Publicidade

Marcos 14

Vanorangana Kubaya Jesu

1 Kwandosara mazuva mairi yokusvika kwomabiko yoPhasika noyoMazingwa Yasinai Mbiriso, vaphirisita vakuru novanyori vadotsvaga mazano yadohwanda yokusunga nokubaya nayo Jesu. 2 Asi vadoti, "Mbazvirege kuitiwa pamutambo woMazingwa Yasinai Mbiriso kuti vanhu vareke kudzoita bongozozo."

Jesu Anozodzewa paBhetani

3 Jesu ari paBhetani, mumba maSimoni womabobo, paanga adotsveyamira pathafura yokuja kwomauro, padouya umwe mukadzi wanga anoguchu romapfuta yanodhura yonadhi chaiyo. Adoyavhura ndokuyadururira mumusoro waJesu. 4 Ipopo vamwe vadotsva mwoyo nazvo ndokuti, "Ko mapfuta iyoya yachenekehwei? 5 Handiti yaitogona kutengesewa nomadhinari mazana matatu mariyo yokovehwa kuvarombo?" Vadobva vamukaruza noukari.

6 Asi Jesu adoti, "Siyanai naye, seiko muchimunetsa? Waita basa ridonaka kwandiri. 7 Varombo munavo nguwa dzese, pamunenge mandoda munovaitira zvidonaka, asi inini handisi nemi nguwa dzese. 8 Waita zvaagona, wafana kuzora muviri wangu kuitira zuva rokuvigiwa kwangu. 9 Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidziwa Nyaya Idonaka munyika dzese, zvaaita zvichanyaihwa achikumbukiwa nazvo.

Judhasi Anopandukira Jesu

10 Zvino Judhasi Sikariyoti umwe wovanogumi novairi adoenda kuvaprista vakuru kuti aise Jesu kwavari. 11 Ivo vadofara kunzva zvakarezvo ndokuvimbisa kumupasa mari. Nokudaro iye adotsvaga mukana udofanira wokumupandukira nawo.

Jesu Anoja Phasika Novadzidzi Vache

12 Pazuva rokuthanga roMazingwa Yasinai Mbiriso riri zuva raibayiwa hwayana yoPhasika, vadzidzi vache vadomubvunza, "Nghupi kwamunoda kuti tiende kokugadzirirai kuti mujire Phasika?"

13 Iye adotuma vadzidzi vache vairi achiti kwavari, "Pindai muguta, makaremo muchasangana nomurume adotakura chirongo chomvura. Muteverei wakareyo. 14 Taurai nomwenekachiro woimba yaachapinda muchiti, ‘Mudzidzisi wati, njipi imba yovarendo yandichajira zingwa roPhasika risinai mbiriso ndinovadzidzi vangu?’ 15 Iye achakunangidzai imba ikuru yomuturikidzwa idorongedzewa nokugadzihwa, tigadzirirei makaremo."

16 Vadzidzi vadoenda, ndokupinda muguta, vachiwana zvidoita fanike matauriro yaanga waita kwavari. Ivo ndokugadzira chirairo choPhasika.

17 Yava mauro, Jesu adosvika novanogumi novairi. 18 Vari pathafura pakuja, Jesu adoti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, umwe wenyu achandipandukira, wandiri kutoja naye."

19 Vadosuwa nazvo, ndokuthanga kumubvunza mubodzi mubodzi vachiti, "Kuti ndini?"

20 Adoti kwavari, "Nguyo umwe wovanogumi novairi wandiri kuseva pabodzi naye mumbenge." 21 Nokuti Mwanakomana woMunhu achaenda sezvidonyohwa pamusoro pache, asi mayanga kumunhu wakareyo anomupandukira! Zvanga zviri hasa kumunhu wakareyo dai asinai kuzvariwa."

Chirairo chaIshe

22 Vari pakuja daipo Jesu adotora zingwa achiriropafadza. Adorikomora komora achiripasa vadzidzi vache achiti, "Torai, uyu muviri wangu."

23 Adotora mukombe, ndokutenda, adovapasa vachimwa vese pauri. 24 Adoti kwavari, "Aya magazi yangu yochibvumirano yanoteurihwa vazinji. 25 Chokwadi ndinokuudzai kuti ndichamwaba kamu muto womazambiringa kusvikira zuva iro randinozoumwa wava mutsva muumambo hwaMwari."

26 Pavadoimba chimbo vadobirika vachienda kugomo romiOrivhi.

Jesu Anoporofita Kuramba kwaPita

27 Ipopo Jesu adoti kwavari, "Mese muchandisiya usiku huno, nokuti kudonyohwa kuti, ‘Ndicharova nyakabusa, ipopo hwai dzichapamwara.’ 28 Asi pandichamuka ndichakutangirai kuenda kuGaririya."

29 Pita adoti kwaari, "Kunyange vese vakakusiyai, inipano ndinokusiyaiba."

30 Jesu adomupindura achiti, "Chokwadi ndinokunyepa, nasi uchandiramba katatu, usiku ihwohuno, jongwe risati rarira kairi.

31 Asi iye adotsikimidza achiti, "Handipfe ndakurambai, kana zvikatotora kupfa nemi."

Vamwe vese vadotaurawo daro.

Jesu Anonamata muGetsimani

32 Vadosvika panzvimbo inoitiwa Getsimani, Iye ndokuti kuvadzidzi vache, "Garai pano, ini ndichinamata." 33 Adotora Pita, Jakobho naJohwani. Ipopo adothanga kutambudzika zvikuru nokuremehwa. 34 Zvino adoti kwavari, "Mwoyo wangu udosuwitsa, zvokusvika paipfa, rambai muri pano, mudogaririra."

35 Adoenda kurefu pashoma ndokupfugama achinamata kuti dai zvaikwanisika nguwa yakareyo yamupindirira. 36 Zvino adoti, "Baba vangu, zvinhu zvese zvinokwanisika kwamuri, biritsai mukombe wakareyu kwandiri. Mbakurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu."

37 Paadodzoka, adovawana vaenzera, ndokuti kuna Pita, "Simoni, watoenzera? Watadza kugaririra awa ibodzi? 38 Garirirai muchinamata kuti mureke kupinda pamuedzo. Mweya unoda zvawene asi nyama idoneta."

39 Adoenda pakamu achinamata achitaura mashoko mabodzi bodziyo. 40 Paadodzoka pakare, adovawana vaenzera kamu ndava meso yavo yanga yabatiwa nohope zvokutotadza kupenya, futi vadosaya kuti vomupindura kuti chii.

41 Adodzoka kochitatu ndokuti kwavari, "Muchidoenzera nokuzorora? Zvakwana, nguwa yasvika, Mwanakomana woMunhu wapandukihwa achiisiwa mumaoko yovatadzi. 42 Sumukai tiende, onai nyakundipandukira wava papfupi."

Kusungiwa kwaJesu

43 Pasinai nonhambwe yese, achiri kunyaira daro, Judhasi umwe wovanogumi novairi adosvika nogurusvusvu rovanhu vanga vadopakata mapakatwa nomatemo, vachibva kuvaprista vakuru, novanyori, novakuru vovanhu. 44 Nyakumupandukira wanga wavapasa chiratidzo, achiti, "Uyo wandichatsvoda ndiye wacho, musungei muende naye mudomuchengetedza."

45 Paadosvika adobva waenda paari achiti, "Tenzi!" achimutsvoda. 46 Ivo vadobata Jesu ndokumusunga. 47 Zvino umwe wovanga vadomira pakarepo adomworora bakatwa ndokutema muranda womuphirisita achibva wamugwata nzeve. 48 Jesu adoti kwavari, "Mauya kondipamba nai muno mapakatwa nomatemo, kunge muri kuhwisa gananga? 49 Inga ndaidzidzisa muimba yaMwari mazuva yese muripo asi musingandibati, saka regai Magwaro yazazisiwe.

50 Ipopo vadzidzi vese vadotiza vachimusiya.

51 Pavadomusunga, rimwe jaha ridomutevera riri pedzi, ridondozvimonerera biza basi, 52 ridosiya biza ndokutiza riri takwatakwa.

Jesu Pamberi poDare Rovapirisita

53 Ipopo vadoenda naJesu kumukuru wovaphirisita kwanga kudoungana vaphirisita vakuru, vakuru vovanhu, novanyori. 54 Pita adomutevera ari kurefu, adotosvika pachivanze chomuphirisita mukuru, ndokugarikika achiwotha moto pabodzi novachengetedzi. 55 Zvino vaphirisita vakuru nodare rese vadotsvaga pfakazi dzaizonenera Jesu mhosva yoipfa, asi hapanai wavadowana. 56 Vazinji vadopa upfakazi vachimunenera zvomabhwodo, asi upfakazi hwavo hwaipesana.

57 Vamwe vadodzosumuka vachipa upfakazi hwomabhwodo, vachiti, 58 "Tidomunzva achiti, ‘Ndichapwanya imba yaMwari yakarei idovakhiwa nomaoko, ndoita imwe mumazuva matatu, isinai kuvakhiwa nomaoko.’" 59 Asi zvidodaro, upfakazi hwavo hahunai kuwirirana.

60 Muphirisita mukuru adosumuka pamberi podare achibvunza Jesu, "Haupindure nai? Chiiko ichi chavanokupomera?"

61 Asi adoramba adondonyarara, haanai chaadopindura. muphirisita mukuru adomubvunza pakare, "Ndiwe chere Khirisitu Mwanakomana woAdokomborehwa?"

62 Jesu adomupindura achiti, "Ndini, uye uchaona Mwanakomana woMunhu adogarikika kuruoko roruji roMasimba, achiburuka nomakuti kubva kudenga."

63 Ipopo muphirisita mukuru adokerura hembe dzache achiti, "Tichadireiko pfakazi? 64 Manzva kushora Mwari kwaaita. Munoti chii nazvo?"

Vese vadomutongera mhosva yoipfa.

65 Vamwe vadothanga kumusvipira mathe, vachimuvhara chiso, nokumurova vachiti, "Porofita kuti mbani wakurova!" Varindi vadomutambira ndokumukhanda zvibhagera.

Pita Anoramba Jesu

66 Pita achiri pazasi paaigotha moto muchivanze, murandakadzi womuphirisita mukuru adouyawo pakarepo, 67 Paadoona Pita adogotha moto, adomunangaritsa ndokuti, "Naiwewe wanga una Jesu, muNazarini."

68 Asi iye adozviramba achiti, "Zvaunonyaira ndinozvizivaba, kana kuzvinzvitsitsa." Adobirika pakarepo achienda padonangana nopasuwo rikuru. Ipopo jongwe ridorira.

69 Murandakadzi adomuona, ndokuthanga pakare kunyaira kuno vanga vadomira achiti, "Murume wakareyu mabiyavo." 70 Iye adoramba pakamu.

Kwapera kanguwa, vanga vadomira pakarepo vadoti kamu kuna Pita, "Chokwadi iwewe uri mabiyavo, ndava uri woGaririya."

71 Asi adothanga kuzvishurikidza achipika, achiti, "Ndinomuzivaba munhu wakareyu wamunoreva."

72 Pakarepo jongwe ridorira kochipiri. Pita adobva wayeuka zvidotauhwa naJesu kwaari, "Jongwe risati rarira kairi uchandiramba katatu." Paadozvifunga adoiboora mhere achirira,

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-