Publicidade

Mateus 12

Mubvunzo pamusoro poSabata

1 Panguwa yakareyo Jesu adopinda nomuminda yogorosi iri Sabata. Vadzidzi vache vanga vaanonzara, vadobva vathanga kuchora hora dzogorosi vachija. 2 Asi vaFarisi pavadozviona, vadoti kwaari, "Onaka, vadzidzi vako varikuita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata!"

3 Adoti kwavari, "Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga anonzara novanhu vaanga anavo? 4 Adopinda muimba yaMwari, achija pabodzi novanhu vaanga anavo mazingwa yanoera, yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. 5 Kana kuti hamunai kuverenga mumutemo masvipisihwo yanoitiwa Sabata novaphirisita muimba yaMwari, asi vasinai mhosva? 6 Ndinokunyepai, mukuru kukunda imba yaMwari ari pano. 7 Dai maiziva kuti zvakarezvi zvinorevei, ‘Ndinoda tsitsi, aikona chibairo.’ Mungadai musinai kupasa mhosva vasinai mhosva, 8 nokuti Mwanakomana woMunhu ndiShe woSabata."

Murume ano Ruoko Rudoputana

9 Adobva pakarepo ndokupinda musinagoge ravo, 10 makaremo manga muno munhu anoruoko ridoputana. Zvino vadomubvunza vachiti, "Zvinobvumihwa chere kuporesa nomusi woSabata?" Vadonyaira zvakarezvo kuti vawane mhosva yokumunenedzera.

11 Jesu adoti kwavari, "Mbani munhu pamuri, anoti kana hwai rache rawira mugomba noSabata, haaribati achiribiritsa? 12 Munhu adotonyanyitsa kukosha kukunda mahwai! Saka zvinotendehwa kuita zvidonaka nomusi woSabata." 13 Ipopo adoti kumurume uye, "Tambanudza ruoko rako."

Iye adobva waritambanudza, ndokubva rapora, kutofanana norimwe racho. 14 Asi vaFarisi vadobirika vachienda korangana, mabairo yavangamuite.

Muranda Adosaruhwa naMwari

15 Jesu achiziva zvakarezvi adobirika pakarepo, vanhu vazinji vadomutevera. Adovaporesa vese 16 achivatsindikira kuti vareke kutaura kuti iye mbani. 17 Uku kwanga kuri kuzazisa zvidorehwa nomuporofiti Isaya:

18 "Onai muranda wangu wandidosarura,

mudikani wangu anofadza mweya wangu.

Ndichaisa Mweya wangu paari,

iye achazivisa voDzimwe Ndudzi kururamisa.

19 Anopopotaba kana kufurumidza,

hapanai achanzva dzinga rache munzira,

20 tsanga idobvonyewa anoichoraba,

kana kudzima kathambo kadonyekuma,

kusvikira aita kuti kururamisira kukunde,

21 futi muzita rache ndimo muchava notariro yovasiri vaJudha."

Jesu naBheruzabhu

22 Zvino vadouya kwaari nowanga ano shave ari bofu nochimumumu, iye ndokumuporesa, zvokuti chimumumu chidotaura nokuona. 23 Vanhu vese vadoshamisika, vachibva vati, "Anga iyeyu angave Mwanakomana waDhavhiti nai?"

24 Asi vaFarisi pavadozvinzva vadoti, "NdiBheruzabhu chete, jinda romashave, raanodzinga naro mashave murume uyu."

25 Nokuziva pfungwa dzavo, adoti kwavari, "Umambo hwese hunozvipesanisa hunopfuruka, futi hapanai guta kana imba ingamire kana ichizvipesanisa, 26 naSathani kana achidzinga Sathani, ari kutozvipesanisa, saka umambo hwache hunomiraba. 27 Zvino kana Bheruzabhu ari iye wandinodzinga naye mashave, ko vanakomana venyu vanoyadzinga naani? Saka vachava vatongi venyu ndipo. 28 Asi kana uri Mweya waMwari wandinodzinga nawo mashave, kureva kuti umambo hwaMwari hwauya pamuri.

29 Kana kuti munhu angapinde tini mumba momunhu anomasimba achipamba midziyo yache, kunze kwokunge wathanga kusunga nyamasimbayo? Ipopo ndipo peno paangadzopamba imba yache.

30 Uyo asiri pabodzi nainini anopesana nainini, noasingaunganidze nainini anopamwadza. 31 Nokudaro ndinokunyepai, vanhu vachakangamwihwa zvitadzo zvese nokushora, asi kushora Mweya hakukangamwihwi. 32 Futi wese anonyaira shoko rinopikisa Mwanakomana woMunhu achakangamwihwa, asi anonyaira shoko rinopikisa Mweya Mutsvene haakangamwihwe, munguwa ino kana inouya.

Kuziva Muti noMuchero Wawene

33 "Muti udonaka nomuchero wawene udonaka, muti udoipa nomuchero wawene udoipa, ndava muti unozikana nomuchero wawene. 34 Imi vana vonyoka mungataure tini zvidonaka, imimi mudoipa? Ndava muromo unotaura zvizere mumwoyo. 35 Munhu adonaka kubva mupfuma yache idonaka anobiritsa zvidonaka, nomunhu adoipa kubva mupfuma yache idoipa anobiritsa zvidoipa.

36 Ndinokuudzai, pazuva rokutongewa vanhu vachazvidairira pamusoro poshoko rese rokusafunga ravadotaura, 37 ndava nomashoko yako ucharuramisiwa, uye nomashoko yako uchataiwa."

Kupopera Chiratidzo

38 Zvino vamwe vadzidzisi vomutemo novaFarisi vadoti kwaari, "Mudzidzisi tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri."

39 Asi iye adovapindura achiti, "Vanhu vomazuvano vadoipa vasinai kutendeka vanotsvaga chiratidzo: manje hapanai chiratidzo chavachapasiwa kunze kwochiratidzo chomuporofiti Jona. 40 Ndava sezvo Jona adogara mumimba mohove mazuva matatu nousiku hutatu, noMwanakomana woMunhu achavawo mumwoyo wonyika mazuva matatu nousiku hutatu. 41 Vanhu vomuNinivhi vachasumuka pakutongewa vachipasa mhosva vanhu vonguwa ino, ndava vadopinduka pakuparidza kwaJona, onai, umwe mukuru kuna Jona ari pano. 42 Mambokadzi wokuChamhembe kunyika yoShebha achasumuka pakutongwa achipasa mhosva vanhu vonguwa ino, ndava adouya kubva kumagumo yonyika kudzonzva uchenjeri hwaSoromoni, onai, umwe mukuru kuna Soromoni ari pano."

Kudzoka kwoShave

43 "Kana mweya udoipa wabirika mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzisinai mvura uchitsvaga zororo, asi unorisaya. 44 Ipopo unoti, ‘Ndichadzokera kuimba yangu yandidobirika.’ Paunouya unowana imba isinai chinhu, idotsvaihwa, idonhadzihwa. 45 Zvino unoenda wouya noimwe mweya idoipa minomwe idoipitsitsa kuukunda, yopinda kogara makaremo. Mamiriro yokupedzisira yomunhu wakareyo yadonyangaritsa kukunda yokuthanga. Izvozvo ndizvo zvichaitika kuvanhu vonguwa ino vadoipa."

Amai novanin'ina vaJesu

46 Achiri kunyaira novanhu daipo amaache novanin'ina’ina vache vadomira panze, vachikumbira kunyaira naye. 47 Ipopo umwe adomunyepa achiti, "Amai venyu novanin'ina’ina venyu vadokumirirai panze, vari kuda kukuonai."

48 Kumunhu adomunyepa Jesu adopindura achiti, "Amaangu mbani? Vanin'ina vangu mbani?" 49 Adotambanudza ruoko kuvadzidzi vache ndokuti, "Vakareva ndivo amaangu novanin'ina’ina vangu! 50 Ndava wese anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munin'ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-