1 Zvino vadosvika kumhiri kwogungwa munyika yovaGarasa. 2 Jesu paadobirika mukamwadiya, adokumana nomunhu wanga adogahwa nomweya udoipa 3 murume wakareyo waigara mumakuwa. Hapanai wanga achakona kumusunga, kana nongetani chaidzo. 4 Kazinji waisungiwa nongetani manja nomakumbo, asi waidzigwata dzese. Hapanai munhu wanga anosimba rokumudekhadza. 5 Waigara mumakomo nomumanda masikati nousiku, achikuwa nokuzvisvurungunda nomabhwe.
6 Paadondoona Jesu ari kurefu adomumhanyira ndokuwira pasi pamberi pache. 7 Adokuwa nodzinga ropamusoro achiti, "Chii chamunoda kwandiri, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbiritsai muzita raMwari kuti mureke kundidzudza." 8 Ndava Jesu wanga wati kushave, "Birika maari, iwe mweya udoipa!"
9 Jesu adomubvunza achiti, "Zita rako ndiwe yani?"
Iye ndokuti, "Rigiyoni, ndava tidowanditsa." 10 Mweya udoipa udokumbira Jesu kuti areke kuidzinga munyika yakareyo.
11 Zvino papfupi nopakarepo panga pano boka rikuru rohumba dzanga dzichifura mumhera mogomo. 12 Saka mweya idoipa idomukumbira ichiti, "Tiendesei kuhumba idzo mutisiye tichipinda madziri." 13 Iye adoibvumira. Ipopo mweya idoipa idobirika ndokupinda muhumba dzaitosvika zviuru zviiri. Dzidotizirana kumapiripiri dzichichudumukira mugungwa dzichipfira makaremo.
14 Anyakabusa vohumbadzo vadobva vatizirafuti vachienda koudza vanga vari muguta nomumisha. Ivo vadobirika vachienda koona zvanga zvaitika. 15 Vadosvika panga pana Jesu ndokuona murume uye anga adogahwa nomweya idoipa adogarikika, adotosimira, watokohoroka pfungwa, izvozvo zvidovachisa. 16 Vaye vadoona muitikiro wazvene vadovanyepa zvidoitika kumurume wakareyo nokuhumba dzakaredzo.
17 Ivo vadothanga kukumbira Jesu kuti abirike zvache mudunhu ravo.
18 Jesu paadopinda mukamwadiya murume anga ano mweya idoipa adokumbira kuendawo naye.
19 Zvisinei, Jesu adomurambira, asi adoti kwaari, "Enda kumba kuhama dzako wovaudza zvomutsa waMwari nozvinhu zvikuru zvaakuitira."
20 Nokudaro murume adobva waenda ndokuthanga kuzivisa vanhu vomuDhikapori, zvaanga waitihwa naJesu. Vese vadoshamisiwa nazvo.
21 Jesu adoyambuka kamu gungwa achidzoka kumhiri, vanhu vazinji vadoungana kwaari panyasi pogungwa. 22 Ipopo umwe wovatungamiri vosinagoge waiitiwa Jairosi, paadoona Jesu, adozvikhandira pasi pamberi potsoka dzache. 23 Adomuteterera achiti, "Mwanasikana wangu waakutoda kupfa. Uyai mumuturike ruoko renyu pamusoro kuti achire."
24 Ipopo Jesu adoenda naye, vanhu vazinji vadomutevera vachimusvanikidza.
25 Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, 26 wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non'anga’anga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. 27 Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. 28 Ndava adofunga kuti, "Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira."
29 Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache. 30 Pakarepo Jesu adonzvirafuti kuti simba rache rabirika maari, ndokubva wachungunuka mukati mochaunga achiti, "Mbani wabata mbacha dzangu?"
31 Vadzidzi vache vadoti kwaari, "Murikuona vanhu vazinji vadokusvanikidzai, imimi ndopomoti, ‘Mbani wandibata?’"
32 Asi Jesu adoramba achinangara nangara kuti aone wanga wamubatayo. 33 Mukadzi achiziva zvanga zvaitika kwaari adotetemera nokucha ndokuuya achiwira pasi pamberi paJesu achimuudza chokwadi chese. 34 Ipopo Jesu adoti kwaari, "Mwanasikana kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako norugare, usununguke kubva padambudziko rako."
35 Achiri kutaura daipo, vamwe vadobva kumba kwomukuru wosinagoge ndokuti, "Mwanasikana wenyu wapfa, muchashupireiko Mudzidzisi?"
36 Jesu haanai kuita basa nozvavadotaura, ndokuti kumukuru wosinagoge, "Reka kucha ndotenda basi." 37 Ipopo adobvumiraba munhu kumutevera kusara kwaPita, Jakobho naJohwani mwanabiyache. 38 Paadosvika kumba kwomukuru wosinagoge, adoona vanhu vachirira maundu, nokubvumvurika nokuridza mhere. 39 Adopinda ndokuti kwavari, "Munoitireiko mhere idodai muchirira? Mwana haanai kupfa asi adoenzera."
40 Vadomuseka. Asi Iye adovabiritsa vese achitora baba namai vomwana novaadouya navo, ndokupinda navo mukamuri yanga idoradzikiwa mwana. 41 Adobata ruoko romusikana achimumutsa achiti kwaari, "Tarita kumi," ndokuti, musikana ndinoti kwauri muka.
42 Kabodzi nokabodzi musikana uye ndiye khwakhwanyaku kumuka nokutekairirafuti, ndava wanga watova nomakore gumi nomairi. Vadoshamisiwa nazvo zvokutosaya nochokunyaira chese. 43 Ipopo adovakohomedza achiti damba wamaudza, ndokuvaudza kuti vamupase chokuja.