Publicidade

Marcos 4

Mufananidzo woMujari

1 Adothanga kudzidzisa pakamu ari pamhera pogungwa. Gurusvusvu rikurufutiro ridomuunganira zvokutoti adodzopinda mukamwadiya kanga kari mugungwa ndokugarikika makaremo. Gurusvusvu rese ranga riri kumhera kwogungwa. 2 Adovadzidzisa zvidowanda nomifananidzo.

3 Adoti kwavari, "Tetekerai, mujari adoenda kojara mbeu. 4 Achijara daipo dzimwe dzidombwerera munzira, tushiri tudouya ndokudzija. 5 Dzimwe dzidombwerera pamabhwe, padzidosaya ivhu ridowanda. Nokuti ivhu ranga riri rishoma, dzidobva dzamera nokamangu. 6 Zvino zuva paridobirika, dzidotsva, nokuti midzi yadzene yanga isinai kudzika pasi, dzidouna ndokuoma. 7 Dzimwe mbeu dzidombwerera panga pano mwinza, mwinza idokura ndokudzivhinga, dzichibva dzatadza kuita zvibereko. 8 Dzimwe mbeu dzidombwerera paivhu ridonaka, dzidokura ndokubereka zvibereko zvidowanda, zvimwe zvidopetewa makumi matatu, zvimwe zvidopetewa makumi matanhatu, zvimwewo zvidopetewa kazana."

9 Adodzoti kwavari, "Anonzeve mbaatetekere anzve!"

Chinangwa choMifananidzo

10 Paanga ava wega, vaye vaanga anaye pabodzi novanogumi novairi vadomubvunza pamusoro pomifananidzo. 11 Adoti kwavari, "Imimi mudopasiwa zvidohwanda zvoumambo hwaMwari. Asi kuno vokunze, zvese zviri mumifananidzo, 12 kuitira kuti,

‘vaone,

asi vasingaonetsetse,

futi kuti vanzve,

asi vasinganzvitsitse.

Zvidoitihwa kuti vareke kupinduka,

vachidzoregerehwa.’"

Jesu Anotsanangura Mufananidzo woMujari

13 Jesu adodzoti kwavari, "Hamunzvitsitse mufananidzo wakareyu nai? Anga zvino mimwe yese munodzoinzvitsitsa tini? 14 Mujari anojara shoko. 15 Mbeu idombwerera munzira, mbaye vanoti kana vanzva shoko, Sathani anouya nokamangu achivatorera shoko rajariwa. 16 Mbeu idombwerera pamabhwe mbaye vanoti vakanzva shoko, vanoritambira nokamangu nomufaro. 17 Asi havanai midzi, vanondotsungirira kwokanguwa kapfupi. Panouya nhamu kana kutambudziwa nokuda kwoshoko, vanowa nokamangu. 18 Dzidombwerera paminzva mbaye vanoti kana vanzva shoko, 19 asi kuda zvonyika nokufarira upfumi nokuda zvimwewo zvinhu zvinopinda zvovhunga shoko, rotadza kuva nozvibereko. 20 Asi mbeu dzidombwerera paivhu ridonaka mbaye vanonzva shoko voritambira vobereka zvibereko, zvimwe zvidopetewa makumi matatu, zvimwe makumi matanhatu, zvimwe zana."

Mwenje Panzvimbo Yawene

21 Futi adoti kwavari, "Mwenje unobatidziwa uchiisiwa pasi potsvanda kana kuti pasi pomubhedha usingaisiwe pachigadziko chawene chere? 22 Nokuti hapanai chidosvisviwa chisingadzoisiwa pachenu, kana chidohwanziwa chisingadzozikana. 23 Anonzeve mbaatetekere anzve!"

24 Futi adoti kwavari, "Chenjererai zvamunonzva! Mhimo yamunopima nayo ndiyo ichava mhimo yamuchapimihwawo, futi ichaingidzihwa kamu. 25 Nokuti kuno anazvo achapasiwa zvidowanda, asi asinai nochaanofungacho kuti anacho achatorehwa."

Mufananidzo woMbeu Inokura

26 Adovanyairira kamu achiti, "Umambo hwokudenga hudofanana nomunhu adojara mbeu mumunda, 27 Iye anoenzera usiku, masikati achimuka, uku mbeu inomera ichimbondokura asinganzvitsitse kuti zvinoitika tini. 28 Nokuti ivhu rinoberekesa rega mbeu, chinotanga mukuyo, kwotevera mimba pagunje, pakupedzisira poita pfunde pahora. 29 Panondoibva mapfunde yakareyo murimi anopinda nochipanga achicheka nokuti kukohwa kwasvika.

Mufananidzo Wombeu yomasitadhi

30 Zvino adoti, "Chiiko chatingafananidze nacho Umambo hwaMwari? Tingahuti hudofanana nochii? 31 Hudoita kunge mbeu yomasitadhi inojariwa iri idikidiki pambeu dzese dziri panyika. 32 Asi ikajariwa, painodzomera inokura kukunda zvimwe zvirimwa zvese zviri mudimbamo, inotoita zvimatayi zvirefu zvokutoti tushiri tunotogara makaremo."

33 Adovanyairira nomifananidzo idowanda inenge iyoyi zvichienderana nomanzvitsitsiro yavo. 34 Hapanai chaadovanyepa chisinai mufananidzo. Waidzoti kana wava wega novadzidzi vache waivatsanangurira zvese.

Jesu Anodekhadza Duthu noGungwa

35 Mauro yozuva rakarero adovanyepa achiti, "Mbatiyambukirei kumhiri kurimwe divi." 36 Nokudaro vadosiya gurusvusvu rovanhu, ndokuenda naye nokamwadiya sezvaanga ari, panga pano tumwewo tumwadiya twanga turi papfupi naye. 37 Zvino duthu rikuru ridomuka, mapfeni yomvura yadothanga kupinda mukamwadiya, zvokuti kanga kaakutozara. 38 Asi iye wanga adoenzera, adotsamira pamutsago kumasure kwokamwadiya. Ipopo vadomumutsa vachiti, "Mudzidzisi, hamunai hanya nai kuti taakupfa?"

39 Iye adomuka ndokubva wadzuma duthu, ndokukaruza gungwa achiti, "Dekhadzika urose!" Ipopo duthu ridomira, ndokubva kwadekhara. 40 Adobva wati kwavari, "Indava yei muchicha zvidodai, hamunai kutenda nai?"

41 Ipopo vadocha zvidokungudza ndokubva, vanyairirana vachiti, "Anga munhu wakareyu mbani, anototeerehwa noduthu nogungwa?"

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-