1 Jesu adobirika pakarepo achienda kuguta raadokurira, vadzidzi vache vadomutevera. 2 Zvino pazuva roSabata adothanga kudzidzisa musinagoge. Vazinji vadomunzva vadoshamisika. Vadoti, "Anga iyeyu adowana poi zvinhu zvakarezvi? Uchenjeri hupi ihwohu hwaadopasiwa zvokuti anotoita mabasa makuru yadodai? 3 Iyeyu muveziba nai, mwanakomana waMariya, mukoma waJakobho, nowaJosefa, nowaJudhasi, nowaSimoni? Kana hanzvadzi dzache tinadzoba ipopano nai?" Vadobva vaita chisembu naye.
4 Asi Jesu adoti kwavari, "Muporofiti haasaye kukudziwa kusiya kwomunyika yache, nomuhama dzache, nomumba mache basi."
5 Nokudaro haanai kudzoita mabasa yosimba makaremo kusara kwokundoturika maoko pavahwere vashomanana vaadoporesa. 6 Zvino adoshamisika, nokusaya kutenda kwavo. Saka adotenderera muimwe misha achidzidzisa.
7 Zvino adodaidza vadzidzi gumi novairi ndokuvatuma vairi vairi, adovapasa masimba pamusoro pomweya idoipa. 8 Adovaraira kuti vareke kutakura chinhu: mazingwa, homwe kana mari muzvikwama zvavo, kusiya kwotsvimbo. 9 Asi kuti vapfeke shangu, uye vareke kutakura mbacha dzokuchinja. 10 Pakamu adoti kwavari, "Pamumba pamunenge matambihwa, garai mumba makaremo kusvikira mabirika paguta rakarero. 11 Pamusha wamunenge musinai kutambihwa, kana mava kubirika kuhumurai pfumbi ropanzvimbo yakareyo ribirike patsoka dzenyu ridzopfakaza richivaroverera.
12 Saka vadoenda vachiparidzira vanhu kuti vapinduke. 13 Vadodzinga mweya idoipa mizinji nokuzora mapfuta vahwere vazinji vachivaporesa.
14 Mambo Herudhe andipasi paadonzva nozvaJesu, nokuti zita rache ranga rapararira kwese, iye novamwe vadoti, "NdiJohwani Muombeki adopfa wakareyu, wamuka, saka ndiye ari kuita mabasa iyoya yosimba."
15 Vamwe ndivo vaiti, "NdiEriya,"
vamwewo vachiti, "Anondovawo umwe muporofiti adofanana novokare."
16 Herudhe adoti, "Neye, ndiJohwani wakareyu wandidogwata musoro, adomuka kamu." 17 Ndava Herudhe pachake adotuma mauto kosunga nokuvharira Johwani mutorongo nondava yaHerodhiyasi mukadzi womunin'ina wache Firipi waanga watora. 18 Sezvo Johwani waigara achiti, "Mukho kuti utore mukadzi womunin'ina wako.
19 Izvozvo zvidoita kuti Herodhiyasi aite hwiranhaka naye, zvokutoda kumubaya, asi wanga asingagone. 20 Nokuti Herudhe waicha Johwani achiziva kuti adorurama pakamu mutsvene, saka waimudzivirira. Herudhe waifarira kumunzva asi zvidodaipo waitenderedzewa musoro nokutaura kwaJohwani.
21 Padosvika zuva rokuzvahwa kwaHerudhe adoitira mabiko vakuru vohurumende, vakuru vohondo nonzvahwa dzomuGaririya dzairemekedzewa. 22 Pakarepo mwanasikana waHerodhiyasi adotamba zvidofadza Herudhe novaadokoka vese. Ipopo mambo adoti kumusikana, "Ndikumbire chese chaunoda, ndichakupfupira chakarecho." 23 Adovimbisa nokupika kuti, "Ndinokupfupira chese chawada kusvika pachidimbu youmambo hwangu!"
24 Nokudaro mwanasikana adoenda kobvunza amaache achiti, "Ndikumbire chii?"
Ivo ndokuti, "Kumbira musoro waJohwani Muombeki!"
25 Nokamangu adodzokera kuna mambo ndokumukumbira kuti, "Ndipasei pakarepano musoro waJohwani Muombeki!"
26 Mambo adosurukihwa nazvo maninge, asi adonyara kuchora chivimbiso chache pamberi povanhu vaadokoka. 27 Mambo adotuma uto nokamangu kuti riende kogwata musoro waJohwani, uto ridoenda kutorongo ndokubva ragwata musoro waJohwani, 28 nokuuya nawo uri mumbenge uchibva wapasiwa kumusikana, iye adobva waenda kopasa amaache. 29 Vadzidzi vaJohwani pavadozvinzva vadouya vachitora chitunha chache vachichiviga muguwa.
30 Zvino nhumwa dzidodzoka ndokuungana pana Jesu dzichimunyepa zvese zvadzidoita nozvadzidodzidzisa. 31 Ukuwo gurusvusvu rovanhu raimbondouya nokuenda zvokuti Jesu novadzidzi vache vadotosaya nonguwa yokuja chaiyo. Ipopo Jesu adoti kwavari, "Mbatibirikei paruzinji tiende pedu tega mumbofemawo kanguwa kapfupi." 32 Saka vadodzokwira mukamwadiya vachienda kwavo vega.
33 Asi vanhu vazinji vadovaona vachienda, futi vadovaziva, saka vadotizirana notsoka vachibva mumaguta yadosiyana siyana ndokuthangira Jesu kusvika. 34 Jesu paadoburuka mukamwadiya adoona gurusvusvu rikuru rovanhu, achibva avanzvira tsitsi nokuti vaiita kunge hwai dzisinai nyakabusa. Saka adothanga kuvadzidzisa zvinhu zvizinji. 35 Kudzoti kwava kudoka, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, "Kwadoka, apa tichiri musango. 36 Chiendesai vanhu kumaguta nokumisha vazvitengere zvokuja, vaje."
37 Asi Iye adovapindura achiti, "Vapasei imimi zvokuja zvacho." Ivo vadoti,
"Toenda chere kotenga mazingwa yomadhenari mazana mairi kuti vaje?" (Dhinari ribodzi wanga uri muhoro wozuva ribodzi).
38 Jesu adoti kwavari, "Munomazingwa manganiko? Endai konangara."
Pavadonangara vadoti, "Tinomazingwa mashano nohove dziiri."
39 Ipopo Jesu adoudza vanhu kuti vagarikike pasi pausva hunyoro vadoita zvikwata zvikwata. 40 Saka vadogarikika vadoti apa makumi mashano apa zana. 41 Ipopo Jesu adotora mazingwa mashano nohove dziiri, ndokunangara kudzuru ndokuzvikomborera. Adobva wazvikomora komora achipasa vadzidzi vache kuti vapase vanhu. 42 Vese vadoja vachiguta. 43 Pakarepo vadohwenga zvimepfu zvomazingwa zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri nohovewo kamu. 44 Vanhu vadoja vacho vaipfuura zviuru zvishano.
45 Nokamangu Jesu adosukumidzira vadzidzi vache kupinda mukamwadiya kuti vaende kumhiri kwogungwa kuBhetisaidha, Iye achisara achikototsa vanhu. 46 Wabva mukuvakototsa adokwira mugomo konamata. 47 Kwasvipa Jesu wanga ari wega panyika, kamwadiya kari pakati pogungwa. 48 Adovaona vachikikiritsana nokamwadiya, ndava duthu ranga richihwisana navo. Mambakwedza pakati ponguwa yochitatu noyochitanhatu adouya kwavari, achitekaira pamusoro pomvura. Waakutoda kuvapindirira, 49 vadobva vamuona achitekaira pamusoro pomvura mugungwa, vachifunga kuti nyhipoko, vadoibongomora mhere. 50 Ndava vese vamuona futi vadobva vabatiwa nokucha.
Asi nokamangu adonyaira navo achiti, "Dekharikai, ndini, rekai zvenyu kucha." 51 Pakarepo adokwira mukamwadiya mavanga vari, duthu ridobva raroserafuti, ipopo vadoshamisika zvidokungudza. 52 Ndava kubva pamunana wokuposhewa kwovanhu zviuru zvishano nozvingwa zvishano, vanga vasinati vanzvitsitsa kuti Iye mbani. Mwoyo yavo yanga yava mikukutu.
53 Vadoyambuka kumhiri ndokusvika panyika yoGenasareti ndokusungirira kamwadiya. 54 Pavadobirika mukamwadiya, pakarepo vanhu vadoziva Jesu, 55 ndokutizirana dunhu rese vachitakura vahwere pamibhedha yavo vachienda kwavadonzva kuti ndokwaari. 56 Kwese kwaaienda mumaguta kana mumisha, vairadzika vahwere munzira, vachikumbira kuti vabate mukombero wojasi rache, uye vese vadoubata vadopora.