Publicidade

Mateus 13

Mufananidzo woMujari

1 Pazuva ribodzibodziro Jesu adobirika mumba achienda kogara panyasi pogungwa. 2 Gurusvusvu rikuru ridoungana kwaari zvokutoti adodzopinda mukamwadiya ndokugarikika makaremo, gurusvusvu rese ridomira kumhera kwogungwa. 3 Adovanyepa zvinhu zvidowanda nomifananidzo.

Adoti kwavari, "Mujari adoenda kojara mbeu. 4 Paanga achijara, dzimwe mbeu dzidombwerera munzira, tushiri tudouya ndokudzija. 5 Dzimwe mbeu dzidombwerera pamabhwe, padzidosaya ivhu ridowanda. Dzidobva dzamera nokamangu, nokuti ivhu ranga riri rishoma. 6 Asi zuva paridobirika, dzidotsva, futi nondava yokuti mudzi yadzene yanga isinai kudzika pasi, dzidouna ndokuoma. 7 Dzimwe mbeu dzidombwerera panomwinza, mwinza idokura ndokudzivhinga. 8 Dzimwe mbeu dzidombwerera paivhu ridonaka, ndokubereka zvibereko, zvimwe zvidopetewa kazana, zvimwe zvidopetewa makumi matanhatu, zvimwewo zvidopetewa makumi matatu.

9 Anonzeve, mbaatetekere anzve!"

Zvinangwa zvoMifananidzo

10 Ipopo vadzidzi vadouya ndokuti kwaari, "Munonyairireiko kwavari nomifananidzo?"

11 Adovapindura achiti, "Imimi mudopasiwa kuti muzive zvidohwanda zvoumambo hwokudenga, asi ivo havanai kupasiwa. 12 Ndava kuno anazvo achapasiwa zvidowanda, wova nozvizinji, asi asinai nochaanofungacho kuti anacho achatorehwa. 13 Ndicho chikonzero ndichivanyairira nomifananidzo ndava vanoona, vasingaonetsetse, vanonzva, asi vasinganzvitsitse, futi havanzvitsitse. 14 Pavari kuporofita kwaIsaya kuri kuzazisiwa kunoti,

‘Kunzva muchanzva asi musinganzvitsitse,

futi kuona muchaona asi musingaonetsetse,

15 nokuti mwoyo yovanhu vakareva yatindivara,

nonzeve dzavo dzaneta kunzva

futi vatsinzina meso yavo.

Zvidoitihwa kuti varege kudzoonetsetsa nomeso yavo,

nokunzva nonzeve dzavo,

nokunzvitsitsa nomwoyo wavo,

kuti vatendeukire kwandiri,

kuti ndivaporese.’

16 Asi meso yenyu yadokomborehwa, ndava yanoona, nonzeve dzenyu dzidokomborehwa ndava dzinonzva. 17 Chokwadi ndinoti kwamuri, vaporofiti vazinji novadorurama vazinji vaiditsitsa kuona zvamunoona, asi havanai kuzviona nokunzva zvamunonzva, asi vadozvinzvaba."

Jesu Anotsumbudzura Mufananidzo woMujari

18 "Chinzvai manje mufananidzo womujari. 19 Kana munhu akanzva shoko roumambo asi asingarinzvitsitse, adoipa anouya achibvuta chidojariwa mumwoyo mache, yakarei ndiyo mbeu idombwerera munzira. 20 Dzidombwerera pamabhwe nguye anonzva shoko woritambira nokamangu nomufaro. 21 Asi kana asinai midzi maari, anotsungirira kwokanguwa kapfupi. Saka panouya nhamu kana kutambudziwa nokuda kwoshoko, anowa nokamangu. 22 Mbeu idombwerera mumwinza nguye anonzva shoko, asi nokuda kwohanya yozvonyika nokufarira upfumi zvinovhunga shoko, rotadza kuva nozvibereko. 23 Asi mbeu idombwerera paivhu ridonaka nguye anonzva shoko worinzvitsitsa, wobereka zvibereko, zvidopetewa kazana, imwe makumi matanhatu, imwewo makumi matatu."

Mufananidzo woSora

24 Jesu adoisa umwe mufananidzo pamberi pavo achiti, "Umambo hwokudenga hungafananidziwe nomunhu adojara mbeu idonaka mumunda wache, 25 asi vanhu pavanga vadoenzera, mhandu yache idouya ndokujara sora mukati mogorosi, ndokuenda. 26 Saka zvirimwa pazvidomera zvichibereka zvibereko, sora ridoonekawo. 27 Vashandi vomwenekachiro woimba vadouya kwaari vachiti, ‘Tenzi, handiti mudojara mbeu idonaka mumunda menyu, ko sei madzomera sora?’ 28 Iye adoti kwavari, ‘Mhandu ndiyo idoita izvozvi.’ Vashandi vadoti kwaari, ‘Saka munoda chere kuti tiende koridzura?’ 29 Asi iye adoti, ‘Neye, pamunenge muchidzura sora mungadzuririre kubodzi nogorosi. 30 Zvirekei zvikurire pabodzi kusvikira pakukohwa. Panguwa yokukohwa ndichaudza vakohwi kuti vathange kuunganidza sora, vorisunga mumisumbu kuti ripisiwe, vodzounganidza gorosi vachiriisa muchitura changu.’"

Mufananidzo woMbeu yomasitadhi

31 Umwe mufananidzo adoisa pamberi pavo, achiti, "Umambo hwokudenga hudoita kunge kambeu kadikidiki komastadhi kadotohwa nomunhu ndokukajara mumunda mache. 32 Iko kadiki pambeu dzese, asi pakanokura ndiko kanokunda zvirimwa zvomudimba kanotodzoita muti, zvokuti tushiri tomudenga tunouya tuchiita usanza hwatene mumathai yawene."

Mufananidzo woMbiriso

33 Jesu adovanyepa umwe mufananidzo achiti, "Umambo hwokudenga hunenge mbiriso idotohwa nomukadzi achiidira muzviyero zvitatu zvofurau, kusvikira yafufumisa mukanyiwa wese."

Kushandisa Mifananidzo kwaJesu

34 Zvese izvi Jesu adozvinyaira kugurusvusvu zviri mumifananidzo, futi hapanai chaadovanyepa chisiri mumufananidzo. 35 Uku kwanga kuri kuzazisa zvidorehwa nomuporofiti:

"Ndichashamisa muromo wangu mumifananidzo,

Ndichanyaira zvidohwanziwa kubva pakusikiwa kwonyika."

Jesu Anotsumbudzura Mufananidzo woSora

36 Ipopo adosiya gurusvusvu achibva wapinda mumba. Zvino vadzidzi vache vadouya kwaari vachiti, "Titsumbudzurirei zvinoreva mufananidzo wosora mumunda."

37 Adopindura achiti, "Anojara mbeu idonaka ndiye Mwanakomana woMunhu, 38 munda ndiyo nyika, mbeu idonaka inoreva vanakomana voumambo, sora ndivo vanakomana vajabhurosi, 39 mhandu idovajara ndijabhurosi, kukohwa ndiko kuguma kwonyika, vakohwi ingirozi. 40 Sekuunganidziwa kunoitiwa sora richipisiwa nomoto, ndizvo zvichaitika pakuguma kwonyika. 41 Mwanakomana woMunhu achatuma ngirozi dzache, dzichaunganidza kubva muumambo hwache zvese zvinokonzera chitadzo novaiti vozvidoipa vese, 42 dzichavakhandira mubimbimbi romoto, makaremo vanhu vacharira nokugedageda meno yavo. 43 Ipopo vadorurama vachapenya kunge zuva muumambo hwaBaba vavo. Anonzeve, mbaatetekere anzve!

Mufananidzo woPfuma Idosvisviwa

44 "Umambo hwokudenga hunenge pfuma idosvisviwa mukati momunda, idodzowaniwa nomunhu achibva waifuchira, zvino nomufaro wache adoenda ndokutengesa zvese zvaanga anazvo achitenga munda wakareyo.

Mufananidzo woParera

45 "Pakare umambo hwokudenga hudoita kunge munhu womaronda ari kutsvaga usanga hudonakitsitsahwo, 46 iye adoti wawana usanga hudokoshetsa, adoenda ndokutengesa zvese zvaanga anazvo achibva wahutenga."

Mufananidzo woMambure

47 "Pakare umambo hwokudenga hudoita kunge mambure yadokhandiwa mugungwa yachibva yajorera hove dzomarudzi yese, 48 payadozara, vanhu vadoyadhonzera kunze ndokugarikika pasi vachikamura dzidonaka vachidziisa mumidziyo asi vachitaya dzidoipa. 49 Saka zvakarezvo ndizvo zvichaitika pakuguma kwonguwa. Ngirozi dzichabuda dzichikamura vadoipa kubva pano vadorurama, 50 dzichivakhandira muvira romoto, makaremo vanhu vacharira nokugedageda meno yavo."

Chokwadi Chitsva noChokare

51 "Izvozvi zvese mazvinzvitsitsa chere?"

Vadoti kwaari, "Inde."

52 Uye adoti kwavari, "Saka mudzidzisi wese womutemo adodzidzisiwa zvoumambo hwokudenga adoita kunge mwenekachiro woimba anobiritsa kubva papfuma yache zvitsva nozvitsaru."

Jesu Anorambiwa paNazareta

53 Jesu paadopedza mifananidzo yakarei, adobirika kubva pakarepo. 54 achiuya muguta rache adovadzidzisa musinagoge ravo, zvokuti vadoshamisika, vachiti, "Anga munhu iyeyu adowana poi uchenjeri ihwohu nomabasa iyoya yosimba? 55 Anga wakareyu mwanakomanaba womuvezi nai? Amai vache vanoitiwaba Mariya, novanin'ina vache havasi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi chere? 56 Nohanzvadzi dzache dzese hadzisi pano chere? Saka nghupi kwaadowana zvesezvi munhu iyeyu?" 57 Vadobva vaita chisembu naye.

Asi Jesu adoti kwavari, "Muporofiti haasaye kukudziwa kusiya kwomuguta rache nomumba mache basi." 58 Haanai kudzoita mabasa yosimba yadowanda makaremo, nondava yokusatenda kwavo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-