1 Zvino mumasure moSabata, mambakwedza yozuva rokuthanga rosondo, Mariya woguta roMagadhara noumwe Mariya vadoenda koona guwa. 2 Zvino padoita kugwetedzeka kwonyika kukuru, nokuti ngirozi yaIshe idoburuka kubva kudenga ndokuuya ichikungurutsa ibhwe racho, ndokugarikika pamusoro parene. 3 Kuoneka kwache kwaiita kunge mheni, hembe dzache dzidochena kunge matarara. 4 Nokumucha, varindi vadotetemera vachibva vaoma muviri kunge vapfa.
5 Asi ngirozi idoti kuvakadzi, "Rekai kucha, ndava ndinoziva kuti muri kutsvaga Jesu wanga adorovehwa. 6 Haapo pano, ndava wamuka, sezvaadotaura. Uyai, onai nzvimbo paanga adoradzikiwa. 7 Saka endai nokukurumidza moudza vadzidzi vache kuti wamuka kuvadopfa, nangarai, achakuthangirai kuenda kuGaririya, kwakareko ndokwamuchamuona, Tetekerai, ndakuudzai."
8 Saka vadobva paguwa nokamangu, vachicha asi vadozara nomufaro, ndokubva vatizira vachienda koudza vadzidzi vache.
9 Ipopo, Jesu adobva wakumana navo akati, "Moroi!" Ivo vadouya vachibata tsoka dzache vachimunamata. 10 Ipopo Jesu adoti kwavari, "Rekai kucha, endai konyepa hama dzangu kuti dziende kuGaririya, vachandiona kwakareko."
11 Vachienda kudaro, vamwe varindi vadopinda muguta vachiudza vaphirisita vakuru zvese zvidoitika. 12 Zvino vakuru vovaphirisita vadoungana novatungamiri vovanhu vachipangana, ndokupasa mari mauto 13 vachiti, "Udzai vanhu kuti, ‘Vadzidzi vache vadouya usiku vachimuba isisu tidoenzera.’ 14 Kana izvi zvikasvika munzeve dzomutongi, tichamugutsa tichikubisai mupfumvu."
15 Mauto yadotora mari ndokuita zvavadoudziwa, nyaya yakareyo idopararira pakati povaJudha kusvikira pazuva ranasi.
16 Zvino vadzidzi vanogumi nomubodzi vadoenda kuGaririya, kugomo ravadoraihwa naJesu kuti vaende. 17 Pavadomuona vadomunamata, asi vamwe vadotsakidza. 18 Zvino Jesu adouya kwavari achiti, "Ndidopasiwa chikuriri chese kudenga nopanyika. 19 Nokudaro endai kumarudzi yese muite vadzidzi yomarudzi yese, muvaombeke muzita raBaba noroMwanakomana noroMweya Mutsvene, 20 muchivafundisa kuchengeta zvese zvandidokurairai, onai, ndinemi nguwa dzese kusvika kumagumo yonguwa."