinudziwa kwaBhatimeyo

46 Zvino vadosvika paJeriko, paanga waakubirika novadzidzi vache nogurusvusvu rovanhu, parutivi ponzira yakareyo panga padogarikika rombe raiitiwa Bhatimeyo mwanakomana waTimeyo. 47 Ipopo adonzva kuti ndiJesu woNazareta, ndokuthanga kudaidzira achiti, "Jesu, Mwanakomana waDhavhiti ndinzvirei tsitsi."

48 Vazinji vadomudzuma vachimunyepa kuti anyarare, asi iye adobva wasokokerafuti kuramba achidaidzira achiti, "Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi."

49 Nokudaro Jesu adomira ndokuraira kuti adaidziwe.

Ivo vadodaidza rombe vachiti, "Tsunga, ari kukudaidza, chitosumuka uende."

50 Adokutukudza bhachi rake kudodaro ukwo, ndokuvhurumuka kusumuka achienda kuna Jesu.

51 Jesu adoti kwaari, "Chii chaunoda kuti ndikuitire?" Rombe ridoti,

"Mudzidzisi ndinoda kuti ndione."

52 Jesu adoti kwaari, "Kutenda kwako kwakuporesa, chienda."

Kabodzi nokabodzi adoona, ndokumutevera munziramo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-