1 Jesu paadopedza kuraira vadzidzi vache gumi novairi, adobva pakarepo ndokuenda kodzidzisa nokuparidza mumaguta yavo.
2 Johwani paanga ari mutorongo adonzva zvomabasa yaKhirisitu, adobva watuma vadzidzi vache kobvunza Jesu. 3 Ivo vadomubvunza vachiti, "Ndimi chere waidzouya, kana kuti kuri kuuya umwe?"
4 Jesu adovapindura achiti, "Endai konyepa Johwani zvamuri kunzva nozvamuri kuona, 5 zvokuti marombe yari kuona, vadotonhora nhengo vari kutekaira, vanomabobo vari kunatsiwa, nomaburunzeve yari kunzva, vadopfa vari kumutsiwa, novarombo vari kuparidzihwa nyaya idonaka. 6 Adokomborehwa asingagumbuhwe nainini!"
7 Pavanga vachienda, Jesu adothanga kunyaira kumhomho pamusoro paJohwani achiti, "Chii chamudoenda koona kusango? Mudoenda koona tsanga yaigwetedzewa nomhepo chere? 8 Saka mudoendereiko kusango? Mudoenda koona munhu adosimira hembe dzinodhura chere? Handiti vanosimira hembe dzinodhura vari mudzimba dzomadzimambo! 9 Saka mudoenderei? Koona muporofiti chere? Inde, ndinokunyepai kuti anokunda muporofiti. 10 Wakareyu ndiye adonyohwa nozvache kuti, ‘Ona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako achakunhadzirira nzira.’ 11 Chokwadi ndinoti kwamuri pakati povadozvahwa novanhukadzi hapanai anokurira Johwani Muombeki. Asi mudikidiki muumambo hwokudenga, mukuru kwaari. 12 Kubva pamazuva yaJohwani Muombeki kusvika zvino umambo hwokudenga huri kuhwisiwa, vanomanira vari kuhutora zvombabvu. 13 Nokuti vaporofiti vese nomutemo vadoporofita kusvikira pana Johwani, 14 futi kana muchida kuzvitambira, ndiye Eriya wanga achidzouya. 15 Anonzeve, mbaatetekere anzve!
16 Asi vanhu vonguwa ino ndingavafananidze nochii? Vadofanana novana vadogarikika pamisika, vachidaidzira kuno vavanotamba navo vachiti, 17 ‘Tidokuridzirai chinonje, asi hamunai kutamba, tidoridza mhere asi hamunai kurira!’ 18 Ndava Johwani adouya asingaje, futi asingamwe, ivo ndokuti, ‘Anoshave!’ 19 Mwanakomana woMunhu adouya achija nokumwa, ivo vadoti, ‘Onai, nyanhafu nomuraradzi, shamwari yovateresi novatadzi!’ Asi uchenjeri hunoruramisiwa nozviito zvahwene."
20 Ipopo adothanga kudzuma maguta maadonyanya kuita mabasa yache yosimba, ndava havanai kupinduka. 21 "Nhamu kwauri Korozini! Nhamu kwauri, Bhetisaidha! Ndava mabasa yosimba yadoitiwa mamuri dai yadoitiwa muThire noSidhoni, dai vadonangidza kupinduka kwavo nokusimira hembe dzomasaga nokuzvikupira rota. 22 Asi ndinokunyepai, pazuva rokutongewa zvichatoredzera zvidonyanya kuTire noSidhoni pana imimi. 23 Naiwepa Kaperenaume, uchakwiridzihwa kusvika kudenga nai? Neye uchaderedzewa kusvika muGehena. Nokuti mabasa yosimba yadoitiwa mauri, dai yadoitiwa muSodhoma, ringadai richiripo kusvika nasi. 24 Asi ndinokunyepa kuti, pazuva rokutongewa zvichanyanya kutoredzera kunyika yoSodhoma pana iwepa."
25 Panguwa yakareyo Jesu adotaura, "Ndinokutendai Baba, Ishe wokudenga nonyika, kuti mudohwanza zvinhu izvi kuno vadochenjera novanonzvitsitsa, muchizvizururira kuvana. 26 Inde, Baba ndava kwakareko ndiko kuda kwenyu.
27 Zvinhu zvese ndidozvipasiwa naBaba vangu, futi hapanai anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, hapanaiwo anoziva Baba kunze kwoMwanakomana nokuno uyo Mwanakomana waanosarudza kuzururira.
28 Uyai kwandiri, imipa mese mudoneta nokuchokwa nomitoro, ndichakupasai zororo. 29 Takurai joki rangu, mudzidze kubva kwandiri, nokuti ndidopfava uye ndino mwoyo unozvininipisa, ipopo muchawanira mweya yenyu zororo. 30 Ndava joki rangu ridopusa, nomutoro wangu udoreruka."