Publicidade

Mateus 4

Kuedzewa KwaJesu

1 Zvino Jesu adotungamihwa noMweya kusango, kuti aedzewe najabhurosi. 2 Adotsanya kwomazuva makumi manai nousiku makumi manai, mumasure mozvakarezvo adonzva nzara. 3 Muyedzi adouya ndokuti kwaari, "Kana uri Mwanakomana waMwari, raira mabhwe yakareya kuti yave mazingwa."

4 Asi adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari.’"

5 Zvino jabhurosi adomutora ndokumuendesa kuguta ritsvene, achibva wamuisa pakatorotoro poimba yaMwari. 6 Adoti kwaari, "Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi, ndava kudonyohwa kuti,

‘Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako,

dzichakukacha,

kuti gumbo rako rireke kurovera padombo.’"

7 Jesu adoti kwaari, "Kudonyohwa pakare kuti, ‘Damba kuedza Ishe Mwari wako.’"

8 Jabhurosi adomutora pakare ndokuenda naye kugomo rirefurefu ndokumunangidza umambo hwese hwopasi nombiri yahwene. 9 Adobva wamuti, "Ndichakupasa zvakarezvi zvese, kana ukandipfugamira nokundinamata."

10 Manje Jesu adoti kwaari, "Birikapa Sathani! Ndava kudonyohwa kuti, ‘Uchanamata Ishe Mwari wako basi, iye chete ndiye waunoshumira.’"

11 Ipopo jabhurosi adomusiya, zvino ngirozi dzidouya ndokumushandira.

Jesu Anothanga Basa Rache muGaririya

12 Zvino paadonzva kuti Johwani wasungiwa, adoenda kuGaririya. 13 Paadobirika muNazareta, adoenda kogara kuKaperenaume, papfupi nogungwa, mudunhu roZebhuruni noNafutari. 14 Kuti zvidonyaihwa nomuporofiti Isaya zvizazisiwe zvokuti,

15 "Nyika yoZebhuruni nonyika yoNafutari,

kunzira inonanga kugungwa, padonangarana noJorodhani,

Gaririya rovasiri vaJudha,

16 vanhu vaigara murima

vadoona chiedza chikuru,

pana ivo vaigara munyika yomumvuri worufu

chiedza chidovhenekera."

17 Kubva panguwa yakareyo Jesu adothanga kuparidza achiti, "Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi."

Jesu Anodaidza Vabati Vohove Vanai

18 Paanga achifamba panyasi pogungwa roGaririya, adoona vairi, mukoma nomunin'ina, Simoni anoitiwa Pita naAndireya, vachikhanda mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove. 19 Adoti kwavari, "Nditeverei, ndichakuitai varauri vovanhu." 20 Kabodzi nokabodzi vadosiya mambure yavo vachibva vamutevera.

21 Achibirika kubva pakarepo adoona vamwe vairi mukoma nomunin'ina, Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya. Vanga vari mukamwadiya pabodzi nababa vavo Zebhedhiya, vachisonanidza mambure yavo. Jesu adobva wavadaidza, 22 pakarepo vadosiya kamwadiya nababa vavo, ndokumutevera.

Ushumiri hwaJesu

23 Adotenderera muGaririya rese, achidzidzisa mumasinagoge yavo, achiparidza vhangeri roumambo, nokuporesa matenda yese nohodza dzese pakati povanhu. 24 Zvino mukurumbira wache udosvika kunyika inoitiwa Siriya kwese, vadouya kwaari novahwere vese, vaishupika nomatenda nomahwadzo, novaiva nomashave, novaiva nopfavi, novanga vadotonhora nhengo. Adobva wavaporesa. 25 Gurusvusvu rikuru ridomutevera richibva muGaririya nomuDhikaporisi, nomuJerusarema, nomuJudhiya, nokumhiri kwaJorodhani.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-