1 Chenjerai kumboitira buya panovanhu kuti vakuonei, ndava munodzowanaba mubairo kubva kuna Baba venyu vari kudenga.
2 Saka kana muchipereka ruyamuro, rekai kuti zvizikane, fanike zvinoitiwa novanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa, kuti varumbidziwe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo. 3 Asi kana muchipereka ruyamuro, rekai kuita kuti ruoko renyu romamose rizive zviri kuitiwa noruoko renyu roruji peno. 4 Kuitira kuti ruyamuro renyu rive romuchihwande. Ndava Baba venyu vanoona zvomuchihwande vachakupasai mubairo.
5 "Futi kana muchinamata, rekai kuita kunge vanyengeri, ndava vanofarira kunamata vadomira mumasinagoge nopamhararano dzonzira, kuti vaonewe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo. 6 Asi kana maakunamata, pindai mumba menyu mukwedekere sasa, monamata kuna Baba venyu ari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo peno.
7 Pakare pakunamata rekai kumbondotutira mashoko kunge zvinoitiwa novasiri vaJudha, ndava vanofunga kuti vachanzviwa nokuda kwomashoko yavo mazinji. 8 Rekai kuita kunge vakarevo. Ndava Baba venyu vanoziva zvamunoda musinati mavakumbira. 9 Saka namatai muchidai,
‘Baba vedu vari kudenga,
Zita renyu mbarikudziwe noutsvene,
10 umambo hwenyu mbahuuye,
kuda kwenyu mbakuitiwe panyika sezvazviri kudenga.
11 Tipasei nasi kuja kwedu kwomazuva yese.
12 Mutiregerere kutadza kwedu,
sekuregererawo kwatinoita vanotitadzira.
13 Rekai kutipinza pamuedzo,
Asi tihwirei kubva pano adoipa.
14 Ndava kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vokudenga vachakuregereraiwo. 15 Asi kana musingaregerere vanhu kutadza kwavo, naBaba venyu havakuregerereiwo kutadza kwenyu."
16 "Pakare kana muchitsanya, rekai kuoneka kudodoma kaso, kunge vanyengeri. Ndava vanosina pazviso kuti kutsanya kwavo kuonewe novanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, vatotambira mubairo wavo. 17 Asi kana uchitsanya, shamba chiso chako uzore mapfuta musoro wako, 18 kuti kutsanya kwako kureke kuonewa novanhu asi naBaba vako vari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo."
19 "Rekai kuzvichengetera pfuma panyika, pano tukumo nongura zvinoiparadza nombavha dzinopasura dzichiba. 20 Asi, zvichengeterei pfuma kudenga, kusinai tukumo nongura zvinoiparadza, kusinai kamu mbavha dzinophasura dzichiba. 21 Ndava pano pfuma yako nomwoyo wako uchavawo pakarepo."
22 "Ziso ndiro mwenje womuviri. Saka kana ziso rako ridonaka, muviri wako wese unenge udozara chiedza, 23 asi kana ziso rako ridonyangara, muviri wako wese unenge udozara rima. Manje kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima rakarero ridokungudza peno!"
24 "Hapanai angashandire anatenzi vairi, ndava achavenga mubodzi achida umwe, kana kuti achatetekera mubodzi achinyozera umwe. Hamukwanise kushandira Mwari nomari.
25 Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai? 26 Nangarai tushiri tomudenga, hatujari kana kukohwa kana kuunganidzira muzvitura, asi zvidodaipo Baba venyu vokudenga vanotuposha! Ko imipa mudokoshaba kutukunda? 27 Anga mbani wenyu angaingidzire kurepha kwoupenyu hwache nokushushikana?
28 Manje munonetsekerei pamusoro pozvokusimira? Cherechedzai maruva yomusango kuti yanokura tini, hayashande kana kurukha. 29 Asi zvidodaipo ndinokunyepai, kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kusimidziwa fanike rimwe royakareya. 30 Zvino kana Mwari achisimidza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukusimidzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!
31 Saka rekai kushushikana muchiti, ‘Tichajei’ kana kuti ‘Tichamwei’ kana kuti ‘Tichapfekei?’ 32 Ndava voyamwe marudzi vasiri vaJudha vanotsvaga zvinhu zvakarezvi zvese. Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munozvida zvese. 33 Asi thangai kutsvaga umambo hwaMwari nokururama kwache, nozvakarezvi zvese zvichava zvenyu kamu. 34 Saka rekai kunetseka pamusoro poramangwana, ndava ramangwana richazvinetsekera rega. Rekai dambudziko rozuva rikwanirane nozuva rakarero."